Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Munhu Waunoda Ane Chirwere Chepfungwa

Kana Munhu Waunoda Ane Chirwere Chepfungwa

Kana Munhu Waunoda Ane Chirwere Chepfungwa

AKANGOTANGA semangwanani emazuva ose omukati mevhiki nokuda kwemhuri yokwaJohnson. * Mhuri yacho yevanhu vana yakanga yamuka ikagadzirira kuti iite mabasa ayo ezuva iroro. Gail akayeuchidza Matt, mwanakomana wake aiva nemakore 14, kuti akanga anonoka kunokwira bhazi rechikoro. Zvakazoitika zvakanga zvisingatombotarisirwi. Pasati papera hafu yeawa, Matt akapfapfaidza pendi pamadziro eimba yokurara, akaedza kupisa garaji, uye akaedza kuzvisungirira mumba.

Vapererwa nezano uye vachiedza kunzwisisa zvakanga zvichangobva kuitika, Gail nomurume wake, Frank, vakatevera amburenzi yakanga yatakura Matt. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti aya aingova mavambo chete. Zvimwe zviitiko zvakawanda zvokuvhiringidzika kwepfungwa zvakaitika, zvichinyudza Matt munyika yerima isingafadzi yokurwara nepfungwa. Makore mashanu okutambura kwake aisanganisira kuedza kuzviuraya kanoverengeka, kusungwa kaviri, kuiswa muzvipatara zvinomwe zvevanorwara nepfungwa, uye kuonekwa nenyanzvi dzokurapa pfungwa kasingaverengeki. Hama neshamwari dzainge dzavhiringidzika dzaiwanzoshaya chokuita kana chokutaura.

Zvinofungidzirwa kuti munhu mumwe pavanhu vana voga voga munyika yose acharwara nepfungwa pane imwe nguva muupenyu hwake. Tichifunga nezvenhamba yakakura iyi, ungangodaro une mubereki, mwana, mukoma kana munun’una, kana kuti shamwari ine chimwe chezvirwere zvokukanganisika pfungwa. * Ungaita sei kana munhu waunoda ane chirwere chakadaro?

Ziva zviratidzo. Chirwere chepfungwa chingasakurumidza kuoneka. Shamwari nenhengo dzemhuri dzingafunga kuti zviratidzo zvacho zviri kukonzerwa nokuchinja kwemakemikari omuviri, zvimwewo zvirwere, unhu husina kunaka, kana kuti migumisiro yemamiriro ezvinhu akaoma. Amai vaMatt vakanga vamboona zvimwe zvairatidza kuti Matt aizova nezvinetso, asi vabereki vake vaifunga kuti zvinyamusi zvake zvaingova zvimwe zvezvinoitika pakuyaruka izvo zvaizokurumidza kupera. Zvisinei, zvinetso zvokurara, zvokudya, kana unhu zvingaratidza chimwe chinhu chakakomba zvikuru. Kumboongororwa nenyanzvi kunogona kuita kuti munhu waunoda arapwe zvinoshanda uye kunogona kumubatsira kurarama upenyu huri nani.

Ziva nezvechirwere chacho. Vanhu vane chirwere chepfungwa havawanzogoni kutsvakurudza mashoko pamusoro pechirwere chavo. Saka, mashoko aunowana mumabhuku emazuva ano uye aunovimba nawo anogona kukubatsira kunzwisisa zviri kuitika kumunhu waunoda. Zvinogonawo kukubatsira kuti utaure nevamwe wakasununguka uye uine zvaunozivawo. Somuenzaniso, Gail akapa mbuya nasekuru vaMatt mabhuku ezvokurapa ayo akavabatsira kuti vazive uye vagonewo kuzobatsira.

Murapise. Kunyange zvazvo zvimwe zvirwere zvepfungwa zvichitora nguva refu zvisati zvapera, varwere vakawanda vanogona kurarama upenyu hwakagadzikana, hunobudirira kana vakarapwa zvakakodzera. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vanotambura kwemakore vasingabatsirwi. Kungofanana nechirwere chomwoyo chakakomba chinofanira kurapwa nachiremba wemwoyo, chirwere chepfungwa chinofanira kurapwa nevaya vanogona kurapa zvirwere zvakadaro. Somuenzaniso, vanachiremba vepfungwa vanogona kupa mushonga wokuti kana ukagara uchishandiswa, unogona kubatsira kudzora zvinyamusi, kuderedza kushushikana, uye kugadzirisa mafungiro asina kururama. *

Kurudzira murwere kuti atsvake rubatsiro. Vaya vane chirwere chepfungwa vangasaziva kuti vanoda kubatsirwa. Ungakurudzira murwere wacho kuti aone mumwe chiremba, averenge dzimwe nyaya dzinobatsira, kana kuti ataure nomumwe munhu akakurira chirwere chakadai. Zvingadaro kuti munhu waunoda uyu haasi kugamuchira mazano ako. Asi usambozeza kubatsira kana mumwe munhu wauri kutarisira achigona kuzvikuvadza kana kuti kukuvadza vamwe.

Usamupa mhosva. Masayendisiti haasati ava kugona kutsanangura kupindirana kwakaoma kunzwisisa kwezvatinotodza kuvabereki, zvakatipoteredza, uye magariro edu izvo zvinoita kuti pfungwa dzisashande zvakanaka. Zvinhu zvakawanda zvinogona kukonzera kusashanda zvakanaka kwepfungwa zvinosanganisira kukuvadzwa kwouropi, kunyanyisa kushandisa zvinhu zvinodhaka, kushungurudzwa nezvakapoteredza, kusagadzikana kwemakemikari omuviri, uye kuberekwa uine mukana wokuva nechirwere ichi zvichibva pakutodza vabereki. Hazvina zvazvinobatsira kupomera varwere vacho kuti zvavakaita ndizvo zvakakonzera urwere hwavo. Shungu dzako dzinofanira kuva pakuedza kuvabatsira uye kuvakurudzira.

Usamutarisira kuita zvakawandisa. Kana ukatarisira kuti murwere aite zvakawandisa kupfuura zvaanogona, izvozvo zvinogona kumuodza mwoyo. Uyewo, kunyanyosimbisa zvaasingagoni kunoita kuti anzwe seasingabatsiri. Saka usanyanya kutarisira zvakawandisa. Zvechokwadi, haafaniri kubvumirwa kuita zvinhu zvisina kururama. Kungofanana nevamwe vanhu vose, vaya vane chirwere chepfungwa vanogona kudzidza kubva pamigumisiro yezvavanenge vaita. Kana achiita chisimba zvingada kuti atorerwe matanho epamutemo kana kurambidzwa kuwadzana nevamwe kuitira kudzivirira murwere wacho kana vamwe vanhu.

Gara uchikurukura naye. Kukurukurirana kunokosha, kunyange zvazvo pane dzimwe nguva zvingaita sokuti haasi kunzwisisa zvauri kutaura. Zvinoitwa nomunhu anorwara nepfungwa zvinongochinja-chinja, uye manzwiro ake angaita seasina kukodzera zvinenge zvichiitika panguva iyoyo. Kunyange zvakadaro, kutsoropodza zvinenge zvataurwa nomurwere uyu kuchangoita kuti anzwe ane mhosva kuwedzera pakuora mwoyo kwaanenge akaita. Kana zvaunotaura zvichiita sezvisingabatsiri, gara pasi chinyararire uteerere. Bvuma manzwiro omurwere nemafungiro ake usingamushori. Edza kuramba wakadzikama. Iwe nomunhu waunoda uyu muchabatsirwa kana ukaramba uchingoratidza kuti une hanya naye. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Matt. Kwapera makore mashomanana, akazotenda vaya vaakati “vaindibatsira pandainge ndisingadi kubatsirwa.”

Fungawo nezvezvinodiwa nevamwe vari mumhuri. Kana mhuri ichifanira kutarisira munhu ari kurwara, vamwe vanogona kuregeredzwa. Kwenguva yakati, hanzvadzi yaMatt, Amy, yainzwa sokuti yai“regeredzwa nokuti urwere hwaMatt ndihwo hwaiita sohunonyanya kukosha.” Akaita zvinhu zvishoma pane zvaaisiita kuitira kuti asatarisirwe kuita zvakawanda. Panguva iyoyo, zvaiita sokuti vabereki vake vaida kuti aite zvakawanda, sokunge kuti ari kuita zvaifanira kuitwa nehanzvadzi yake. Vamwe vana vanenge varegeredzwa vari mumamiriro ezvinhu aya vanokonzera zvinetso vachiedza kuratidza kuti vanoda kutarisirwa. Mhuri dzinenge dzawirwa nedambudziko iri dzinoda kubatsirwa kutarisira vamwe vari mumhuri. Somuenzaniso, mhuri yokwaJohnson payakavhiringidzwa nezvinetso zvaMatt, shamwari dzaiva muungano yokwavo yeZvapupu zvaJehovha dzakabatsira Amy nokuva nehanya naye chaizvo.

Ita zvinhu zvinobatsira pfungwa. Chirongwa chokuvandudza pfungwa chinofanira kusanganisira zvokudya zvakanaka, kurovedza muviri, kurara zvakanaka, uye kufara nevamwe. Kungotandara neboka duku reshamwari kazhinji hakunyanyi kutyisa. Uyewo, yeuka kuti doro rinogona kuwedzera zviratidzo zvokurwara nepfungwa uye rinogona kuvhiringidza mashandiro emishonga. Mhuri yokwaJohnson yava kuedza kugara ichiita zvinhu zvinobatsira pfungwa, zvakanakira munhu wose mumhuri asi kunyanya mwanakomana wavo.

Zvitarisire. Kuora mwoyo kunokonzerwa nokutarisira mumwe munhu ane chirwere chepfungwa kunogona kukanganisa utano hwako pachako. Naizvozvo, zvinokosha kuti utarisire muviri wako, ndangariro dzako, uye manamatiro ako. Mhuri yokwaJohnson Zvapupu zvaJehovha. Gail anofunga kuti kutenda kwake kwakamubatsira chaizvo kuti akurire dambudziko raiva mumhuri yake. Anoti, “Misangano yechiKristu yainyevenutsa pfungwa uye yaiva nguva yokumbosiya zvinhu zvinenge zvichindinetsa panguva iyoyo, ndofunga nezvezvinhu zvinokosha uye tariro yedu yenyika itsva. Kakawanda, ndainyengetera ndapererwa kuti ndizorodzwe, uye nguva dzose pane zvaichinja zvichinyaradza marwadzo. Ndichibatsirwa naJehovha Mwari, ndakava norugare mupfungwa rwaiita sorwakanga rusingabviri kuwana mumamiriro edu ezvinhu.”

Matt ava jaya uye ava nemaonero matsva oupenyu. Anoti, “Ndinofunga kuti ndava munhu ari nani nokuda kwezvakaitika kwandiri.” Hanzvadzi yaMatt, Amy, anofunga kuti zvakaitika izvi zvakamubatsirawo. Anoti, “Handichanyanyi kutsoropodza vamwe. Haumbozivi kuti mumwe munhu anenge achitambudzwa nei. Jehovha Mwari bedzi ndiye anoziva.”

Kana mumwe munhu waunoda aine chirwere chepfungwa, nguva dzose yeuka kuti kuteerera, kubatsira, uye kunzwisisa kunogona kubatsira murwere wacho kurarama—uye kunyange kutobudirira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.

^ ndima 4 Vamwe vanoshandisa shoko rokuti “kukanganisika kwepfungwa,” sezvo rakareruka uye richireva kuvhiringidzika kwepfungwa.

^ ndima 7 Panofanira kuonekwa kuti kushandisa mishonga yakadaro kunobatsirei uye kuti ndezvipi zvayakaipira. Mukai! haina rudzi rwokurapa rwainotsigira. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti marapirwo ose avanosarudza haapesani nezvinotaurwa neBhaibheri.

[Bhokisi riri papeji 13]

Zvimwe Zviratidzo Zvokuzorwara Nepfungwa

Kana mumwe munhu waunoda aine chimwe chezviratidzo zvinotevera, anofanira kuenda kunoona chiremba kana kuti chiremba wepfungwa:

• Kupedza nguva yakareba akasuwa kana kuti akagumbuka

• Kusada kugara nevamwe

• Kuchinja-chinja kubva pakufara chaizvo kusvika pakukwindimara kwakanyanya

• Hasha dzakanyanyisa

• Kuita zvechisimba

• Kunyanyisa kushandisa zvinodhaka

• Kutya kwakanyanya, kushushikana, uye kuzvidya mwoyo

• Kunyanya kutya kufuta

• Kuchinja madyiro nemarariro zvinotooneka

• Kurota zvinotyisa kakawanda

• Kufunga kwakavhiringika

• Kufungidzira zvinhu zvisizvo kana kuona zvinhu zvisipo

• Kufunga kufa kana kuzviuraya

• Kutadza kugadzirisa zvinetso kana kuti kuita mabasa ezuva nezuva

• Kuramba zvinetso zviri pachena

• Kurwara-rwara kusinganzwisisiki

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kana zvaunotaura zvichiita sezvisingashandi, gara pasi chinyararire uteerere zviri kutaura murwere