Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuderedza Kufutisa Kunobatsira Here?

Kuderedza Kufutisa Kunobatsira Here?

Kuderedza Kufutisa Kunobatsira Here?

MUKAI! yakabvunzurudza vanhu vakawanda vakarwisana nezvinetso zvokufutisa. Vakawana migumisiro yakanaka here? Vanotii kune vamwe vane dambudziko iri?

▪ Ngatimbobvunzai Mike, ane makore 46, akareba masendimita 183 uye pari zvino anorema makirogiramu 130. Paairema zvikuru, aisvika makirogiramu 157.

Mike: “Kunyange pandaiva muduku, ndakanga ndakafuta. Ndezvemhuri—mukoma wangu nehanzvadzi dzangu vose vakafuta. Takanga tiine tsika yokusasiya zvokudya mundiro, kunyange payainge yakazarisa. Chii chakaita kuti ndichinje madyiro angu? Pandakaudzwa nachiremba kuti ndakanga ndava pangozi yokuva nechirwere cheshuga! Ndakatya zvikuru pandakaziva kuti ndaizogara ndichizvibaya majekiseni kwoupenyu hwangu hwose. Ndaivawo nechinetso chakakomba chemafuta akawandisa uye ndaifanira kurapwa.

“Ndaiva nebasa randaiita ndakangogara, uye izvozvo hazvina kuchinja. Saka kuti nditsive izvi, ndine purogiramu yokurovedza muviri nguva dzose, inosanganisira kushandisa muchina wokurovedza muviri kwehafu yeawa kanenge katatu pavhiki. Danho rinokosha rinotevera raiva rokunyora pasi zvandaidya zuva roga roga. Kuziva kuti nyanzvi yezvokudya yaizoongorora zvandaidya vhiki yoga yoga kwakandibatsira kuti ndizvidzore. Ndakafunga kuti, ‘Kana usingazvidyi, haufaniri hako kuzvinyora!’

“Izvi zvakaita kuti ndiderere nemakirogiramu 28 mumwedzi 15, kunyange zvazvo ndichiri kuda kuderera neakawanda, sezvo ndichida kusvika pamakirogiramu 102. Kuti ndisvike ipapa, ndakarega kudya tumwe twokudyira-dyira, machipisi, uye zvokudya zvinenge zvakasanganiswa nenyama. Mumwedzi ichangopfuura ndakadya miriwo yakawanda kudarika zvandati ndaita muupenyu hwangu hwose!

“Chimwe chinhu chakaita kuti ndide kuderedza uremu imhaka yokuti somutyairi werori, ndinofanira kuongororwa nachiremba gore roga roga kuitira kuti rezinesi rangu rirambe richishanda. Ndakanga ndava patsekwende yokurasikirwa nerezinesi rangu nokuti ndakanga ndava pangozi yokuva nechirwere cheshuga. Iye zvino zvinhu zvachinja. Handichafaniri hangu kurapwa kuti mafuta ari mumuviri wangu adzikire. BP yangu yadzikira, uye handichanyanyi kuirapwa. Ndava nesimba rakawanda, uye kunyange zvinetso zvangu zvakakomba zvomusana zvava zvishoma. Zvishoma nezvishoma ndiri kubuda muchikwata chevanhu vakafutisa!”

Mukai!: “Mudzimai anogona kubatsira pakuderedza uremu here?”

Mike: “Kana uchiedza kuderedza uremu, unofanira kuva nomunhu anokukurudzira. Mudzimai wangu aimbofunga kuti ari kundiratidza rudo nokundipa zvokudya zvakawanda. Asi iye zvino anondibatsira nokuderedza zvokudya zvangu. Zvinokosha kuti ndisaregeredza izvi, nokuti ndikadaro, ndinowedzera uremu zvakare.”

▪ Funga nezvomumwe murume anonzi Mike, wokuKansas, U.S.A. Ane makore 43 uye akareba masendimita 173. Takamubvunza kuti paainyanyorema aiva nemakirogiramu mangani uye zvakakonzera chinetso chake chokurema.

Mike: “Pandairema zvikuru ndaiva nemakirogiramu 135. Ndaigara ndakaneta uye ndisina simba rokuita chero chinhu chipi zvacho. Ndakanga ndisingarari nemhaka yezvinetso zvokufema. Saka ndakaenda kuna chiremba, uye akandiudza kuti chimwe chaiita kuti ndifute chaiva chirwere chokumbotadza kufema munhu akarara. * Akataurawo kuti ndaiva neBP yakakwira.”

Mukai!: “Zvinetso zvako zvakagadziriswa sei?”

Mike: “Chiremba akandikurudzira kuti ndishandise chinhu chinondibatsira kufema pandinenge ndakarara. Izvi zvinoita kuti pahuro pangu pavhurike, uye ndigone kufema zvakanaka. Izvi zvaiita kuti ndive nesimba rakawanda mukati mezuva uye uremu hwangu hwakatanga kudzikira. Ndakatangawo kushandisa muchina wokurovedza muviri katatu pavhiki. Ndakazvinyima zvimwe zvokudya, izvo zvaireva kurega zvimwe zvokudya uye kusadzokorora kana ndisina kuguta. Iye zvino ndaderera nemakirogiramu 20 munguva inoti pfuurei gore, uye ndiri kuda kuderera nemamwe makirogiramu 20. Zvinotora nguva, asi ndinoziva kuti ndinogona kuzviita.”

Mukai!: “Ndezvipi zvimwe zvakakukurudzira kuti ude kuderedza uremu?

Mike: “Hazvinakidzi kunzwa vamwe vachiita majee uye vachitaura zvakaipa nezvechitarisiko chako. Vanhu vanowanzofunga kuti uri munhu ane usimbe. Havazivi kuti kufutisa kunokonzerwa nezvakawanda. Ndinofunga kuti kwandiri, dambudziko racho ringangove rakabva kuvabereki, sezvo vakawanda vomumhuri yangu vakafuta.

“Zvisinei, ndinobvuma kuti, uremu hwangu kuti huderere, ndinofanira kuramba ndichishanda uye kusadya zvose zvose.”

Mukai! yakabvunzawo Wayne wokuOregon, ane makore 38. Paaiva nemakore 31, airema makirogiramu 112.

Wayne: “Ndaiva nebasa randaiita ndakagara uye ndakanga ndisingarovedzi muviri. Pandakanoona chiremba wangu, ndakashamisika kuziva kuti ndakanga ndava neBP yakakwira uye ndava pangozi yokurwara nemwoyo. Akanditi ndiende kunoona nyanzvi yezvokudya. Akaita kuti ndive nepurogiramu yakaoma yokurovedza muviri uye yokudya zvokudya zvishoma. Ndakatanga kufamba makiromita mashanu pazuva ndisingamiri, uye ndaimuka mangwanani oga oga kuti ndirovedze muviri. Ndaifanira kuzvidzidzisa zvakare nezvemadyiro angu uye zvandainwa. Ndakarega zvokudya zvisingavaki muviri uye ndakadya chingwa chishoma uye ndakarega kunwa zvinwiwa zvine soda, ndokuzvitsiva nemichero nemiriwo. Iye zvino ndava kurema makirogiramu 80!”

Mukai!: “Zvii zvinobatsira zvawakaona?”

Wayne: “Ndinofunga kuti ndava noutano hwakanaka uye ndava kunyatsorarama zvakare. Kare, zvaiita sokunge ndakanga ndisiri kurarama, kana sokunge ndakanga ndakamira. Zvimwe zvakanaka zvakaitika ndezvokuti ndakakwanisa kurega mishonga yeBP yakakwira. Uye ndinofunga kuti ndinogona kutarisana nevanhu, ndichiziva kuti vanenge vasiri kunditsoropodza nemhaka yokufutisa.”

▪ Charles (harisi zita rake chairo) akareba masendimita 196. Paainge akanyanya kufuta, airema makirogiramu 168.

Charles: “Ndaiva nezvinetso zvakakomba zvoutano, uye zvakaramba zvichiwedzera kuipa. Ndakanga ndisingagoni kukwira masitepisi. Ndakanga ndisina simba rokuti ndiite basa rangu. Ndinoshanda ndakagara, uye basa rangu rinosanganisira kutsvakurudza uye kuona kuti zvimwe zvinhu zvaitwa. Ndaiziva kuti ndaifanira kuderedza uremu hwangu, kunyanya pandakanga ndaona chiremba wangu. Akandinyevera kuti ndakanga ndava kuda kuva nesitiroko. Ndakaona kuti chii chinoitika munhu paanobatwa nesitiroko. Izvi zvakaita kuti ndione kuti ndaifanira kuderedza uremu. Chiremba wangu akandirongera purogiramu yaaiongorora yokurovedza muviri ndichishandisa muchina wokurovedza muviri, uye ndakaomeserwa pane zvandaifanira kudya. Iye zvino, zvapapera rinenge gore, ndava nemakirogiramu 136, ndinoziva kuti ndinofanira kudzikira neakawanda. Zvinhu zvinobatsira zvandatoona zvinoita kuti ndive nechokwadi chokuti kurega zvimwe zvinhu kwacho kwakakodzera. Iye zvino ndinogona kukwira masitepisi, uye ndine simba rakawanda.”

▪ Marta, anobva kuEl Salvador, aimborema makirogiramu 83. Izvi zvaimuita kuti anzi akafutisa kana tichienzanisa nourefu hwake hwemasendimita 165.

Marta: “Ndakaenda kuna chiremba, uye akasimbisa kuti ndaifanira kutanga kuderedza uremu. Ndakaremekedza zano rake sachiremba. Akanditi ndinoona nyanzvi yezvokudya kuti indipe mazano. Nyanzvi yacho yezvokudya yakatsanangura nemashoko akadzama zvikonzero zvepurogiramu yandaizofanira kutevedzera. Yakandiratidza nzira yokuderedza nayo zvokudya zvangu nokuramba ndichiongorora zvandaidya. Pakutanga, ndaifanira kuenda kwairi vhiki yoga yoga; uye gare gare, mwedzi woga woga, kuti ione kuti ndakanga ndichiita zvakanaka zvakadini. Chiremba wacho nenyanzvi yezvokudya vakandirumbidza nokudzikira kwandakanga ndichiita. Ndakapedzisira ndaderera nemakirogiramu 12, uye iye zvino ndiri kuramba ndiri pamakirogiramu anenge 68.”

Mukai!: “Zvakadini nokurovedza muviri uye kurapwa?”

Marta: “Ndakanga ndisina dambudziko remafuta akawandisa, uye ndaisafanira kurapwa. Mupurogiramu yangu yezuva nezuva ndakawedzera kufamba kwandaiita ndichikurumidza.”

Mukai!: “Waiita sei pawaishanyira shamwari, dzokumanikidza kuti udye zvakawanda kupfuura zvaunogara uchidya?”

Marta: “Ndaingovaudza kuti ‘Chiremba wangu anoda kuti ndizvinyime zvimwe zvokudya kuitira utano hwangu,’ uye kazhinji vaisazondimanikidza.”

Saka kana wakafuta kana kuti wakafutisa, chii chaungaita nezvazvo? Chirevo chekare ichi ndechechokwadi chinoti, “Kure ndokusina, kwachiri unofa wasvika.” Une chido uye wakatsunga kuita chimwe chinhu nezvazvo here? Somwana kana kuti munhu mukuru akafuta, ndezvipi zvaunosarudza? Unongova nezvisarudzo zviviri, kuderedza uremu kana kuti kuva nemakore mashoma okurarama muupenyu hwako. Rovedza muviri, uye gutsikana nezvaunoita—kunyange muzvinhu zviduku zvakadai sesaizi yezvipfeko zvako!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Kana uchida mamwe mashoko nezvechirwere chokumbotadza kufema munhu akarara, ona Mukai! yaFebruary 8, 2004, mapeji 10-12.

[Bhokisi riri papeji 19]

“Liposuction” yakakunakira here?

Chii chinonzi liposuction? Rimwe duramanzwi rinorondedzera richiti: “Kuvhiyiwa kwokunatsiridza chitarisiko pachibviswa mafuta akawandisa mune dzimwe nhengo dzomuviri, dzakadai sezvidya kana kuti dumbu, nokuasveta. Kunonziwo suction lipectomy.” (American Heritage Dictionary) Zvisinei, izvozvo zvinoreva kuti mushonga wokurapa kufutisa here?

Bhuku rinonzi Mayo Clinic on Healthy Weight rinotaura kuti liposuction kuvhiya kwokunatsiridza chitarisiko. Hakusi urongwa hwokuderedza uremu. Masero emafuta anobviswa mumuviri pachishandiswa kachubhu katete-tete kanenge kakapfekerwa muganda. Makirogiramu akati wandei anogona kubviswa panguva imwe chete. Zvisinei, “kuvhiya kwacho hakurapi kufutisa.” Kuvhiya kwacho hakuna ngozi here? “Vanhu vane zvimwe zvinetso zvinokonzerwa nokufuta, zvinosanganisira chirwere cheshuga nechomwoyo vane ngozi yokuomerwa zvikuru pavanenge vachibviswa mafuta.”