Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsirwa uye Kudzivirirwa Kwevechiduku

Kubatsirwa uye Kudzivirirwa Kwevechiduku

Kubatsirwa uye Kudzivirirwa Kwevechiduku

ZVINORWADZA mwoyo apo musikana—anenge achiri mwanawo zvake—anova nepamuviri asina kuroorwa. Zvisinei, kwose kwose, vachiri kuyaruka vanobata pamuviri uye zvinovhiringidzawo munhu wose. Dambudziko rokubata pamuviri kwevachiri kuyaruka rinongova humwe uchapupu hwokururama kwomurayiro waMwari wokuti: “Tizai ufeve.”—1 VaKorinde 6:18.

Kunyange zvakadaro, zvinowanzoitika kuti musikana muduku anenge adzidziswa nzira dzaMwari anosarudza kusateerera kana kuramba zvaanoziva. Anoita unzenza uye anozviwana ava nepamuviri. VaKristu vechokwadi vanoita sei? Kana wechiduku anenge atsauka iyeye akaratidza kuti apfidza, vabereki vake nevamwe vomuungano yechiKristu vanofanira kumubatsira uye kumutsigira.

Chimbofungazve nezvaNicole. Vabereki vake vaimurera kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha. Saka zvakavarwadza zvikuru paakava nepamuviri asina kuroorwa. Asi, Nicole anoyeuka achiti, “Vamwe vangu vechiKristu vaiuya kumba kwedu vachiedza kundikurudzira kudzidza Bhaibheri uye kuti ndirambe ndiri pedyo naJehovha.”

Chokwadi Zvapupu zvaJehovha hazvitenderi unzenza. Asi zvinoziva kuti kana vakashandisa zvinotaurwa neBhaibheri, vanoita zvakaipa vanogona ‘kushandurwa.’ (VaRoma 12:2) Zvine kutenda kusingazununguki kwokuti Mwari anokanganwira vanoita zvakaipa vanopfidza. (VaEfeso 1:7) Zvinozivawo kuti kunyange kana mwana akaberekwa pasina muchato, mwana wacho anenge asina mhosva. Saka pane kushora mwana iyeye, vari muungano yechiKristu vanomuratidza rudo rukuru, tsitsi, nomutsa sezvavanongoitirawo vamwe vana vanenge vari pakati pavo.—VaKorose 3:12.

Vamwe amai vasina kuroorwa vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vakakurumidza kugamuchira shoko reBhaibheri ndokuchinja zvikuru upenyu hwavo. Vakati nezveZvapupu: “Vose vakatifarira nomwoyo wose ini nevana vangu. Vaitipa zvokudya nezvipfeko pazvainge zvakakodzera uyewo vaitiyamura nemari. Pandakanzi ndava kukwanisa kuitawo ushumiri neZvapupu zvaJehovha, vaisara nomwana wangu. Vakaita zvose zvavaikwanisa kundibatsira kuti nditange kuda Jehovha chaizvoizvo.”

Kudzivirira

Kunyange zvakadaro, zviri nani chaizvo kubatsira vechiduku kuti vadzivise zvinetso izvozvo pakutanga. Saka, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuti vana vazvo vave mumhuri dzine ushamwari uye rudo. Pane kungovimba nemashoko okutyisidzira—anosimudzira kutya AIDS kana kubata pamuviri—Zvapupu zvinoedza kudzidzisa vaduku vazvo kuti vanyatsoda Jehovha Mwari nemitemo yake. (Pisarema 119:97) Zvinodavira kuti vana vanofanira kuudzwa mashoko akarurama nezvokurara pamwe chete kwevanhu. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti zvinodavira kuti kubvira paucheche vana vanofanira kudzidziswa tsika dzinotaurwa muBhaibheri. (2 Timoti 3:15) Zvinopiwa mirayiridzo yakarongwa muDzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, vabereki vari Zvapupu vanokurudzirwawo kudzidza Bhaibheri nevana vavo vari voga. Mabhuku akadai serokuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, akanyorwa kuti abatsire vabereki kudzidzisa vana vavo tsika. *

Kuita maererano netsika dzinotaurwa muBhaibheri kunopesana nounzenza hwakanyanya hwapararira munyika. Asi ndiyo nzira yokurarama nayo ingadzivirira mamiriyoni evasikana vechiduku padambudziko rokuva nepamuviri vachiri kuyaruka.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 12]

VaKristu vechokwadi vanobata vanaamai vasina kuroorwa nomutsa uye vane hanya navo