Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukosha Kwokurera Mwana Wako

Kukosha Kwokurera Mwana Wako

Kukosha Kwokurera Mwana Wako

ZVINODZIDZWA nomunhu kana kuti zvaasingadzidzi paanenge achiri muduku zvinogona kuva nezvazvinoita pane zvaanozokwanisa kuita mune ramangwana. Saka, vana vanodei kuvabereki vavo kuti vakure kuva vanhu vakuru vakadzikama, vanobudirira? Imbofunga nezvezvakaguma zvataurwa nevamwe kubva pakutsvakurudza kwakaitwa mumakumi emakore mashoma apfuura.

Basa Remikaha Iri Pakati Petsinga Dzinotumira Mashoko Kuuropi

Kufambira mberi muruzivo rwemakombiyuta anobatsira vatsvakurudzi kuongorora uropi hwomunhu mupenyu, kunoita kuti masayendisiti akwanise kudzidza zvakadzama nezvokukura kunoita uropi kupfuura zvavaiita kare. Kuongorora kwakadaro kunoratidza kuti mwana paanenge achiri mucheche ndiyo nguva inokosha yokuumba kushanda kwouropi kunodiwa kuti achengete mashoko, ataure manzwiro ake nomazvo, uye azokwanisa kutaura. “Zvinobatanidza uropi zvinorukwa nokukurumidza zvinoshamisa pamakore okutanga-tanga, sezvo uropi hwacho hunochinjwa nezvinoitika nguva dzose zvinobva kuvabereki uye mumakuriro ake,” inodaro magazini inonzi Nation.

Masayendisiti anodavira kuti huzhinji hwemibatanidzwa iyi inonzi mikaha iri pakati petsinga dzinotumira mashoko kuuropi, inovapo mumakore mashomanana okutanga muupenyu. Maererano naDr. T. Berry Brazelton, nyanzvi yezvokukura kwevana, “tsinga dzinofambisa mashoko nokuda kwouchenjeri hunozova nomwana, kuzvimirira, kuvimba uye chido chokudzidza dzinoumbwa” munguva iyi.

Uropi hwomwana netsinga uye mashandiro ahwo zvinokura zvinoshamisa mumakore ake mashomanana okutanga-tanga. Mikaha iri pakati petsinga dzinofambisa mashoko inowedzera kana uropi hwacho huchishanda zvikuru uye huchidzidza zvakawanda, zvichiita kuti muuropi muve netsinga zhinji dzinofambisa mashoko. Tsinga idzi dzinoita kuti mwana akwanise kufunga, kudzidza, uye afunge zvakanaka.

Kunenge kuti uropi hwomucheche hukanyanya kushanda, masero etsinga dzinofambisa mashoko anowedzerawo kushanda pova nemikaha yakawanda pakati pawo. Chokwadi, hazvingoitiki zvoga kuti hushande seizvi, zvinotoitika nokudzidza mashoko, nhamba, kana kuti mutauro. Masayendisiti akawanawo kuti kuita kuti pfungwa dzishande kunodiwawo. Kutsvakurudza kunoratidza kuti vacheche vasingambundirwi, vasingabatwi uye vasingatambwi navo kana vasingaitwi kuti vafunge vachava nemikaha mishoma yepakati petsinga dzinofambisa mashoko muuropi.

Kurera uye Zvavanokwanisa Kuita

Vana pavanozokura, pane zvimwe zvinomira kuitika muuropi. Zvinoita sokuti muviri unobvisa mikaha inenge isisadiwi. Izvi zvine zvazvingaita chaizvo pane zvinokwanisa kuitwa nomwana. Mumwe mutsvakurudzi wezveuropi anonzi Max Cynader akati, “Kana mwana asingaitwi kuti afunge nenzira yakakodzera achiri pazera rakakodzera, tsinga dzake dzinofambisa mashoko hadzizokuri zvakanaka.” Maererano naDr. J. Fraser Mustard, zvinozoguma zvaitika ndezvokuti zvinogona kuderedza njere dzake, unyanzvi hwake hwokutaura nehwemasvomhu, uye anozova nezvinetso zvoutano akura, uye kunyange zvounhu.

Saka zvinoita sokuti zvinoitika kumunhu achiri mucheche zvinogona kuchinja zvachose upenyu hwake paanenge ava munhu mukuru. Zvisinei nokuti munhu wacho anogona kubata nemamiriro ose ezvinhu kana kuti anovhiringidzika nyore nyore, zvisinei nokuti akangwara here kana kuti haana, uye zvisinei nokuti anonzwira tsitsi here kana kuti kwete, zvinogona kukonzerwa nezvaanosangana nazvo achiri muduku. Saka zvinoitwa nevabereki zvinokosha zvikuru. Imwe nyanzvi yezvokurerwa kwevacheche inoti, “Chimwe chezvinhu zvinokosha chinodiwa mumakore aya okutanga, mubereki anogona kurera.”

Izvi zvingaita sezvisingakoshi. Rera utarisire vana vako, uye vachabudirira. Zvisinei, vabereki vanoziva kuti kunzwisisa kutarisira vana zvakanaka kazhinji hakusi nyore. Kurera zvakanaka vana hakungoerekani kwaitika.

Maererano nokumwe kuongorora, 25 muzana yevabereki vakabvunzurudzwa havana kuziva kuti zvavakanga vaita nevana vavo zvaigona kuwedzera kana kuti kuvhiringidza njere, chivimbo, uye chido chavo chokudzidza. Izvi zvinomutsa mibvunzo yokuti: Inzira ipi yakanakisisa yokuumbiridza zvinokwanisa kuitwa nomwana wako? Uye unogona sei kumurera zvakanaka? Ngationei.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Vacheche vanosiyiwa vari voga vasingaitwi kuti vafunge vangasakura zvakanaka sevamwe