Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari

Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari

Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari

“KUSURUKIRWA hachisi chirwere,” rinodaro bhuku rinonzi In Search of Intimacy. “Kusurukirwa inzara yakanaka. . . , chiratidzo chemasikirwo atakaitwa chokuti tinoda shamwari.” Sezvo nzara ichiita kuti tide kudya zvokudya zvinovaka muviri, kunzwa takasurukirwa kunofanira kuita kuti titsvake shamwari dzakanaka.

Asi, sokutaura kunoita Yaël, mumwe mukadzi wechiduku wokuFrance, “vamwe vanhu havatombodi kutaura nevamwe zvachose.” Asi kuzviparadzanisa nevamwe, pasinei nechikonzero chacho, hakuna chakunogadzirisa uye kunotozongoita kuti tinzwe takasurukirwa kupfuura zvatanga takaita. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” (Zvirevo 18:1) Saka kutanga tinofanira kubvuma kuti tinoda shamwari tobva tatsunga kuita chimwe chinhu nezvazvo.

Tora Matanho Anoshanda Kuti Uve Neshamwari

Pane kuzvinzwira tsitsi kana kuti kuitira shanje vaya vanoita sevane shamwari dzakanaka kana kuti dziri nani, wadii kuva nemaonero akanaka, sezvakaita Manuela wokuItaly? Anoti: “Kunyanya pandakanga ndichiri kuyaruka, ndaiona sokuti vanhu vakanga vasingandibatanidzi pane zvavaiita. Kuti ndikurire manzwiro aya, ndakaongorora vanhu vakanga vaine shamwari dzakanaka. Zvadaro ndakaedza kuva nounhu hwakanaka hwavaiva nahwo, kuti ndive munhu anofarirwa.”

Rimwe danho rinoshanda nderokushambidzika nokutarisira pfungwa dzako zvakanaka. Kudya zvine utano, kuzorora zvakakwana, uye kurovedza muviri zvakakodzera, zvose izvi zvichakubatsira kuti uratidzike zvakanaka uye unzwe zvakanaka. Kuva akashambidzika, akachena, uye kupfeka zvakanaka hakungoiti kuti vamwe vafarire kuva newe, asiwo kunoita kuti iwewo uzviremekedze. Zvisinei, usawira mumusungo wokunyanyisa kuva nehanya nechitarisiko chako. “Kupfeka zvipfeko zviri mufashoni hakusi iko kunoita kuti uwane shamwari dzechokwadi,” anodaro Gaëlle, wokuFrance. “Chinonyanya kudiwa nevanhu vakanaka munhu womukati.”

Pamusoro pazvo, zvatinofunga nemanzwiro atinoita zvine zvazvinoita pamusoro pezvatinotaura kunyange kutaridzika kwatinoita. Une chivimbo uye maonero akanaka muupenyu here? Izvi zvichakubatsira kuti chiso chako chiratidze kuti uri kufara. Kunyemwerera kwomwoyo wose ndicho chinhu chinokwezva chaungaita, uye, sokutsanangura kunoita Roger E. Axtell, nyanzvi yokutaura uchishandisa nhengo dzomuviri, “kunyemwerera kunogamuchirwa kwose kwose” uye “kashoma kuti munhu asakunzwisisa.” * Uye kana ukazowedzera nokutaura zvinosetsa, vanhu vachakufarira.

Yeuka kuti, unhu hwakanaka kudaro hunobva mumwoyo. Saka edza kuzadza pfungwa dzako nomwoyo wako nezvinhu zvakanaka uye manzwiro akanaka. Verenga nyaya dzinonakidza uye dzinobatsira—zvinhu zviri kuitika, tsika dzakasiyana-siyana, zvinhu zvinongoitika zvoga pane zvakasikwa. Teerera mimhanzi inokurudzira. Asi usavarairwa nokubvumira TV, mafirimu, nemanovhero kuzadza pfungwa dzako nezvinhu zvisingaitiki. Ushamwari hunowanzoratidzwa paTV hahunyatsoitiki muupenyu chaihwo, hahusi ushamwari chaihwo, asi zvinhu zvinongofungidzirwa nomumwe munhu.

Iva Akavimbika Uye Ita Zvinhu Nomwoyo Wose!

Zuleica, anogara kuItaly, anoyeuka kuti: “Pandaiva muduku, ndainyara, uye ndaiona zvakandiomera kuva neshamwari. Asi ndaiziva kuti kana uchida kuva neshamwari, ndiwe unofanira kutora danho rokutanga, wotaura nezvako, uye woziva vamwe.” Chokwadi, kuti tive neshamwari dzechokwadi, tinofanira kutaurira vamwe zviri pamwoyo—toita kuti vazive kuti tinombova ani. Kukurukurirana kwakadaro uye kutaurirana manzwiro edu nezvatinofunga kunokosha zvikuru kuti pave noushamwari hwechokwadi kupfuura kunaka pachiso uye kuva nounhu hunokwezva. “Vanhu vane ushamwari hwapedyo uye hunogara kwenguva refu vangava vanhu vanonyara, vanofara, vaduku, vakuru, vanhu vasina kungwara, vakangwara, vasina chitarisiko chakanaka, vane chitarisiko chakanaka; asi unhu hwavanahwo vose, kutaura zviri pamwoyo yavo,” anodaro mupi wemazano Dr. Alan Loy McGinnis. “Vanobudirana pachena, vachibvumira vanhu kuti vaone zviri mumwoyo yavo.”

Izvi hazvirevi kuti wongodurura mwoyo wako kana kuti kutaura zvakavanzika zvako kuvanhu vausinganzwi wakasununguka navo. Asi zvinoreva kusarudza vaungaudza pfungwa dzako dzechokwadi nemanzwiro aunoita asi uchidaro zvishoma nezvishoma. Michela, wokuItaly, anoti: “Pakutanga ndaiva nechinetso chokuvanza manzwiro angu. Ndaifanira kuchinja, kuedza kunyatsoratidza manzwiro angu, kuti shamwari dzangu dzinzwisise manzwiro andaiita uye kuti dzinzwe dziri pedyo neni.”

Zvisinei, kunyange kana uri munhu anofarira kushamwaridzana nevamwe, kuti muvimbane seshamwari zvinongoda nguva uye kuva nezvakaitika zvakafanana. Izvi pazvinenge zvichiitika, edza kusanyanya kufunga nezvokuti vamwe vangafungei nezvako. Elisa, ari kuItaly, anoyeuka kuti: “Zvaindinetsa ndezvokuti pose pandaida kutaura chimwe chinhu, ndaitya kuti ndaisazochitaura zvakanaka. Zvadaro ndaifunga kuti, ‘Kana vanhu vari shamwari dzangu chaidzo, vachanzwisisa.’ Saka pandaitadza kutaura chimwe chinhu zvakanaka, ndaingozviseka, uye munhu wose aibva asekawo.”

Naizvozvo, faranuka! Iva zvauri. Kuedzesera hakubatsiri. “Chinoita kuti munhu anyanye kukwezva kuva akavimbika uye kungova zvauri,” akanyora kudaro F. Alexander Magoun, anopa mhuri mazano. Vanhu vanofara zvechokwadi havaedzeseri kana kuti kuedza kufadza vamwe. Tinogona kuva neshamwari dzechokwadi bedzi kana tikangoratidza zvatiri chaizvo. Tinodawo kuti vamwe vavewo zvavari. Vanhu vanofara vanogamuchira vamwe sezvavari, havagumburwi notuzvikanganiso tuduku. Havaoni chikonzero chokuchinja shamwari dzavo kuti dzienderane nemafungiro avagara vainawo. Edza kuva munhu anofara akadaro, asingatsoropodzi.

Kuti Uve Neshamwari, Iva Noushamwari

Pane chinhu chinotokosha zvikuru. Makore anoda kusvika 2 000 apfuura, Jesu akaratidza kuti rudo rusina udyire ndirwo runoita kuti ukama hwose hwevanhu hubudirire. Akadzidzisa kuti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo nenzira yakafanana.” (Ruka 6:31) Dzidziso iyi yava kuzivikanwa somutemo wokuti unofanira kuitirawo vamwe sezvaunoda kuti vakuitire. Chokwadi, nzira bedzi yokuva neshamwari chaidzo ndeyokuti iwe pachako uve shamwari isina udyire, inozvipira. Nemamwe mashoko, kuti uve neshamwari, iva noushamwari. Kuti ushamwari hubudirire, unofanira kuda kupa pane kugamuchira. Tinofanira kuva vakagadzirira kuisa zvinodiwa neshamwari dzedu pamberi pezvatinoda nezviri nyore kwatiri.

Manuela, ane mashoko ambotaurwa, anoti: “Sokutaura kwakaita Jesu, mufaro wechokwadi unobva pakupa. Munhu anogamuchira wacho anofara, asi anopa ndiye anotonyanya kufara. Tinogona kupa kana tikangobvunza nomwoyo wose shamwari dzedu kuti dzakadini, kana tikaedza kunzwisisa zvinetso zvadzo, uye kana tikaita zvose zvatinogona tisingamiriri kuti dzikumbire.” Naizvozvo tanga iwe kuratidza vamwe kuti unovafarira, kusanganisira shamwari dzaunotova nadzo. Simbisa ushamwari hwako. Usaita kuti zvinhu zvisingakoshi uye zvisinganyanyi kugutsa zvikutorere nguva yaunofanira kunge uine shamwari dzako. Unofanira kupa shamwari dzako nguva. Ruben, wokuItaly, anoti: “Kuti uwane shamwari uye urambe uinadzo, zvinokosha kuti mupedze nguva muri mose. Kutanga, zvinoda nguva kuti uve muteereri akanaka. Tose tinogona kuvandudza kuteerera kwatinoita uye kuratidza kuti tinofarira zvinotaurwa nevamwe kana tikasavadimburira panzira pavanenge vachitaura.

Remekedza Vamwe

Kuremekedzana ndechimwe chinhu chinokosha chinobatsira kuti pave noushamwari hunofadza, hwenguva yakareba. Izvi zvinosanganisira kuratidza kuremekedza manzwiro anoita vamwe. Unoda kuti shamwari dzako dzingwarire pakutaura apo zvadzinofarira kana kuti maonero adzo anenge asiyana neako, handizvo here? Haufaniriwo kuvaitira zvakafanana here?—VaRoma 12:10.

Imwe nzira yatinoratidza nayo ruremekedzo ndeyokusanyima shamwari dzedu rusununguko. Shamwari chaidzo hadzina godo uye hadzidi kuti usava nedzimwe shamwari. Pana 1 VaKorinde 13:4, Bhaibheri rinoti: “Rudo haruna godo.” Saka ngwarira muitiro wokusada kuti shamwari dzako dzishamwaridzane nevamwe. Kana dzikataura zvakavanzika nevamwe, usagumbuka uye zvichida kutorega kutaura nadzo. Ziva kuti tose tinofanira kuedza kushamwaridzana nevanhu vose. Ipa shamwari dzako mukana wokuti dzivewo nedzimwe shamwari.

Fungawo nezvokuti shamwari dzako dzinoda nguva yokuva dzoga. Mumwe nomumwe, uyewo vaya vakaroorana, vanoda nguva yokuva voga. Kunyange zvazvo uchifanira kunzwa wakasununguka kutanga kutaura nevamwe, iva pakati nepakati uye fungawo vamwe, uye usaita kuti shamwari dzako dzinete newe. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; arege kuzoneta newe, akakuvenga.”—Zvirevo 25:17.

Usatarisira Kuti Vave Vakakwana

Chokwadi, kana vanhu vava kuzivana, vanenge vava kuziva zvinokanganiswa nomumwe nezvaanonatsa. Kunyange zvakadaro, izvi hazvifaniri kutitadzisa kuva neshamwari. “Vamwe vanonyanya kutarisira kuti shamwari dziite zvakawanda,” anodaro Pacôme, wokuFrance. “Vanoda kuti vave nounhu hwakanaka chete, asi izvozvo hazviiti.” Hapana kana mumwe wedu akakwana, uye hatina kodzero yokutarisira kuti vamwe vave vakakwana. Tinovimba kuti shamwari dzedu dzichatida pasinei nokusakwana kwedu uye kuti dzichashivirira kukanganisa kwatinoita. Zvingava zvakanaka kana tikaedza kurerutsa zvikanganiso zveshamwari yedu, uye kusafungidzira kana kuti kunyanya kusimbisa zvikanganiso zvacho. Mumwe munyori anonzi Dennis Prager anotiyeuchidza kuti: “Shamwari dzisingakanganisi chete ndidzo dzinozivikanwa semhuka dzinotivaraidza, (kureva kuti dziya dzisingambonyunyuti, dzinogara dzichingoratidza rudo, dzinongogara dzichifara, dzinongogara dzichifunga nezvedu, uye dzisingambotiodzi mwoyo).” Kana tisingadi kuti mhuka dzinotivaraidza dzigume dzava idzo shamwari dzedu dzapedyo, tinofanira kuteerera zano romuapostora Petro rokurega ‘rudo ruchifukidza zvivi zvizhinji.’—1 Petro 4:8.

Zvinonzi shamwari dzinowedzera mufaro wedu dzoderedza kusuruvara kwedu nepakati. Zvisinei, kutaura zvazviri, hatigoni kutarisira kuti shamwari dzedu dziite zvose zvatinoda uye kuti dzigadzirise zvinetso zvedu zvose. Aya maonero oudyire.

Shamwari Dzinoramba Dzakavimbika Nyangwe Zvotsvuka Seropa

Kana tangova neshamwari, hatimbofaniri kurerutsa ushamwari hwedu. Padzinenge dziri kure nakure uye pachipera nguva yakareba dzisina kuonana, shamwari dzinofungana, uye dzinonyengetererana. Kunyange kana dzichingokwanisa kusangana apo neapo, dzinokurumidza kutaurirana zvave zvichiitika muupenyu hwadzo. Zvinokosha kuti titsigire shamwari dzedu, kunyanya munguva dzematambudziko. Chinotokosha zvikuru, hatifaniri kutiza kana shamwari dzedu dzava nezvinetso. Ndipo padzinenge dzichida kuti tidzitsigire chaizvo ipapo. “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Uye kana shamwari dzechokwadi dzikasanzwisisana, dzinokurumidza kugadzirisa zvinhu, dzokanganwirana. Shamwari chaidzo hadzisiyi shamwari dzadzo nokuti pava nematambudziko.

Kana ukava nevavariro isiri youdyire uye ukataura nevamwe uine maonero akanaka, unogona kuwana shamwari. Asi zvinokoshawo kuti shamwari dzako ndedzorudzii. Ungasarudza sei shamwari dzakanaka? Nyaya inotevera ichakurukura mubvunzo uyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Onawo nyaya inoti “Nyemwerera—Zvinokubatsira! iri muMukai! yaJuly 8, 2000.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 22, 23]

Zvinoita Here Kuti Varume Nevakadzi “Vangova Shamwari”?

Zvinoita here kuti varume nevakadzi vasina kuroorana vave shamwari? Izvozvo zvinoenderana nezvatinoreva neshoko rokuti “shamwari.” Jesu aiva shamwari yapedyo yaMariya naMarita vokuBhetani—vose vaiva vasina kuroorwa. (Johani 11:1, 5) Muapostora Pauro aiva shamwari yaPrisira nomurume wake, Akwira. (Mabasa 18:2, 3) Tinogona kuva nechokwadi chokuti vanhu ava vaiwirirana chaizvo. Panguva yakafanana, hatigoni kufungidzira kuti Jesu kana kuti Pauro vakambobvumira ushamwari uhu kuti hukure kuva hwokudanana somurume nomukadzi.

Nzanga yemazuva ano inoita kuti varume nevakadzi vave noukama hwapedyo zvikuru kupfuura kare, uye izvi zviri kuita kuti varume nevakadzi varambe vachiziva kuti vangashamwaridzana sei zvakakodzera. Vakaroorana vanobatsirwawo nokuva noushamwari hwakanaka nevamwe vakaroorana uye vasina kuroora kana kuroorwa.

“Zvisinei, kusiyanisa rudo sorwuya rwunoratidzwa nomurume nomukadzi norudo rwoushamwari kungava kwakaoma zvikuru,” inonyevera kudaro magazini inonzi Psychology Today. “Kutaura zvazviri, mukana wokuti vanhu vanga vari shamwari chete vagume vava kudanana vasina kuzvironga unongogara uripo. Kumbundiranawo zvako kwoushamwari kungaita kuti mumwe agume ava kuda mumwe.”

Kune vakaroorana, zvinokosha zvikuru kuti vaone zvinhu sezvazviri chaizvo. “Kunyanya kushamwaridzana nevamwe kunogona kuisa muchato mungozi,” anonyora kudaro munyori anonzi Dennis Prager mubhuku rake rinonzi Happiness Is a Serious Problem. “Kurara mose handiko chete kunoita kuti pave noushamwari hwapedyo, uye wawakaroorana naye ane kodzero yokutarisira kuti achava shamwari yako yapedyo kupfuura vamwe vanhu vose vausina kuroorana navo.” Jesu akaratidza kuti, kuramba uine tsika dzakachena kunofanira kubva pamwoyo. (Mateu 5:28) Naizvozvo, unogona kushamwaridzana nevausina kuroorana navo, asi rinda mwoyo wako uye ngwarira kudzivisa mamiriro ezvinhu angaita kuti ugume wava nepfungwa dzisina kunaka, wava kunzwa zvisina kunaka, kana kuti wava kuita zvisina kunaka kune wausina kuroorana naye.

[Mifananidzo uri papeji 23]

Kutarisira muviri wako nepfungwa dzako zvinoita kuti ukwezve zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 24]

Shamwari dzinotaurirana zviri pamwoyo