Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunwa Zvakanyanyisa Kwakaipirei?

Kunwa Zvakanyanyisa Kwakaipirei?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Kunwa Zvakanyanyisa Kwakaipirei?

“Kunyange zvazvo takanga tichinwa doro kwemaawa akawanda, ini neshamwari yangu takabva pamutambo wacho na1:00 pakati pousiku, tiine bhodhoro redu re‘whiskey.’ Takatanga kufamba tichienda kumba—tichinwa. Chandichiri kuyeuka izuva rakanga rava kubuda, uye ndakaziva kuti takanga tarasika. Kutaura zvazviri, takanga tatevedza nzira hombe yemotokari. Zvinoshamisa kuti nei tisina kutsikwa.”—Clay. *

KUNWA ZVAKANYANYISA. Vamwe vanokurondedzera sokungonwira kudhakwa. Mushumo wakabudiswa neU.S. National Institute on Alcohol Abuse and Alcoholism wakaedza kurondedzera zvakananga. Wakati kunwa zvakanyanyisa “kunorondedzerwa sokudutira mabhodhoro edoro mashanu kana kupfuura kunoitwa nevarume, uye mabhodhoro edoro mana kana kupfuura kunoitwa nevakadzi.”

Vakuru vakuru vezvoutano vomuUnited States vanoti kunwa zvakanyanyisa “ndicho chinetso chikuru choutano chevanhu vakawanda.” Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa pavana vechikoro chesekondari vokuEngland, Scotland, uye Wales, “anenge munhu mumwe pavanhu vana voga voga vezera remakore 13 ne14 akataura kuti ‘akambonwa’ mabhodhoro edoro anopfuura mashanu panguva imwe chete.” Inenge hafu yevanhu vose vane makore 15 ne16 vakaongororwa vakati vakanga vambozviitawo.

Pane kumwe kuongorora kwakaitwa muUnited States, vadzidzi vaviri pavanhu vashanu vakanga vambonwa zvakanyanyisa kanenge kamwe chete muvhiki mbiri ongororo yacho isati yaitwa. Maererano neU.S. Department of Health, “mamiriyoni anenge 10,4 evachiri kuyaruka vane makore 12 kusvika ku20 vakataura kuti vanonwa doro. Pane ivavo, mamiriyoni 5,1 vainwa zvakanyanyisa uye zvaisanganisira mamiriyoni 2,3 vainwa zvokudarikidza mwero kanenge kashanu pamwedzi.” Kumwe kuongorora kwakaitwa muAustralia kwakaratidza kuti vasikana vakawanda kupfuura vakomana munyika iyoyo vanonwa zvakanyanyisa—vachinwa mabhodhoro ari pakati pe13 ne30 panguva imwe chete!

Vakawanda vacho vanonwa vakurudzirwa nevamwe vaduku. Mutsvakurudzi anonzi Carol Falkowski anoshuma kuti: “Mitambo yokunwa mitsva yokusakendenga iri kuwedzera: zvinoitwa neboka nechinangwa chokunwira kudhakwa. Somuenzaniso, vamwe vanoda kuti vatambi vose vanwe doro shoma rinonyanya kudhaka panguva inenge yakatsaurwa yeshoo yepaTV kana kuti pavanenge vachikurukura seboka.”

Kunwa Zvakanyanyisa—Ngozi Dzacho

Kunyange zvazvo vamwe vanhu vangaona kunwa doro zvakanyanyisa somutambo, mutambo wacho une ngozi zvikuru! Doro rakawandisa rinoita kuti mhepo yokufema isasvika kuuropi; mabasa anokosha anoitwa mumuviri anomira. Zviratidzo zvacho zvingabatanidza kurutsa, kufenda, uye kuzarirwa kana kuti kutadza kufema zvakanaka. Dzimwe nguva munhu anogona kufa. Unenge mwedzi mumwe pashure pokunge apedza kudzidza pachikoro chesekondari, Kim ane makore 17 akaenda kumabiko ainzi munhu anonwa kusvika paanodira. Kim akanwa mabhodhoro 17 asati afenda. Mukoma wake akabva auya akaenda naye kumba. Mangwanani akatevera, amai vaKim vakamuwana afa.

Kunwisa hakuwanzokonzeri rufu zvakananga, asi kunokonzera chinetso kuutano. “Doro rinogona kukuvadza chero nhengo ipi zvayo mumuviri mako,” anodaro chiremba wepfungwa anonzi Jerome Levin. “Doro rinonyanya kukuvadza tsinga dzinotumira mashoko kuuropi, chiropa, nemwoyo.” Imwe nyaya iri mumagazini inonzi Discover inoti: “Kutsvakurudza kutsva kunoratidza kuti vechiduku vanonwa doro vari kuzvisikira moto muziso. Nemhaka yokuti pfungwa dzavo dzinenge dzichiri kuvavarira kusvitsa makore okumakumi maviri, vayaruki vanonwa zvakanyanyisa vangaparadza chikamu chikuru chepfungwa dzavo.” Kungogara uchinwa doro kunokonzerawo mburwa dzakanyanya, kukurumidza kuunyana ganda, kufuta, kukuvara kwenhengo dzomukati momuviri, kupindwa muropa nedoro, uye nezvinodhaka.

Pane dzimwe ngozi dzinokonzerwawo nokunwa doro zvakanyanyisa. Zvingangova nyore kuti ubatwe zvisina kufanira kana ukadhakwa. Zviri nyore kuti urohwe kana kubatwa chibharo. Uyezve, ungangokonzera njodzi kune vamwe, uchiita zvinhu nounhu husingadzoreki izvo zvawaisazombofunga kuita usina kudhakwa. Saka Bhaibheri rinoyambira kuti kana ukanwa zvakanyanyisa, “meso ako achaona zvisingazivikanwi, mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama.” (Zvirevo 23:33) Migumisiro inorwadza ingasanganisira kuparara kwoushamwari, kutadza kuita zvakanaka kuchikoro nokubasa, mbiri yokupara mhosva, uye urombo. *Zvirevo 23:21.

Kufurirwa Kunwa

Pasinei nengozi idzodzo, doro riri kusimudzirwa chaizvo uye rinowanika nyore munyika dzakawanda. Kutaura zvazviri, kunwa doro kunotorwa sechinhu chakanaka muTV uye muzvikamu zvokushambadza zvemagazini. Kunyange zvakadaro, kakawanda vanhu vaduku vanonwa zvakanyanyisa nemhaka yokufurirwa nevamwe vavo.

Muongororo yokungwadza vanhu pamusoro pedoro yakaitwa muAustralia, vechiduku 36 muzana vakabvunzurudzwa vakati vainwa “kuti vafananewo nevamwe vavo pavaitandara.” Munyonganyonga “yepamutambo wokunwa doro,” munhu angave achinyara ndiye anogona kusekesa vamwe pamutambo wacho sezvo vezera rake vanomukurudzira kuramba achingonwa. Wechiduku anonzi Katie akaendeswa kumba ava pakoma pashure pokunge anwa zvakanyanyisa. “Shamwari” yake yakanga yamupa doro, ichiti: “Inwa kani, Katie, watova chimhandara. Unofanira kudzidza kuhudhudhudza.”

Kuda kunakidzwa, uye kuda kuita zviri kuitwa nevamwe kwakasimba chaizvo zvokuti pasinei nouchapupu huri pachena hwokuti kunwa zvakanyanyisa kune ngozi, kuri kuramba kuchikurumbira.

Uchasarudza Chii?

Mibvunzo inomuka yokuti: Uchasarudza chii kana toreva nezvokunwa? Uchangotevedzera vezera rako here? Yeuka zvinotaura Bhaibheri pana VaRoma 6:16 kuti: “Hamuzivi here kuti kana muchiramba muchizvipa kumunhu sevaranda kuti mumuteerere, muri varanda vake nokuti munomuteerera?” Kana ukarega vezera rako vachidzora zvose zvaunoita, unobva wava muranda wavo. Bhaibheri rinokukurudzira kuti uzvifungire. (Zvirevo 1:4) Rine mazano anogona kukubatsira kuti usaite zvikanganiso zvakakura. Ona zvarinotaura pamusoro pedoro.

Chaizvoizvo, Bhaibheri harishori kunwa doro, harirambidziwo vechiduku kuti vanakidzwe. Zvisinei, rinoyambira nezvokunwa zvakanyanyisa. “Waini mudadi, doro mupopoti; ani naani unobatwa nazvo, haana kuchenjera,” inodaro Zvirevo 20:1. Kutaura zvazviri, doro rinogona kuita kuti munhu aite zvinhu zvisina musoro uye zvokuda kuonererwa! Chokwadi, ringakuita kuti ufare kwenguva pfupi, asi ukanyanya kurinwa, ri“noruma senyoka,” richikusiya wakuvara mumuviri nomupfungwa.—Zvirevo 23:32.

Chimwe chinhu chokufunga nezvacho ndechokuti munyika dzakawanda mune zera risingabvumirwi kunwa doro. VaKristu vanoteerera mitemo yakadaro. (Tito 3:1) Mitemo iyi yakaiswa kuti ikudzivirire.

Pakupedzisira, uye zvinonyanya kukosha, funga nezvokuti kunwa doro zvakanyanyisa kunokanganisa sei mune zvokunamata. Jehovha Mwari anoda kuti umushumire “nepfungwa dzako dzose”—kwete nepfungwa dzakakanganiswa pasina chikonzero nokunwa doro zvakanyanyisa! (Mateu 22:37) Shoko raMwari rinoshora kwete bedzi “kunyanyisa pawaini” asiwo “nguva dzokunwira kudhakwa.” (1 Petro 4:3) Saka kunwa zvakanyanyisa kunopesana nezvinodiwa noMusiki wedu. Kunwisa kwakadaro kunogona kutadzisa munhu kuva noukama hwapedyo naMwari.

Unofanira kuitei kana wabatwa mumusungo wokunwa zvakanyanyisa? Kurumidza kutsvaka rubatsiro nokutaura nomubereki kana muKristu ane ruzivo. * Nyengetera kuna Jehovha Mwari woteterera kuti akubatsire. Pashure pezvose, “ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” (Pisarema 46:1) Sezvo kunwa zvakanyanyisa uye kunwa kwevezera riri pasi pomutemo kuchiwanzokonzerwa nokuda kufanana nevezera rako, zvingada kuti uchinje shamwari dzako nevaraidzo. Kuchinja kwakadaro hakusi nyore, asi unogona kubudirira uchibatsirwa naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 11 Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa neUnited States, “vanowanzonwa zvakanyanyisa vaiva nomukana wokupotsa zvidzidzo nekasere kupfuura vaya vanonwa zvine mwero, wokusarira mumashure nebasa rechikoro, kurwadziwa kana kukuvadzwa, kana kukuvadza midziyo.”

^ ndima 21 Mune zvimwe zviitiko zvingada kuti ubatsirwe nachiremba.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 31]

Kunwa Zvakanyanyisa—Nhamba Dzinosiririsa

Nhamba dzinotevera dzinoratidza migumisiro inosuruvarisa yokunwa zvakanyanyisa kunoitwa nevadzidzi vepakoreji muUnited States:

Rufu: Vadzidzi 1 400 vepakoreji vari pakati pezera remakore 18 ne24 vanofa gore roga roga vakuvara mutsaona dzinokonzerwa nokunwa doro, kusanganisira kubonderana kwemotokari

Kukuvara: Vadzidzi 500 000 vari pakati pezera remakore 18 ne24 vanokuvara mutsaona vakadhakwa nedoro

Kurohwa: Vadzidzi vanopfuura 600 000 vari pakati pezera remakore 18 ne24 vanorohwa nomumwe mudzidzi anenge anwa

Kubatwa Zvisina Kufanira Mune Zvepabonde: Vadzidzi vanopfuura 70 000 vari pakati pezera remakore 18 ne24 vanobatwa zvisina kufanira mune zvepabonde nokuti vanenge vakadhakwa kana kuti vanobatwa chibharo nevanhu vavanodanana navo

[Kwazvakatorwa]

Kwakabva mashoko: The U.S. National Institute on Alcohol Abuse and Alcoholism

[Mufananidzo uri papeji 29]

Vezera rako vangakukurudzira kuti unwe zvakanyanyisa