Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutarisana Nezvinetso Zvokuva Amai Uchiri Kuyaruka

Kutarisana Nezvinetso Zvokuva Amai Uchiri Kuyaruka

Kutarisana Nezvinetso Zvokuva Amai Uchiri Kuyaruka

KUBATA pamuviri kwevachiri kuyaruka kunounza mutoro wokuita zvisarudzo zvevanhu vakura. “Ndinonzwa sendava nemakore 40,” vanodaro vamwe amai vachiri kuyaruka. “Handina kutamba uduku hwangu.” Zvechokwadi, paanoziva kuti ava nepamuviri, musikana muduku angakurirwa zvikuru nokutya uye kuzvidya mwoyo.

Kana wabata pamuviri uchiri kuyaruka, unganzwawo uchikurirwa zvikuru. Zvisinei, hapana chaunogadzirisa kana ukabvumira pfungwa dzisina kunaka kuti dzikutadzise kuita zvimwe zvinhu. “Unogara achicherekedza mhepo haangakushi;” rinodaro Bhaibheri, “uye unotarira makore, haangacheki.” (Muparidzi 7:8; 11:4) Murimi anorega kushanda nemhaka yokunetseka pamusoro pemamiriro okunze achatadza kuita zvinodiwa. Usarega kushanda. Uchazongofanira kurarama upenyu hwako uye kutakura mitoro yako.—VaGaratiya 6:5.

Ndezvipi zvaungaita? Vamwe vangakuudza kuti ufunge nezvokubvisa pamuviri. Asi izvi hazviitwi nevaya vanoda kuchinja kuti vafadze Mwari, sezvo Bhaibheri richijekesa kuti mutemo waMwari haubvumiri kubvisa pamuviri. (Eksodho 20:13; 21:22, 23; Pisarema 139:14-16) Mukuona kwaMwari, upenyu hwomwana achangobva kunambwa—hunokosha—kunyange hwouya anenge aitwa nevanhu vasina kuroorana.

Zvakadini nokuroorana nababa vomwana wacho mobatsirana kurera mwana wenyu? Pamwe ungafunga kuti kunyange zvazvo kuroorana nababa vacho kusingakubatsiri hako, kungaita kuti usanyanya kunyara. Asi kunyange kana baba vechiduku vachinzwa vaine mutoro wokuti vabatsire kurera mwana wavo, kuroorana hachisi chisarudzo chokuchenjera nguva dzose. * Kukwanisa kubereka vana kwejaya hakurevi kuti rine pfungwa nemano zvinodiwa kuti rive murume akanaka uye baba. Uyewo hazvirevi kuti rine mari yokuriritira mudzimai nomwana. Uyezve, kana jaya racho riine dzidziso dzechitendero dzakasiyana nedzako, kuroorana naro kunopesana nomurayiro weBhaibheri wokuroorana “munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39) Zvinoitika zvinoratidza kuti kumhanyira kuroorana nguva isati yasvika—uye zvimwe kwenguva pfupi—kungangoguma nokumwe kurwadziwa uye kutambura.

Zvakadini nokupa vamwe vanhu kuti varere mwana wako? Kunyange zvazvo zviri pachena kuti izvi zviri nani pane kubvisa pamuviri, unofanira kufunga kuti pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma, une mukana wokurera uye wokukudza mwana wako.

Kutarisana Nezvinetso

Kutaura zvazviri, kurera mwana usina kuroorwa hakusi nyore. Zvisinei, kana ukatevera zvinotaurwa neBhaibheri nepaunogona napo pose uye ukavimba naMwari kuti akusimbise uye kuti akutungamirire, unogona kubudirira kutarisana nezvinetso zvakawanda. Heano mamwe matanho aunogona kutora achakubatsira kuti ubudirire.

● Gadzirisa ukama hwako naMwari. Ziva kuti kurara nomunhu wausina kuroorana naye chivi kuna Mwari—mhosva inopesana netsika dzake dzakakwirira. (VaGaratiya 5:19-21; 1 VaTesaronika 4:3, 4) Saka, kupfidza uye kukumbira kuregererwa naMwari ndiyo nhanho yokutanga inokosha. (Pisarema 32:5; 1 Johani 2:1, 2) Chokwadi, unganzwa usingakodzeri kubatsirwa naye. Zvisinei, Jehovha anovimbisa kuti achatikanganwira, uye anobatsira vaya vanopfidza zvikanganiso zvavo. (Isaya 55:6, 7) Pana Isaya 1:18, Jehovha anoti: “Kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku [zvichirema, zvakakomba], zvichachena sechando [zvichacheneswa zvakakwana].” Bhaibheri rinokurudzirawo vanoita zvakaipa kuti vashandise rubatsiro rwomudzimu runopiwa nevakuru vakagadzwa veungano.—Jakobho 5:14, 15.

Rega kurara nomunhu wausina kuroorana naye. Izvi zvingangoreva kugumisa ukama nababa vomwana wako. Kuenderera mberi noukama uhu musina kuroorana kunongokuisa pamuedzo wokupfuurira kuita zvisingafadzi Mwari. Usambokanganwa kuti mitemo yaMwari, kunyange zvazvo ichiita seyakaoma, yakaisirwa kuti itichengetedze. Nicole, ane mashoko ambotaurwa munyaya dzino, anoyeuka kuti: “Ndakazoona kuti Mwari akarurama. Anoda kutibatsira.”—Isaya 48:17, 18.

Udza vabereki vako. Zvakakodzera kuti utye kuti vabereki vako vachakugumbukira. Chokwadi, vachashatirwa uye vachanetseka pavachaziva kuti une pamuviri. Vangatofunga kuti vakatadza kukurayira sevabereki vozvipa mhaka pamusoro pokusazvibata kwako. Zvisinei, kana vabereki vako vachitya Mwari zvechokwadi, zvimwe kurwadziwa kwacho kuchapfuura nokufamba kwenguva. Vabereki vako, uye pasinei nezvikanganiso zvako, vanokuda. Kana vachiona kuti uri kupfidza, pasina mubvunzo vachakurudzirwa kuti vatevedzere zvakaitwa nababa vomwanakomana akarasika vomumuenzaniso waJesu, vobva vakukanganwira norudo.—Ruka 15:11-32.

Ratidza kuti unoonga. Vabereki, voukama, neshamwari vanowanzobatsira uye kutsigira zvikuru. Somuenzaniso, vabereki vako vangaronga kuti urapwe. Pashure pokunge mwana wako aberekwa, vangakubatsira kudzidza kutanga kutarisira kacheche; vangabatsirawo nokurera mwana wacho. Nicole anoti nezvaamai vake, “Ndaiva nomwana, asi vaiita zvakawanda kuti vandibatsire.” Shamwari dzingakubatsirawo, zvichida noungwaru dzichikupa zvipfeko zvomwana nezvimwe zvinhu zvingabatsira. (Zvirevo 17:17) Kana ukaratidzirwa mutsa, tevedzera zano reBhaibheri ‘woratidza kuti unoonga.’ (VaKorose 3:15) Mashoko okuonga anogona kuita kuti vaya vanobatsira vasanzwe sokuti zvavanenge vachiita norudo hazvisi kuongwa.

Dzidzira unyanzvi hwokuva mubereki. Zvechokwadi, haufaniri hako kutarisira kuchengetwa nemhuri yako neshamwari nokusingaperi. Saka tanga kudzidzira unyanzvi huchakubatsira kutarisira mwana wako uye kutarisira imba yako zvakanaka. Kudzidzira kutarisira mwana wako kwakaoma. Pane zvakawanda zvaunofanira kudzidza pamusoro pezvokudya zvinovaka muviri, utano, uye dzimwe nzira dzokutarisira nadzo mwana. Zvinofadza kuti Bhaibheri rinokurudzira vakadzi vakura vechiKristu kuti vakurudzire vakadzi vaduku ‘kuita mabasa epamba.’ (Tito 2:5) Hapana mubvunzo kuti amai vako—uye zvichida vamwewo vakura vari muungano yechiKristu—vanogona kukudzidzisa zvimwe zvinokosha.

Shandisa mari nokuchenjera. Bhaibheri rinoti “mariwo chitaviridzo.” (Muparidzi 7:12) Kuberekwa kwomwana kuchaita kuti pashandiswe mari yakati wandei.

Pakutanga ungada kutsvaka rubatsiro runopiwa voruzhinji rwaunogona kuwana. Zvisinei, kazhinji kacho musikana anenge achiri kufanira kutarisirwa nevabereki vake mune zvemari. Kana mamiriro ako ezvinhu akadaro chaizvo, kungava kuchenjera uye kuva nehanya kusashandisa mari yakawanda. Kunyange zvazvo pasina mubvunzo kuti ungada kutengera mwana wako zvinhu zvitsva, zvichida unogona kuchengetedza mari nokutenga muzvitoro zvinotengesa zvinhu zvakamboshandiswa kana kuti mumisika.

Edza kuwana dzidzo. “Vakachenjera vanozvichengetera zivo,” inodaro Zvirevo 10:14. Kunyange zvazvo izvi zvichinyanya kushanda kuzivo yeBhaibheri, zvinoshandawo kudzidzo yenyika. Unofanira kudzidzira unyanzvi hunodiwa kuti urarame.

Ichokwadi kuti zvakaoma kuenda kuchikoro uku uchitarisira mwana. Zvisinei, kushaya dzidzo yakakwana kunogona kuita kuti iwe nomwana wako murarame muri varombo, mutarisire kutsigirwa nesangano rehurumende, mutambire mari shoma, muve nepokugara pasina kutsarukana, kana kuti kushaya zvokudya zvinovaka muviri. Saka kana zvichibvira, ramba uchienda kuchikoro. Amai vaNicole vakamukurudzira kuti apedze chikoro, uye Nicole akazokwanisa kurovedzwa somubatsiri wegweta zvakazoita kuti azvitarisire.

Unodii kutsvakurudza kuti uone kuti mikana ipi yedzidzo iripo? Kana uchiona zvakaoma zvikuru kuenda kuchikoro, ungaongorora kana uchikwanisa kudzidza uri pamba. Somuenzaniso, kudzidza makosi uri pamba kungabatsira mumamiriro ako ezvinhu.

Unogona Kubudirira

Zvakaoma kurera mwana usina kuroorwa kana uri musikana muduku. Asi unogona kubudirira! Kana ukashivirira, ukatsunga, uye uchibatsirwa naJehovha Mwari, unogona kuva mubereki ane rudo, anokwanisa. Uye vana vevanaamai vasina kuroorwa vanogona kukura kuva vanhu vakuru vane pfungwa dzakagadzikana. Chokwadi ungatowana mufaro wokuona mwana wako achiteerera zvaunomurovedza nezvaunomudzidzisa, oda Mwari.—VaEfeso 6:4.

Nicole anotaura achiti: “Ndichibatsirwa naMwari—ndakava nomufaro wokubatsira kasikana kangu kuti kave musikana ane mutsa, anoremekedza, uye anogona kutakura mutoro—zvinhu zvaiita sezvisingabviri. Kana ndichimutarisa ndinoyeuka usiku hwose hwandaitadza kurara asiwo zvinoita kuti ndifare zvikuru.”

Zvisinei, vanhu vakuru vanofanira kubata sei vanaamai vachiri kuyaruka nevana vavo? Pane nzira ipi neipi here yokubatsira vechiduku kuti vasarwadziwe vasati vabata pamuviri vachiri kuyaruka?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Nyaya inotaura nezvemitoro nezvinetso zvinotarisana navanababa vechiduku vasina kuchata inogona kuwanwa muchikamu chinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” muMukai! yaMay 8, 2000 neyaJune 8, 2000.

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Vanaamai vachiri kuyaruka vanotarisana nezvinetso zvakawanda pakurera vana vavo vaduku

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kumhanyira kuroorwa uchiri muduku hakusi iko kunopedza zvinetso

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vakuru vechiKristu vanogona kubatsira vechiduku vanenge vakanganisa kuti vagadzirise ukama hwavo naMwari

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kuchenjera kuti vanaamai vasina kuroorwa vapedze chikoro