Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dare rokuEurope Rinotsigira Kodzero Dzavamwe Amai

Dare rokuEurope Rinotsigira Kodzero Dzavamwe Amai

Dare rokuEurope Rinotsigira Kodzero Dzavamwe Amai

Nomunyori weMukai! kuFrance

MUSI waDecember 16, 2003, dare reEuropean Court of Human Rights, riri muStrasbourg, kuFrance, rakawana matare okuFrance aine mhosva yokusarura chitendero chaSéraphine Palau-Martinez, mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Muna 1996, dare rakabvumira Séraphine kuti arambane nomurume wake, uyo aiva amutiza makore maviri akanga apfuura. Séraphine akanzi achengete vana vavo vaviri. Asi muna 1997, panguva iyo vana vacho vakanga vave vachigara naamai vavo kwemakore anoda kusvika matatu nehafu, baba vacho vakaramba kuvadzorera kuna amai vavo pakapera nguva yavaishanyira baba vacho. Séraphine anorondedzera kuti: “Pandakanotora vana kuchikoro kuti ndiende navo kumba, mukuru wechikoro akadana mapurisa. Ndakangobvumirwa kuona vana vangu paine mapurisa vachida kuva nechokwadi chokuti ndakanga ndisingazotauri navo nezvechitendero changu. Ndakabatwa setsotsi chairo. Ndakaudzwa kuti ndaingogona kutora vana kana ndasaina gwaro rairatidza kuti ndaisazotaura navo nezvaMwari kana kuti nezveBhaibheri kana kuenda navo kumisangano yechiKristu.”

Séraphine akaendesa nyaya yacho kumatare. Zvisinei, muna 1998, dare reCourt of Appeal rokuNîmes rakati baba ndivo vanofanira kuchengeta vana. Rakati rakanga raita chisarudzo ichocho zvichibva pakutsoropodza zvakakomba kwaraiita tsika dzaraidavira kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vana vazvo. “Zvakandirwadza kwazvo,” anoyeuka kudaro Séraphine, “kupiwa mhosva yokukuvadza vana vangu, nepo ini ndaingoedza kuvapa zvandaifunga kuti zvakavanakira—kuvarerera muchiKristu.”

Dare repamusoro-soro rokukwirira rokuFrance, Cour de Cassation, parakabvumirana nedare rokukwirira, Séraphine akasarudza kuendesa nyaya yacho kudare reEuropean Court of Human Rights. Muchisarudzo chakaitwa nevatongi vatanhatu mumwe chete achipikisa, rakati “sokuona kweDare, hapana mubvunzo kuti dare rokukwirira rokuFrance rakasiyanisa mabatiro arakaita vabereki vacho nemhaka yechitendero chomudzimai. . . . Kusiyanisa mabatiro kwakadaro kusarura.” Rakasarudza kuti chisarudzo chedare rokuFrance chakanga chisingabvi pakuti Séraphine aikwanisa here kutarisira vana—chinhu chisina kumbopokanwa—uyewo chisina kubva pauchapupu chaihwo asi “pane zvinongotaurwa nevanhu pamusoro peZvapupu zvaJehovha.” Nemhaka yokusarurwa uku kwechitendero uye kutyora kodzero dzaSéraphine, Dare racho rakarayira kuti France ibhadhare Séraphine mari uyewo mari yakanga yashandiswa nedare panyaya yacho.

Chisarudzo ichi chinoenderana nechisarudzo chakaitwa nedare reEuropean Court of Human Rights muna June 1993 panyaya yakada kufanana apo Dare rakasarudza kuti nyika yeAustria yakanga yasarura Ingrid Hoffmann, mumwe weZvapupu zvaJehovha, nemhaka yechitendero chake. * “Maererano nomutongo wakapiwa panyaya yaHoffmann,” inodaro magazini yokuFrance inonzi La Semaine juridique, “mutongo uyu unosimbisa kuti chisarudzo chine chokuita nechiremera chine mubereki pamwana hachingoitwi zvichibva pachitendero chomubereki.” Gweta raSéraphine rakati: “Chisarudzo ichi chinokosha zvikuru, sezvo zvisarudzo zvinoitwa neDare zvichienderana nokudzivirirwa kwekodzero yevabereki vari Zvapupu zvaJehovha yokutongwa vasingasarurwi.”

Paakabvunzwa kuti ainzwa sei pamusoro pechisarudzo chacho, Séraphine, uyo ava kugara kuSpain, akati: “Ndiri kufara zvikuru uye ndinonzwa ndazorodzwa. Kutorerwa vana vangu nemhaka yechitendero changu uye kutadza kuvaona kwemakore mashanu raiva dambudziko rakaipa, asi Jehovha ainditsigira nguva dzose. Ndinovimba kuti chisarudzo ichi chichabatsirawo vamwe vane mamiriro ezvinhu akafanana neangu.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona Mukai! yaOctober 8, 1993, peji 15, nyaya inoti “Zvapupu zvaJehovha Zvakarevererwa Murwisano Yamaruramiro Okuchengeta Vana.”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Séraphine