Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidziswa Kuda Mwari Kubva Ndichiri Muduku

Kudzidziswa Kuda Mwari Kubva Ndichiri Muduku

Kudzidziswa Kuda Mwari Kubva Ndichiri Muduku

YAKATAURWA NAANATOLY MELNIK

Vakawanda vanondidana noushamwari kuti Sekuru. Shoko iroro rinondibaya mwoyo nokuti rinondifungisa sekuru vangu, vandaida zvikuru uye vandinofanira kuonga. Regai ndikuudzei nezvavo uye kuti ivo naAmbuya vakaita sei kuti upenyu hwenhengo dzemhuri yavo, nohwevamwe vakawanda huchinje zvikuru.

NDAKABEREKERWA mumusha unonzi Hlina, uri kuchamhembe kweyava kunzi Moldova mazuva ano. * Muma1920, vatariri vanofambira vaizivikanwa semapilgrim vaiuya vachibva kumuganhu weRomania kudunhu redu rakaisvonaka rine zvikomo. Vabereki vaamai vangu vakakurumidza kugamuchira mashoko akanaka avakanzwa achiparidzwa kubva muBhaibheri. Muna 1927 vakava Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha. Pakazotanga Hondo Yenyika II muna 1939, mumusha wedu muduku makanga matova neungano yeZvapupu zvaJehovha.

Muna 1936, gore randakaberekwa, hama dzangu dzose dzaiva Zvapupu zvaJehovha kusiya kwababa vangu, vakanga vachiri kupinda Chechi yeOrthodox. Muhondo yenyika yechipiri, vakatanga kufungisisa nezvechinangwa choupenyu uye vakazozvitsaurira kuMusiki wedu, Jehovha Mwari, vachiratidza izvi nokubhabhatidzwa mumvura. Sekuru vangu vakaita zvakawanda zvikuru kuti mhuri yedu ikure mune zvokunamata. Vaida Bhaibheri zvikuru uye vaiziva mazana endima dzeBhaibheri nomusoro. Vaigona kunangisa chero nyaya kuBhaibheri.

Ndaiwanzogara pamakumbo aSekuru uye ndaivateerera pavaitaura nyaya dzomuBhaibheri. Vakaita kuti ndide Mwari zvishoma nezvishoma. Ndinovaonga chaizvo nezvavakaita! Pandakanga ndava nemakore masere, ndakaenda kunoparidza kokutanga naSekuru. Tichishandisa Bhaibheri, takaratidza vamwe vataigara navo mumusha iwoyo kuti Jehovha ndiani uye vangaswedera sei pedyo naye.

Kudzvinyirirwa nevaKomonisiti

Muna 1947, zvichifurirwa nebumbiro revaKomonisiti neChechi yeOrthodox, zviremera zvakatanga kutambudza Zvapupu zvaJehovha muMoldova. Tsori dzakazodanwa kuti KGB, nemamwewo mapurisa emo, vaiuya kumba kwedu votibvunza vaitungamirira mubasa redu rokuparidza, kwaibva mabhuku edu, uye kwataiungana tichinamata. Vakati vaizomisa basa reZvapupu zvaJehovha, izvo zvavaiti, “zvaikanganisa kukura kwechiKomonisiti munyika.”

Panguva iyi Baba, murume akanga akadzidza zvikuru, vakanga vava kudawo chokwadi cheBhaibheri chaizvo. Ivo naSekuru vaiziva kupindura vaivabvunzurudza kuitira kuti vasatengesa hama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu. Vose vakanga vari varume vakashinga uye vaiva norudo nehanya kuti vamwe vavainamata navo vagarewo zvakanaka. Kungofanana navo, Amai vairamba vakadzikama uye vasingavhunduki.

Muna 1948, Baba vakasungwa vakaendwa navo. Hatina kumboudzwa mhosva dzavakanga vachipomerwa. Vakatongerwa kugara mujeri raichengetedzwa zvikuru kwemakore manomwe uye mamwe makore maviri okugara vari nhapwa. Vakazoendeswa kudunhu reMagadan kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweRussia, kure nemakiromita 7 000 kubva kumba kwedu. Hatina kuonana kwemakore mapfumbamwe. Zvakanga zvakaoma kurarama tisina baba, asi Sekuru vainditsigira zvikuru.

Kuendeswa Kune Imwe Nyika Senhapwa

Usiku hwaJune 6, 1949, masoja maviri nomumwe mukuru mukuru vakapinda nechisimba mumusha wedu. Vakataura kuti takanga tasarirwa nemaawa maviri okuti tibve pamba nokupinda mumotokari yavo. Havana zvimwe zvavakatsanangura. Vakangotiudza kuti takanga tiri kuendeswa senhapwa kune imwe nyika uye kuti takanga tisingazodzoki. Saka, pamwe chete naAmai, Sekuru, Ambuya, nevamwe vatainamata navo, takaendeswa kuSiberia. Ndaingova nemakore 13 chete. Papera vhiki shomanana, takazviwana tava musango rine machakwi rakasvibirira rinotonhora, pakati chaipo pemasango asingapindiki. Chokwadi izvi zvakanga zvakasiyana nekwandaigara, kwandaida zvikuru! Dzimwe nguva taichema. Asi, taivimba kuti Jehovha akanga asingazombotisiyi.

Takaendeswa kumusha muduku waiva nedzimba dzouswa gumi. Zvimwe Zvapupu zvakaendeswa senhapwa kune mimwe misha yakasiyana-siyana musango iroro rinotonhora. Kuti zvityisidzire vanhu vaigara imomo, uye kuti vatione zvisina kunaka, zviremera zvakataura kuti Zvapupu zvinodya vanhu. Zvisinei, nenguva isipi, vanhu vakaziva kuti idzi dzaiva nhema uye vakanga vasina chikonzero chokutitya.

Kwemwedzi miviri yokutanga tasvika, takagariswa muimba youswa tsaru. Asi taifanira kuvaka imwe yakati nakei nguva yechando chakaipisisa isati yasvika. Sekuru naAmbuya vakabatsira ini naAmai kuvaka imbawo zvayo, hafu iri pamusoro uye imwe hafu yacho yakadzika pasi pevhu. Takagara imomo kwemakore anoti pfuurei matatu. Tairambidzwa kubva mumusha iwoyo tisina mvumo, uye hatina kumbobvira tapiwa mvumo yacho.

Nokufamba kwenguva, ndakabvumirwa kuenda kuchikoro. Sezvo zvandaitenda zvakanga zvakasiyana nezvevamwe ikoko, vadzidzisi nevamwe vandaidzidza navo vaiwanzondibvunza mibvunzo. Pandaidzoka kumba, sekuru vaifara zvikuru pandaivaudza kuti ndakanga ndagona sei kutsanangura zvataitenda.

Kumbosunungurwa Zvishoma

Mudzvinyiriri ainzi Stalin afa muna 1953, upenyu hwedu hwakamboita nani. Takabvumirwa kubva mumusha wacho. Izvi zvakaita kuti tikwanise kusonganira nevamwe vatainamata navo uye kupinda misangano mumisha yacho kwaivawo nezvimwe Zvapupu zvakanga zviri nhapwa. Kuti zvataita zvisazivikanwe, taiungana mumapoka maduku. Kuti tisvike ikoko, taifamba kwemakiromita 30, dzimwe nguva nomusinou yaisvika mumabvi uye mumamiriro okunze aiva netembiricha yainge yakaderera kusvika ku-40°C. Zuva raitevera, taizofamba rwendo rurefu kudzokera kumba. Tiri munzira taidya magaka uye zvihwitsi zvishomanana. Asi, taifara zvikuru saDhavhidhi wekare!—Pisarema 122:1.

Muna 1955, ndakabhabhatidzwa ndichiratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha. Nguva pfupi ndisati ndadaro, pane mumwe musangano weungano watakaitira mumusha wakavakidzana nowedu, ndakanga ndaonana naLidiya, musikana akanaka aiva nebvudzi dema. Sesu, iye nevemhuri yake vaiva Zvapupu zvakanga zvaendeswa kuMoldova senhapwa. Aiva nenzwi rakaisvonaka uye aiziva nomusoro nziyo dzinenge 337 dzose dzaiva mubhuku renziyo rataishandisa panguva iyoyo. Izvi zvakandibaya mwoyo nokuti ndaidawo mimhanzi nenziyo. Muna 1956, takasarudza kuroorana.

Ndakanyorera Baba tsamba—takaziva kuti vakanga vaendeswa kuMagadan—uye takambomira kuroorana kusvikira vatitendera. Pashure pacho, Baba vakasunungurwa uye vakakwanisa kuuya kwataigara tiri nhapwa. Vakatiudza kuti ivo nevamwe vaKristu, vachibatsirwa naMwari, vakanga vapona sei mumamiriro ezvinhu akaipisisa aiva mumisasa yevasungwa. Nhoroondo idzodzo dzakasimbisa kutenda kwedu.

Nguva pfupi Baba vakadzokerazve, Amai pavaigadzira mamwe mafuta ataishandisa mupendi nomuvhanishi, pakava netsaona yakaipisisa. Poto hombe yaiva nemafuta aifashaira yakakutuka, uye zvaiva mairi zvakarasikira pavari. Vakafira muchipatara. Takarwadziwa zvikuru. Pava paya, Baba vakazonyevenuka, uye nokufamba kwenguva vakaroora Tatyana, chimwe Chapupu chaibva mumusha waiva pedyo nowedu.

Kuwedzera Ushumiri Hwedu

Muna 1958, ini naLidiya takatama kubva kuKizak, musha wataigara, kuti tiende kumusha waiva wakati kurei weLebyaie, waiva kure nemakiromita anenge 100. Takanga taverenga kuti vamwe vaKristu mune dzimwe nyika vaiparidza pamba nemba. Saka takaedza kuzviita mumusha wedu mutsva. Zvechokwadi, Nharireyomurindi neMukai! zvakanga zvarambidzwa, asi taiwana magazini acho aipinzwa nepachivande kubva kune dzimwe nzvimbo. Panguva iyi takaudzwa kuti taizogamuchira magazini acho mumutauro wechiRussia chete. Kusvikira panguva iyoyi, taigamuchira magazini muchiMoldavia. Saka takadzidza nesimba kuti tizive chiRussia zviri nani. Kunyange nanhasi ndichiri kuyeuka kwete misoro bedzi yenyaya dzacho asiwo dzimwe pfungwa dzaivamo.

Kuti tiwane zvataida muupenyu, Lidiya aishanda paichengeterwa zviyo uye ini ndaiburutsa matanda mungoro. Basa racho rainetesa uye mari yacho yaiva shoma. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaionekwa sevanhu vaishanda nesimba, hatina kuwana rubatsiro rwemari kana mari yokutendwa pabasa. Vakuru vakuru vaitaura pachena kuti: “Zvapupu zvaJehovha hazvikodzeri kuva muchiKomonisiti.” Asi, taifara kuti mashoko aJesu nezvevateveri vake aiva echokwadi kwatiri anoti: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.”—Johani 17:16.

Zvinetso Zvitsva

Muna 1959 mwanasikana wedu Valentina akaberekwa. Nguva pfupi zvadaro, takatangazve kutambudzwa. The Encyclopædia Britannica inoti: “Mutungamiriri weNyika ainzi Nikita Khrushchev akatonga kubvira muna 1959 kusvika muna 1964, akatanga kutora danho idzva rokurambidza zvitendero.” Nhengo dzemapurisa eHurumende dzakatiudza kuti chinangwa chehurumende yeSoviet chaiva chokuparadza zvitendero zvose, kunyanya Zvapupu zvaJehovha.

Valentina paakanga ava kuda kusvitsa gore, ndakadaidzwa kuchiuto. Pandisina kuenda, ndakatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu nemhaka yokuramba ndisina kwandakarerekera. Pane imwe nguva Lidiya paakandishanyira, mumwe mupurisa weKGB akamuudza kuti: “Tagamuchira tsamba yabva kuhurumende yeRussia inoti mumakore maviri muSoviet Union muchange musisina munhu mumwe chete weZvapupu zvaJehovha.” Akabva anyevera kuti: “Unofanira kusiya kutenda kwako, kana ukasadaro uchaiswa mujeri.” Mupurisa wacho aifunga kuti kutyisidzira kwakadaro kwaizoita kuti vakadzi vacho vanyarare, achiti: “Vakadzi ava iboka rinotya.”

Munguva pfupi, varume vakawanda vaiva Zvapupu vakanga vava mujeri uye mumisasa yechibharo. Asi, vakadzi vechiKristu vakanga vakashinga vakaramba vachiita basa rokuparidza. Uye vachizviisa pangozi zvikuru, vaipinza mabhuku nomuchivande mumajeri iwayo uye mumisasa yevasungwa. Lidiya akasangana nemiedzo yakadaro uyewo aiwanzopfimbwa nevarume vaitsvaka kushandisa mukana wokusavapo kwangu. Uyezve, akaudzwa kuti ndakanga ndisingazombosunungurwi. Asi ndakasunungurwa!

Kusunungurwa uye Kutamira kuKazakhstan

Nyaya yangu yakaongororwazve muna 1963, uye ndakazosunungurwa—pashure pokunge ndagara mujeri kwemakore matatu. Asi hatina kukwanisa kuwana tsamba yokugara chero kupi zvako, saka handina kugona kuwana basa. Mutemo weHurumende waiti: “Kana usina pokugara pako, hauwani basa.” Tichinyengetera nomwoyo wose takakumbira Jehovha kuti atibatsire. Zvadaro takasarudza kutamira kuPetropavl iri kuchamhembe kweKazakhstan. Zvisinei, zviremera zveko, zvakanga zvatoudzwa nezvedu uye zvakaramba kuti tigareko kana kushanda ikoko. Zvapupu zvinenge 50 zvaiva muguta iri zvakatambudzwa zvakafanana.

Pamwe chete nezvimwe Zvapupu zviviri zvakaroorana, takatamira mberi kumaodzanyemba kuguta duku reShchuchinsk. Hakuna zvimwe Zvapupu zvaigara ikoko, uye zvimwe zviremera zvakanga zvisingazivi nezvebasa redu rokuparidza. Kwevhiki, ini naIvan—varume vaviri—takatsvaka basa uku madzimai edu achigara pachiteshi chezvitima, patairara usiku. Takazowana basa pafekitari yaigadzira magirazi. Tairendera mhuri dzedu imba duku yaiva nenzvimbo yaikwana mibhedha miviri notumwewo tunhu, asi taigutsikana.

Ini naIvan taiita basa redu nomwoyo wose, uye vataishandira vaifara zvikuru. Panguva yandakashevedzwa zvekare kubasa rechiuto, maneja womufekitari akanga ava kuziva kuti hana yangu yakarovedzwa neBhaibheri yaisazondibvumira kudzidziswa chiuto. Zvinotoshamisa ndezvokuti akataura nomukuru mukuru wemauto ndokumuudza kuti ini naIvan taiva vashandi vaiziva basa uye kuti fekitari yaisazoramba ichishanda kana tisipo. Saka takabvumirwa kugara.

Kurera Vana uye Kushumira Vamwe

Mwanasikana wedu wechipiri, Lilya, akaberekwa muna 1966. Papera gore takatamira kuBelyye Vody, iri kumaodzanyemba kweKazakhstan pedyo nomuganhu weUzbekistan, uko kwaiva neboka duku reZvapupu. Nenguva isipi kwakaumbwa ungano, uye ndakagadzwa kuva mutariri anotungamirira. Muna 1969 takava nemwanakomana, Oleg, uye makore maviri gare gare Natasha, gotwe redu, akaberekwa. Ini naLidiya hatimbokanganwi kuti vana inhaka inobva kuna Jehovha. (Pisarema 127:3) Takakurukura pamwe chete zvataifanira kuita kuti tivarere vachida Jehovha.

Kunyange muma1970, varume vakawanda vaiva Zvapupu vakanga vachiri kushanda mumisasa yevasungwa. Ungano dzakawanda dzaida kutarisirwa uye kutungamirirwa zvakakwana. Saka Lidiya zvaaiita basa guru mukurera vana vedu, dzimwe nguva achiva zvose amai nababa, ini ndaishanda somutariri anofambira. Ndaishanyira ungano dzaiva muKazakhstan, nedzimwewo nyika dzaiva pedyo dzeSoviet dzinoti Tajikistan, Turkmenistan, uye Uzbekistan. Panguva imwe chete, ndaishanda kuti ndiriritire mhuri yangu, uye Lidiya nevana vedu vaitsigira nomwoyo wose.

Kunyange zvazvo dzimwe nguva ndaisavapo kwemavhiki akawanda, ndaiedza kuratidza vana rudo sababa uye kuvabatsira kukura mune zvokunamata. Ini naLidiya tainyengetera pamwe chete nomwoyo wose kuti Jehovha abatsire vana vedu, uye taikurukura navo makundiro avaigona kuita kutya vanhu uye kutanga kuva noukama hwepedyo naMwari. Dai pasina kutsigira kwomudzimai wangu anodiwa kwaisava kwoudyire, ndingadai ndisina kuita mabasa angu somutariri anofambira. Lidiya nedzimwe hanzvadzi dzangu vakanga vasiri “boka rinotya” sezvakanga zvataurwa nomukuru mukuru wemapurisa. Vakanga vakasimba—mhare dzechokwadi mune zvokunamata!—VaFiripi 4:13.

Muna 1988, vana vose pavakanga vakura, ndakagadzwa kuva mutariri anofambira wenguva dzose. Dunhu rangu raisanganisira nyika zhinji dzokuCentral Asia. Basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha parakanga rava kubvumirwa pamutemo mune yaichimbova Soviet Union muna 1991, vamwe varume vakakura mumudzimu, vanokwanisa, vakatanga kushanyira nyika dzokuAsia dzeyaimbova Soviet Union. Nhasi munyika idzi mune vatariri vanofambira 14, umo vanhu vanopfuura 50 000 vakapinda Chirangaridzo Chorufu rwaKristu gore rakapera!

Kukokwa Tisingatarisiri

Kutanga-tanga kwa1998, ndakagamuchira runhare rwandakanga ndisingatarisiri kubva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuRussia. Ndakabvunzwa kuti, “Anatoly, iwe naLidiya makambofunga nezvebasa renguva yakazara here?” Chokwadi, takanga tambofunga kuti vana vedu ndivo vaizowana ropafadzo iyi. Kutaura zvazviri, mwanakomana wedu, Oleg, ave achishanda pahofisi yebazi romuRussia kwemakore anenge mashanu.

Pandakaudza Lidiya nezvokukokwa kwatanga taitwa, akabvunza kuti: “Zvakadini neimba yedu, bindu, nezvinhu zvedu?” Tanyengetera uye takurukura, takabvuma. Takazokokwa kuti tishande padzimbahwe rechitendero cheZvapupu zvaJehovha muIssyk, kuKazakhstan, pedyo neguta guru reAlma-Ata. Pano panoitwa basa rokushandurira mabhuku eBhaibheri mumitauro yomunyika iyi inotaurwa munharaunda yacho yose.

Mhuri Yedu Nhasi

Tinoonga Mwari nokubatsira kwaakatiita pakudzidzisa vana vedu chokwadi cheBhaibheri! Mwanasikana wedu wedangwe, Valentina, akaroorwa ndokutamira nomurume wake kuIngelheim, Germany, muna 1993. Vane vana vatatu, vose Zvapupu zvaJehovha zvakabhabhatidzwa.

Lilya, mwanasikana wedu wechipiri, ane mhuri yakewo. Iye nomurume wake, uyo ari mukuru muungano yeBelyye Vody, vari kurera vana vavo vaviri kuti vade Mwari. Oleg akaroora Natasha, imwe hanzvadzi yechiKristu yokuMoscow, uye vanoshanda vose pahofisi yebazi iri pedyo neSt. Petersburg. Muna 1995 mwanasikana wedu gotwe, Natasha, akaroorwa, uye ari kushanda nomurume wake muungano inotaura chiRussia muGermany.

Pano neapo tinoungana semhuri. Vana vedu vanoudzawo vana vavo kuti “Mhamha” na“Dhedhi” vakateerera sei Jehovha uye kurera kwavakaita vana vavo kuti vade nokushumira Mwari wechokwadi, Jehovha. Ndinogona kuona kuti kurukurirano idzi dzinobatsira vazukuru vedu kukura mune zvokunamata. Kazukuru kedu kakomana kokupedzisira kakafanana nezvandakanga ndakaita pandaiva muduku. Dzimwe nguva kanogara pamakumbo angu kondikumbira kuti ndikaudze nyaya yomuBhaibheri. Maziso angu anoyangarara misodzi pandinofunga nezvokugara kwandaiwanzoita pamakumbo aSekuru uye kubatsira kwavakandiita kusvika pakuda uye kushumira Musiki wedu Mukuru.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Zita razvino renyika iyi, Moldova ndiro richashandiswa munyaya ino yose panzvimbo pemamwe mazita ekare okuti Moldavia kana kuti Soviet Republic of Moldavia.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ndiine vabereki vangu kunze kwemba yedu muMoldova, nguva pfupi Baba vasati vasungwa

[Mufananidzo uri papeji 22, 23]

Ndiina Lidiya muna 1959, ndichiri nhapwa

[Mufananidzo uri papeji 23]

Lidiya aine mwanasikana wedu Valentina pandakanga ndichiri mujeri

[Mufananidzo iri papeji 25]

Ndiina Lidiya nhasi

[Mufananidzo iri papeji 25]

Nevana vedu nevazukuru vedu, vose vari kushumira Jehovha!