Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubata Pamuviri Kwevachiri Kuyaruka—Dambudziko Riri Munyika Yose

Kubata Pamuviri Kwevachiri Kuyaruka—Dambudziko Riri Munyika Yose

Kubata Pamuviri Kwevachiri Kuyaruka—Dambudziko Riri Munyika Yose

KUBATA pamuviri kwevachiri kuyaruka kwave kuchinzi idenda. Zvisinei, ukuru hwedambudziko rinokonzerwa nechinetso ichi hunonyatsooneka kana tikafunga manzwire anoita musikana mumwe chete achiri kuyaruka anotya anenge abata pamuviri. Kungotaura zvishomanana, zvinhu zvichachinja zvikuru muupenyu hwake zvichikanganisa kwete iye bedzi asiwo mhuri yake uye vadiwa vake.

Vachiri kuyaruka vari munguva inonzi neBhaibheri ‘kuyaruka’—nguva iyo chido chokurara nomumwe munhu chinenge chakanyanya. (1 VaKorinde 7:36) Asi, kungava kunyanyorerutsa kuona kubata pamuviri kwevachiri kuyaruka sokungokundikana kushandisa zvinodzivirira kubata pamuviri. Uchapupu hunoratidza kuti kubata pamuviri kwevachiri kuyaruka kunosanganisira nhau dzakaoma kunzwisisa dzemagariro uye dzepfungwa.

Zvikonzero Zvacho

Kutsvakurudza kunoratidza kuti vanaamai vakawanda vachiri kuyaruka vanobva mumhuri dzakaparadzana. “Muupenyu hwangu hwose chandainyatsoda imhuri yakabatana” ndizvo zvinowanzotaura vachiri kuyaruka vakawanda vanenge vane pamuviri. Saka zviri pachena kuti mhuri dzinoparadzana dzingakonzera kuti vachiri kuyaruka vave nepamuviri. Chimwe chirongwa chokubatsira vanaamai vachiri kuyaruka chakaratidza kuti kazhinji “havana ukama hwakanaka navanaamai vavo uye havatombowirirani navanababa vavo.” Anita, akava amai ava nemakore 18, anoyeuka kuti kunyange zvazvo amai vake vakanga vasina murume vaishanda nesimba kuti vamutarisire, Anita akanga achiri kushushikana mupfungwa zvichikonzerwa nokusavapo kwababa vake.

Vamwe vasikana vanova vanaamai vasina kuroorwa zvakonzerwa nokubatwa chibharo. Kune vamwe vavo, dambudziko racho rinenge rinokonzera kushungurudzika kunozooneka pava paya munhu achiita zvinokuvadza. Somuenzaniso, Jasmine akabatwa chibharo aine makore 15. Anoyeuka kuti, “Pashure pacho handina kuzombotya kuzvikuvadza. Pandakanga ndava nemakore 19 ndakabata pamuviri.” Kubatwa chibharo kunogonawo kukonzera pfungwa yokusazvikoshesa. “Handina kumbonzwa ndichikodzera chimwe chinhu,” anochema kudaro Jasmine. Anita akasanganawo nenjodzi yakafanana: “Pandaiva nemakore ari pakati pe7 ne11, ndakashungurudzwa nomukomana akanga achiri kuyaruka. Ndakazvivenga. Ndakazvipa mhosva.” Akabata pamuviri aine makore 17.

Ukuwo, vamwe vechiduku vanobata pamuviri nemhaka yokunyanyozvivimba uye kuda kuziva. Nicole, ane mashoko ataurwa munyaya yapfuura, anobvuma kuti: “Ndaifunga kuti ndakanga ndava kuziva zvinhu zvose, kuti ndaigona kuita zvinhu zvose. Zvinosuruvarisa kuti ndakanga ndava kugonawo kuita mwana.” Carol, uyo akavawo amai vasina kuroorwa achiri muduku, akasarudza kurara nomurume nemhaka yokuda kuziva. Anoti, “Ndaifunga kuti pane zvimwe zvinhu zvandakanga ndisiri kuwana muupenyu hwangu.”

Kusaziva zvinoitika kana vanhu vakarara pamwe chete ndechimwewo chikonzero. Maererano nenyanzvi dzezvemagariro evanhu, Karen Rowlingson naStephen McKay, muBritain, vamwe vechiduku “havana zivo yakarurama pamusoro . . . pezvinotarisirwa mukudanana uye kuti kubata pamuviri kunosanganisirei.” Zvinoita sokuti vamwe vechiduku havazivi kuti kurara nomunhu kunogona kuita kuti vabate pamuviri. Mune kumwe kuongorora, vanaamai vachiri kuyaruka “vanowanzotaura kuti vakarohwa nehana kana kuti vakashamiswa pavakaziva kuti vakanga vabata pamuviri kunyange zvazvo vakanga vasingashandisi zvinodzivirira kubata pamuviri.”

Kunyange zvakadaro, maonero ava kuitwa kurara pamwe chete kwevanhu ndiwo ari kunyanya kukonzera kuti vari kuyaruka vabate pamuviri. Tiri kurarama munguva iyo vanhu vari ‘kuda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari.’ (2 Timoti 3:1-4) Vatsvakurudzi vokuAustralia, Ailsa Burns naCath Scott vanoti, “zvirango zvinopiwa vaya vanorara nomumwe munhu wavasina kuroorana naye zvave zvishoma munzanga, muzvitendero, uye mune zvoupfumi.” Kuva nomwana usina kuroorwa hakuchanyanyi kushorwa sezvakwaiitwa kare. Ndokusaka mune dzimwe nzvimbo vachiri kuyaruka vangatoona kuva nomwana soushasha kana kuti sechimwe chinhu chinoita kuti vakudzwe!

Zvazvinozoita Mupfungwa

Kuva amai uchiri kuyaruka kwakasiyana nezvaunofungidzira uchiri muduku. Pavanoziva kuti vava nepamuviri, vasikana vanowanzovhiringidzika zvikuru mupfungwa. Vakawanda vanobvuma kuti vakarohwa nehana kana kuti vakashamiswa. “Vakawanda vanowanzogumbuka, kunzwa vane mhaka, uye kusada kubvuma zvinenge zvaitika,” rinodaro sangano reAmerican Academy of Child and Adolescent Psychiatry. Zvisinei, kusada kubvuma zvinenge zvaitika kunogona kuva nengozi sezvo kungatadzisa musikana kurapwa kwaanenge achifanira kuitwa.

“Ndakatya,” Elvenia anoyeuka nezvenguva yaakaziva migumisiro yokuda kwake “kuziva uye kunakidzwa” nokurara nomurume. Vasikana vakawanda vane pamuviri havana munhu wavangataurira kana kuti vanonyara zvikuru kutaura zvavanenge vari. Saka, hazvishamisi kuti vamwe vacho vanokurirwa nokunzwa vaine mhaka uye kutya. Vachiri kuyaruka vakawanda vanoorawo mwoyo zvakanyanya. “Ndakanga ndisina hanya nokurarama, uye ndakanga ndisisina basa nokufa,” anodaro Jasmine. *

Pasinei nezvingaitwa nomusikana muduku pakutanga, anotofanira kuzoita zvisarudzo zvakawanda zvakakomba zvake nezvomwana wake. Nyaya yedu inotevera ichakurukura kuti vasikana vaduku vangaita sei zvisarudzo izvi nokuchenjera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Kana uchida mamwe mashoko ezvingaitwa nezvemanzwiro okuda kuzviuraya, ona nyaya inoti “Life is Worth Living,” iri muMukai! yeChirungu yaOctober 22, 2001.

[Bhokisi riri papeji 7]

Kubata Pamuviri Kwevachiri Kuyaruka—Chokwadi Chinorwadza

Kunyange zvazvo zvinotevera zvichiratidza zviri kuitika muUnited States, zvinoratidza zvimwe zvinetso zvinotarisana nevachiri kuyaruka vane pamuviri munyika yose.

● Vasikana vana pagumi vanobata pamuviri vasati vasvitsa makore 20—kubata pamuviri kwevachiri kuyaruka vanopfuura 900 000 gore negore.

● Vanaamai vachiri kuyaruka vanenge 40 muzana vari pasi pemakore 18.

● Vana vanoberekwa nevabereki vachiri kuyaruka vanoshungurudzwa zvakanyanya uye vanoregeredzwa kupfuura vana vanoberekwa nevabereki vakura.

● Pana vanaamai vari pasi pemakore 18, vana pagumi ndivo chete vanopedza chikoro.

● Vanababa vanoda kusvika 80 muzana havaroori vanaamai vachiri kuyaruka vavanenge vane vana navo.

● Pana vanaamai vachiri kuyaruka vanoroorwa pashure pokunge mwana wavo aberekwa, vanenge 30 muzana ndivo chete vanoramba vaine varume vavo; vanoroorana vachiri kuyaruka vangangotadza kubudirira nekaviri pane vaya vanoroorana mukadzi ava nemakore anenge 25.

● Vana vanoberekwa navanaamai vachiri kuyaruka vangangoberekwa nguva yavo isati yakwana uye vasingaremi zvakakodzera, zvichiita kuti pave nomukana wakawedzera wokuti vafe vachiri vacheche, woupofu, wokuva matsi, wezvinetso zvisingaperi zvokufema, wepfungwa dzisina kunyatsoti kwesere, wechirwere chepfungwa, wechirwere chokusagona kudzora muviri, wokutadza kuverenga, uye wokusagadzikana.

[Kwazvakatorwa]

Mashoko aya akabva mumabhuku anonzi Not Just Another Single Issue: Teen Pregnancy Prevention’s Link to Other Critical Social Issues, The National Campaign to Prevent Teen Pregnancy, February 2002.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

Kubata Pamuviri Kwevachiri Kuyaruka Munyika Yose

BRAZIL: Zvinonzi, “vasikana 698 439 vachiri kuyaruka vari pasi pemakore 19 vakava nevana muna 1998 maererano neBrazilian State Health System . . . pavasikana ava 31 857 vaiva vana vezera remakore ari pakati pe10 ne14, ramunobvuma kuti izera duku zvikuru kuti rive nomwana.”—Folha de S. Paulo, August 25, 1999.

BRITAIN: “Britain ndiyo ine nhamba huru zvikuru yevanobereka vachiri kuyaruka muWestern Europe . . . Muna 1997, muEngland maiva nevachiri kuyaruka vanenge 90 000 vakabata pamuviri. Vanenge zvikamu zvitatu muzvishanu (56 000) vakasununguka, uye 90 muzana yevayaruki (vanenge 50 000) vakasununguka muna 1997 vakanga vasina kuroorwa.”—Lone Parent Families, 2002.

MALAYSIA: “Kubvira muna 1998 vana vanoberekwa navanaamai vanenge vasina kuroorwa munyika yacho vakawedzera, vazhinji vevanaamai vacho vava kusvika makore 20.”—New Straits Times–​Management Times, April 1, 2002.

RUSSIA: “Pavana vose vakaberekwa muRussia gore rakapfuura, vanenge chikamu chimwe chete muzvitatu vakaberekwa navanaamai vasina kuroorwa, nhamba inopfuura nekaviri yemakore gumi akapfuura uye pamwero usina kumbobvira waitika kubvira pakaitika Hondo Yenyika II, sezvinoratidzwa nenhamba dzehurumende. Vana vanodarika 40 muzana pane ivava vakaberekwa nevachiri kuyaruka.”—The Moscow Times, November 29, 2001.

UNITED STATES: “Pasinei nokudzikira kwouwandu hwevanobata pamuviri munguva ichangopfuura, vasikana vana pagumi vanobata pamuviri kanenge kamwe chete vasati vasvitsa makore 20.”—Whatever Happened to Childhood? The Problem of Teen Pregnancy in the United States, 1997.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kana vabereki vakarambana, ngozi yokuti vachiri kuyaruka vabate pamuviri inowedzera

[Mufananidzo uri papeji 6]

Zvinoita sokuti vamwe vechiduku havazivi kuti kurara nomunhu kunogona kuita kuti vabate pamuviri

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kubata pamuviri kunokanganisa zvikuru vose musikana nevadiwa vake