Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinodiwa Chaizvo Nepwere

Zvinodiwa Chaizvo Nepwere

Zvinodiwa Chaizvo Nepwere

Kwemakore vaverengi, vaduku nevakuru, vave vachitaura kuti bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rinotaura chaizvo zvinofanira kuzivikanwa nepwere. Mumwe musikana ari mumakore ake okuyaruka wokuSinaloa, Mexico, akakumbira makopi gumi ebhuku racho achiitira dzimwe shamwari dzake. Akati kunyange asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, akafarira bhuku racho chaizvo, achitsanangura kuti, “Ndinokuremekedzai zvikuru.”

Akati: “Ndine shamwari zhinji dzine mibvunzo yakawanda pamusoro poupenyu hwadzo hwanhasi. Ndakadziratidza bhuku racho, uye dzakarifarira zvikuru. Bhuku racho rakanaka zvikuru uye rine zvose zvingada kuzivikanwa nepwere.” Akakumbira kana zvaizobvira kuti mabhuku acho atumirwe zvikoro zvisati zvavharwa.

Bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku rine zvitsauko 39. Izvi zvinosanganisira zvinoti: “Ndinogona Sei Kuita Kuti Vabereki Vangu Vandipe Rusununguko Rukuru?” “Ndinogona Sei Kuita Shamwari Chaidzoidzo?” “Zvakadiniko Nevatano Pamberi Peroorano?” uye “Ndinoziva Sei Kana Ruri Rudo Chairwoirwo?” Unogona kukumbira bhuku iri rine mapeji 320 nokuzadza kopani rinotevera woritumira pakero iripo kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Pasina zvandinovimbisa, ndiri kukumbirawo bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.

□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.