Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

AIDS Ichapera Rini?

AIDS Ichapera Rini?

AIDS Ichapera Rini?

Kubvira vachiri vaduku, vechiduku vanoramba vachitutirwa mashoko anokurudzira unzenza. Kupinzwa kwezvinodhaka nomutsinga, imwe nzira yokuwana nayo utachiona hweHIV, kwakakurumbirawo. Uchifunga nezvokuti vanhu vanoita sokuti zvavanoita hazvina zvazvinozoita, ungashamisika kana AIDS ichazombopera.

NYANZVI dzezvoutano dzinotaura zvakajeka kuti kuchinja maitiro inzira inokosha mukurwisa AIDS. Mushumo wakabudiswa neCenters for Disease Control and Prevention unoti, “Vaduku vechizvarwa chimwe nechimwe vanofanira kuramba vachiudzwa mashoko akakwana ane chokuita noutano uye zvinhu zvinovabatsira kuti vave nounyanzvi huchagara kwenguva refu muupenyu hwavo hwose hwokudzivisa zviito zvingaita kuti vabate utachiona hweHIV. Zvirongwa zvakadaro zvine mashoko akakwana zvinofanira kusanganisirawo vabereki nevarayiridzi.”

Zvakajeka kuti vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo nezvengozi idzi vasati vaudzwa zvisizvo nevezera ravo. Kakawanda kacho izvi hazvisi nyore. Asi zvinogona kuchengetedza upenyu hwomwana wenyu. Kudzidzisa vana nyaya dzepabonde hakufaniri kuita kuti vazive zvavasingafaniri kuziva. Chokwadi kunogona kuvachengetedza kuti varambe vaine tsika dzakachena.

Kudzidzisa Mwana Wako Kunokosha

Pavanhu vaMwari vekare, vabereki vaitarisirwa kudzidzisa vana vavo nyaya dzepabonde uye kuti vangachengetedza sei utano hwavo. Zvinofadza kuti mitemo yevaIsraeri vekare yaisanganisira mirayiro yetsika yakajeka pamwe chete nemiitiro yaivachengetedza kuti vasabatwe nezvirwere zvinotapukira. (Revhitiko 18:22, 23; 19:29; Dheuteronomio 23:12, 13) Mitemo iyi yaifanira kudzidziswa vanhu sei? Jehovha Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako.” Vabereki vaifanira kutanga vaziva zvaiva zvakanakira kuomerera kumitemo iyi uye zvaizoitika kana vakarega kuiteerera. Zvadaro, vakazorayirwa kuti: “Unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:6, 7.

Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “shingaira kuadzidzisa” rinoreva “kudzokorora,” “kutaura wataurazve,” kana kuti “kunyatsotsanangura.” Zviri pachena kuti nguva inodiwa. Vabereki vanoisa nguva parutivi yokudzidzisa vanakomana nevanasikana vavo nezvengozi dzokushandisa zvisizvo zvinodhaka uye kuita zvepabonde kusiri pamutemo vanova nomukana uri nani wokuona vana vavo vachidzivisa mufambiro unoita kuti vazobatwa noutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere. *

Nyaradzo Kune Vane HIV Kana AIDS

Kuedza kudzivirira kunganyaradza zvishomanana mamiriyoni evanhu anotova neHIV kana AIDS. Kunze kwezvinoitwa nechirwere chacho pamuviri womunhu, vanhu vanorwara nechirwere ichi vanowanzosarurwa uye vanongosiyiwa vakadaro nemhaka yechirwere chavo. Nei zvakadaro? Pfungwa yakajairika, asi isina kururama, ndeyokuti unogona kuwana HIV nokungobata munhu wacho. Kutya kubata HIV kana AIDS kunonzwisisika, sezvo ichitapurika uye ichiuraya. Vamwe vakabvumira kuti kutya kwavo chirwere chacho kuve kutya vanhu vane AIDS zvisina kunaka. Vamwe varwere vave vachirambwa kuzvipatara, vachidzingwa muchechi, kana kuti vachitorwiswa nechisimba.

Vamwe vanhu vakatoti AIDS chirango chaMwari pavanhu vakaipa. Kutaura zvazviri, kuomerera pazvinodiwa neBhaibheri zvetsika dzepabonde, kushandisa zvinodhaka, uye ropa zvingadai zvakadzivirira varwere vakawanda kuti vasabatwe nechirwere ichi. (Mabasa 15:28, 29; 2 VaKorinde 7:1) Kunyange zvakadaro, Magwaro anoratidza kuti kurwara hachisi chiratidzo chechirango chaMwari nokuda kwechivi chakati. Kusiyana naizvozvo, Bhaibheri rinoti: “Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakaipa kana iye pachake haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13; Johani 9:1-3) Munhu anenge akawana utachiona hweHIV kana AIDS nemhaka yokukundikana kuomerera kunheyo dziri muMagwaro, asi ochinja unhu hwake anogona kuva nechokwadi chokuti haana kuraswa naMwari.

Pakauya Mwanakomana waMwari, Jesu, pano pasi, zvakava pachena kuti Mwari anonzwira tsitsi vanhu vane zvirwere zvisingarapiki uye anovada. Ari parwendo, paakasangana nomunhu aiva nemaperembudzi, Jesu “akasiririswa, uye akatambanudza ruoko rwake akamubata.” Jesu akaratidza simba rake rokuita zvishamiso uye akaporesa munhu iyeye. (Mako 1:40-42) Jesu haana kutarisira pasi vanhu vairwara. Rudo rwaakavaitira rwainyatsoratidza zvakaita rudo rwaBaba vake vokudenga.—Ruka 10:22.

Mushonga weAIDS—Nokukurumidza!

Kuporesa kunoshamisa kwaJesu hakungotivimbisi rudo rwaMwari chete. Bhaibheri rinotiudza kuti iye zvino Jesu Kristu ari kutonga saMambo wokudenga. (Zvakazarurwa 11:15) Ushumiri hwake ari pasi pano hwakaratidza kuti ane simba nechido zvokurapa zvirwere zvose zviri kutambudza vanhu. Ndizvo chaizvo zvaachaita.

Uprofita hweBhaibheri hunotivimbisa kuti nenguva isipi “hakuna ugeremo, uchati: ‘Ndinorwara.’” (Isaya 33:24) Pasinei nokuti vanhu vakundikana kupedza kupararira kweAIDS kana kupa varwere vose mushonga unobatsira, tinogona kuva nechokwadi chokuti AIDS ichapedzwa. “Rumbidza Jehovha, mweya wangu,” akadaro Mambo Dhavhidhi, “Urege kukanganwa mikomborero yake; Iye, unokanganwira zvakaipa zvako zvose; unoporesa kurwara kwako kwose.”—Pisarema 103:2, 3.

Izvi zvichaitika rini? Mwari anoda kuti vaya vanotarisira kuwana zvikomborero izvi vaitei? Tinokukumbira kuti uone Zvapupu zvaJehovha kuti udzidze zvakawanda nezvezvipikirwa zvinoshamisa zveBhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Vabereki vakawanda vakaona bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, richibatsira mukudzidzisa zvishoma nezvishoma vana vaduku nyaya dzepabonde nemirayiro yetsika inokosha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

Uprofita hweBhaibheri hunotivimbisa kuti nokukurumidza “hakuna ugeremo, uchati: ‘Ndinorwara.’”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kudzidzisa vana vako zvepabonde uye zvokushandiswa zvisizvo kwezvinodhaka kunogona kuvadzivirira

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kugona uye kuda kwaJesu kuporesa varwere kwakaratidza zvaachaita munguva yemberi