Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kireshi Isina Matoyi

Kireshi Isina Matoyi

Kireshi Isina Matoyi

NOMUNYORI WEMUKAI! MUGERMANY

Mamwe mangwanani pakapinda vana mukireshi, vakaona kuti makamuri ose akanga asina zvinhu, mangosara fenicha chete. Vakatsvaka zvidhori, zvokutambisa mitambo, uye zvidhori zvemadhende, asi havana chavakawana. Makanga musinawo mabhuku kana zvavaishandisa kuvaka vachiita zvokuturikidzanisa. Makanga musina kunyange mapepa nezvigero. Matoyi ose akanga abviswa uye aizodzorerwa kwapera mwedzi mitatu. Chii chakanga chaitika?

Kireshi iyi ndeimwe yedziri kukurumbira muAustria, Germany, uye Switzerland dziri kuita chirongwa chinoshamisa uye chitsva chinonzi Kireshi Isina Matoyi. Kunyange zvinganzwika sezvinoshamisa, chirongwa ichi, chave chichirumbidzwa zvikuru nenyanzvi dzezvoutano dzeEuropean Union, chine chinangwa chokudzivirira kupindwa muropa. Mumakore achangobva kupfuura vatsvakurudzi vakazonzwisisa kuti vanhu havakurumidzi kupindwa muropa nechinhu chipi zvacho kana vakava nounyanzvi hwokutaurirana nevamwe vachiri vaduku. Mushumo werimwe pepanhau unoti, izvi zvinosanganisira “unyanzvi hwokukurukurirana uye kukwanisa kutanga kutaurirana nevamwe zviri nyore, kupedza kusanzwisisana, kuzvidavirira pane zvaunenge waita, kuzvirongera mabasa, kuziva zvinetso, kuwana rubatsiro, uye kuwana nzira yokuzvipedza nayo.” Maererano nevanotsigira chirongwa ichi, unyanzvi uhwu hunofanira kuvandudzwa munhu achiri muduku sezvinobvira, uye nguva yokuti vasave nematoyi inobatsira kuti chinangwa ichi chibudirire, ichikurudzira kuzviitira zvinhu uye kuzvivimba.

Zvakanga zvanyatsorongwa uye zvakurukurwa nevabereki nevana kuti pasava nematoyi kwemwedzi mitatu. Pakutanga, vamwe vana vanenge vasingazivi zvokuita kana vasina matoyi. “Kune mamwe makireshi vana vanosindimara kwemavhiki mana okutanga,” uye vanoronga chirongwa ichi vanoshaya zvokuita, unodaro mushumo wacho. Asi vana vanotanga kujaira uye vanodzidza kuzviitira zvinhu. Vasina matoyi okutambisa, vana vanokurukura, vanoronga, uye vanotamba vose, vanenge vachitovandudza unyanzvi hwokushamwaridzana nevamwe uye hwomutauro. Vamwe “vainzvenga” kutaura nevamwe vachingotambisa matoyi avo vava kutanga kutsvaka shamwari. Vabereki vakacherechedzawo kuti pakava nokuchinja kwakanaka. Vabereki vakati, vana vaiita zvakanaka pavaitamba uye vainge vava kuzviitira zvinhu zvavo kupfuura kare.