Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kubata Sei Vakwegura?

Tinofanira Kubata Sei Vakwegura?

Zvinotaura Bhaibheri

Tinofanira Kubata Sei Vakwegura?

MUCHIRIMO cha2003, zviuru zvevanhu zvakafa muEurope yose pamusana pokupisa kwakanyanya kwakanga kusati kwamboitika muKondinendi yacho mumakore 60. Vakawanda vakafa vaiva vakwegura. Vamwe vakanga vasiyiwa vari voga nehama dzavo dzakanga dzaenda kuzororo. Zvinonziwo vamwe vainge varegeredzwa kana kuti kufuratirwa nevashandi vomuzvipatara uye vomumisha inochengeterwa vakwegura vainge vaneta nokushanda. Pepanhau rinonzi Le Parisien rakashuma kuti muParis moga, zvitunha 450 hazvina kutorwa nehama dzazvo. “Tiri kurarama mumamiriro ezvinhu akadii zvokuti tinobva takanganwa vanababa, vanaamai, vanasekuru navanambuya vedu?” rakabvunza kudaro pepa racho nezvevaya vakafa vari voga uye vasinganyatsozivikanwi.

Munyika umo vanhu vane makore 65 zvichikwira vari kuwedzera zvisina kumboitika ne795 000 mwedzi woga woga, kutarisira zvinodiwa nevakwegura kwazova chimwe chezvinhu zvinonetsa zvikuru nhasi. “Munyika yose vanhu vakwegura vari kuwedzera zvisati zvamboitika uye tichada kunyatsoongorora kuti nyika dzichaita sei kuzvinetso uye mikana yokukwegura,” akadaro Nancy Gordon, mumwe wevanotungamirira mapurogiramu okuverenga vanhu eU.S. Census Bureau.

Musiki wedu anofarirawo vakwegura. Kutaura zvazviri, Shoko rake Bhaibheri, rinotiratidza nzira yokuvabata nayo.

Kuremekedza Vakwegura

Mutemo waMwari, wakapiwa Mosesi, waikurudzira kuremekedza vakwegura. Mutemo wacho waiti: “Unofanira kusimukira wachena bvudzi, nokukudza mutana.” (Revhitiko 19:32) Vanamati vanoteerera vaMwari vaitarisirwa “kusimukira” vakwegura (1) sechiratidzo chokukudza munhu akura uye (2) souchapupu hwokutya kwokuremekedza Mwari kwevanamati vacho. Saka vakwegura vaifanira kuremekedzwa uye vaifanira kuonekwa sevanhu vanokosha.—Zvirevo 16:31; 23:22.

Kunyange zvazvo nhasi vaKristu vasiri pasi pomutemo waMosesi, nhungamiro yawo inoratidza zvinodiwa uye zvinokosheswa naJehovha, zvichisiya pasina mubvunzo kuti anokoshesa vakwegura. Nhungamiro idzi dzakanzwisiswa nenhengo dzeungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga. Uchapupu hwokutanga hweizvi hunotaurwa mubhuku reBhaibheri raMabasa. PavaKristu vaiva muJerusarema panguva iyoyo paiva nedzimwe chirikadzi dzaishayiwa. Hapana mubvunzo kuti vanoverengeka vadzo vaiva vanhu vakwegura. Vaapostora vakagadza ‘varume vanomwe vanopupurirwa’ kuti vave nechokwadi chokuti vakadzi ava vagamuchira zvokudya zvezuva nezuva nenzira yakarongeka, vachiona kutarisira chaiko kwakadaro se“basa rakafanira” reungano.—Mabasa 6:1-7.

Muapostora Pauro akaratidza kuti nhungamiro yo‘kusimukira vakwegura’ yaishandawo kuungano yechiKristu. Akaudza Timoti mutariri wechiKristu wechiduku, kuti: “Usatsoropodze kwazvo murume akura. Asi, muone sababa, . . . vakadzi vakura sevanaamai.” (1 Timoti 5:1, 2) Kunyange zvazvo Timoti muduku akanga ane simba rakati pavaKristu vakwegura, akaudzwa kuti arege kuzvidza murume akwegura. Panzvimbo pezvo, aifanira kumuteterera noruremekedzo sababa. Uye aifanira kuratidza rukudzo rwakafanana kuvakadzi vakwegura vaiva muungano. Kutaura zvazviri, muapostora Pauro akanga achirayira Timoti—kusanganisirawo nhengo dzose dzeungano yechiKristu—kuti ‘dzisimukire vakwegura.’

Chokwadi, vanhu vanoda Mwari havafaniri kuita zvokupiwa mutemo kuti vabate vakwegura nechiremera norukudzo. Funga muenzaniso womuBhaibheri waJosefa, akashandisa nechido zvaaiva nazvo kuti aunze baba vake vakanga vakwegura kuEgipita, achiponesa Jakobho akanga ava namakore 130 panzara yakanga yatekeshera. Paakaona baba vake kokutanga pashure pemakore anopfuura makumi maviri, Josefa “akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.” (Genesi 46:29) Kunzwira tsitsi vakwegura uye kuvaremekedza zvikuru kusati kwatombova mutemo pavaIsraeri, Josefa akaratidza maonero aMwari nezvaakaita.

Muushumiri hwake Jesu pachake akaratidza kuva nehanya nevakwegura. Akashora zvakasimba vatungamiriri vechitendero vainzwa vachizvipembedza pavairegeredza vabereki vavo vakwegura nokuda kwetsika dzavo dzechitendero. (Mateu 15:3-9) Jesu akatarisirawo norudo amai vake. Paakanga achirwadziwa zvikuru ari padanda rokutambudzikira, akava nechokwadi chokuti amai vake vakwegura vaizotarisirwa nomuapostora wake waaida Johani.—Johani 19:26, 27.

Mwari Haasiyi Vakavimbika Vake

Munyori wepisarema akanyengetera, achiti: “Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; musandisiya kana ndapera simba.” (Pisarema 71:9) Mwari ‘haarasi’ vashumiri vake vakatendeka kunyange ivo pachavo vava kunzwa kuti havasisina basa. Munyori wepisarema haana kunzwa kuti asiyiwa naJehovha; asi, aiziva kuti aitofanira kunyanya kuvimba noMuiti wake sezvaaikwegura. Jehovha anotsigira munhu wacho muupenyu hwake hwose nokuda kwokuvimbika kwake. (Pisarema 18:25) Kutsigira kwakadaro kunowanzobva kuvaKristu vatinonamata navo.

Tichifunga zviri pamusoro apa, zviri pachena kuti vose vaya vanoda kukudza Mwari vanofanirawo kukudza vakwegura. Zvechokwadi vakwegura vanokosha mukuona kwoMusiki wedu. Sezvisikwa zvakaitwa mumufananidzo wake, nguva dzose ngatiratidzei maonero aMwari “vakwegura.”—Pisarema 71:18.

[Mufananidzo uri papeji 17]

VaKristu vanokudza uye vanoremekedza vakwegura