Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurumidza Kuva Vanaamai

Kukurumidza Kuva Vanaamai

Kukurumidza Kuva Vanaamai

“Mukomana wangu akanga akanaka. Aiva nemari, uye taigona kuenda kunofara kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Pandakaona mazuva angu okuenda kumwedzi apfuura, ndakabva ndaziva kuti ndakanga ndava nepamuviri. Amai vangu ndaizovaudza sei? Zvakaitika sei kwandiri? Ndakanga ndichingova nemakore 16, uye ndakanga ndisingazivi zvokuita.”—Nicole.

NHASI Nicole, * ava nemakore ari pakati pe30 ne40, ndiamai vane chivimbo uye vanobishaira vane vana vatatu. Dangwe rake rine makore 20. Chokwadi, mumakore apfuura akanga ari mumwe wemamiriyoni evari kuyaruka vakava nepamuviri vasina kuroorwa. Kungofanana navamwe vanaamai vachiri kuyaruka, akakaruka ava mumadhaka ezvinetso zvisingadzivisiki, zvisarudzo zvakaoma, uye kushaya tariro.

Nicole haawanzotauri nezvemarwadzo, kunetseka, kutya, kugumbuka, uye kuora mwoyo zvaakasangana nazvo mumakore ake okupedzisira okuyaruka—nguva iyo vezera rake vakanga vachinetseka pamusoro pezvipfeko zvavo uye pokubudirira muzvidzidzo zvavo zvokuchikoro. Kunyange zvakadaro, zvakaitika kuna Nicole zvaigona kugadzirisika. Aibva mumhuri yakanga iine rudo chaizvo iyo yakanga yaedza kumudzidzisa tsika dzakanaka. Kunyange zvazvo akanga arega kuteerera tsika idzodzo kwekanguva—akatambura nezvakazoitika—nokufamba kwenguva, tsika idzodzi dzakazoita kuti ave noupenyu hunogutsa uye hune chinangwa. Akanga ava kungogara achiti, “Zvose zvaunoda unogona kuzviita.”

Zvinosuruvarisa kuti, havasi vanaamai vari kuyaruka vose vane mhuri dzinobatsira—kana kuti vanoona zvinhu nenzira yakanaka yakadaro. Vakawanda vanozopepuka vava mumamiriro ezvinhu anoita seasina tariro ourombo. Vamwe vanofanira kurarama vachifunga nezvemarwadzo akakonzerwa nokubatwa chibharo uye chisimba zvavakaitirwa.

Zvinetso zvinosangana navanaamai vari kuyaruka zvinogona kukanganisa vana vavo. Bhuku rinonzi Teen Moms—The Pain and the Promise rinoti, vana vevabereki vari kuyaruka “vanowanzoberekwa vasingaremi zvakakodzera, vanowanzobatwa nezvirwere zvevaduku zvakawanda, vanofa zvakanyanya vari vaduku, utano hwavo hautarisirwi zvakatsarukana, vanotambura zvikuru nenzara uye kushaya zvokudya zvinovaka muviri; vanobatwa nechisimba, uye vanononoka kukura pane vaya vanoberekwa navanaamai vanenge vakura.” Kutaura zvazviri, vanasikana vanoberekwa navanaamai vari kuyaruka kazhinji vanozongovawo vanaamai vachiri kuyaruka kupfuura vaya vanoberekwa navanaamai vakura.

Kubata pamuviri kwevachiri kuyaruka kwakapararira zvakadini? Vanaamai vachiri kuyaruka vangabudirira sei kukurira zvinetso zvokurera vana vavo? Pane nzira yokubatsira nayo vechiduku kuti vasatombopinda mutsekwende yakadaro here? Nyaya dzinotevera dzichaongorora mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mamwe mazita ari munyaya dzino dzinotevedzana akachinjwa.