Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurambana Ndiko Kuzvipedza Here?

Kurambana Ndiko Kuzvipedza Here?

Zvinotaura Bhaibheri

Kurambana Ndiko Kuzvipedza Here?

MUMWE mupristi muBritain anochingamidza vanhu vose vaunganira chimwe chiitiko. Pamberi pake pane murume nomukadzi, neboka reshamwari dzapedyo nevana. Vari pamuchato here? Kana! Chiitiko ichi chiri kuratidza magumo omuchato wavo. Chokwadi, kurambana kwajairika zvokuti mamwe machechi ava kutoita mitambo yokurambana!

Uri kufunga nezvokurambana nomumwe wako here? Kana zvakadaro, kurambana kwenyu kuchaita kuti muve noupenyu hunofadza here? Pane matanho anoshanda aungatora kuti ufare nomumwe wako here?

“Vave Nyama Imwe”

Pakabatanidzwa vanhu vaviri vokutanga, Mwari akataura kuti murume “unofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.” (Genesi 2:24) Saka, kuroorana kwaizofanira kuva mubatanidzwa wechigarire. Ndosaka Jesu akazotaura kuti “chikonzero choufeve” ndicho bedzi chikonzero chokurambana chinobvumirwa neMagwaro paine mukana wokuzoroorana nomumwe munhu.—Mateu 19:3-9. *

Izvi zvinosimbisa kuti vakaroorana vanofanira kuva vakavimbika. Asi zvakadini kana zvinetso zviri kuitika mumba menyu zvakakomba zvikuru?

Kurambana Ndiyo Nzira Yokuchenjera Here?

Jesu akapa murayiro watinogona kushandisa kuongorora zvatinoita paakati: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:19) Zvinoguma zvaitika pakurambana kwanhasi kwakawanda kwazvo kuri kuitika pasina zvikonzero zvine musoro zvinoratidzei?

“Zvakanakira kurambana zvakakosheswa zvakadarikidza,” anodaro purofesa Linda Waite, nyanzvi yezvemagariro evanhu yepaUniversity of Chicago, aitungamirira boka renyanzvi dzaiongorora vakaroorana vasiri kufara. Saizvozvowo, apedza makore 11 achiongorora mhinduro dzezviuru zvevanhu, Purofesa Michael Argyle wepaUniversity of Oxford akawana kuti “vanhu vasinganyanyi kufara pavanhu vose ndevaya vakarambana kana kuti vakaparadzana.” Nei zvingadaro?

Kunyange zvazvo kurambana kungapedza zvimwe zvinetso, kunogonawo kutanga zvimwe zvinetso zvinorwadza zvausingazogoni kudzora. Kutaura zvazviri, kuongorora kunoratidza kuti kazhinji kurambana hakuderedzi zviratidzo zvokuora mwoyo uye hakuiti kuti uzviremekedze.

Kunyange zvazvo “musiri kunyatsowirirana mumba,” kuramba muri mose kunogona kubatsira. Vakawanda vanotsunga kuita kudaro vanowana mufaro. Purofesa Waite anoti: “Zvinetso zvakawanda zvinogadzirisika nokufamba kwenguva, uye vanhu vakaroorana vanenge vanowedzera kufara.” Kutaura zvazviri, kumwe kuongorora kunoratidza kuti vanhu vanenge vasere pagumi vakanga “vasingafari zvachose” nevavakaroorana navo asi vasina kurambana vakatozoona vava “kufara mumba” mavo pashure pemakore mashanu. Kunyange kana paine zvinetso zvakakomba, zvakanaka kuti vanhu vakaroorana vasangomhanyira kurambana.

Matanho Anoshanda

Vaya vari kufunga zvokurambana vanofanira kuzvibvunza kana zvavari kutarisira pane wavakaroorana naye zvichigoneka. Vanobudisa nhau vanokurudzira pfungwa yokufambidzana kunoguma nomuchato wemaoresa unozoteverwa noupenyu hwakanaka nokusingaperi sezvinotaurwa mungano. Pashure pomuchato, zvinhu zvakawanda zvinenge zvichitarisirwa pazvinoshayikwa, kuora mwoyo kunoguma kwavapo kungakonzera kusawirirana. Kusawirirana zvakunowedzera, panosvika nguva apo marwadzo anenge angozara mupfungwa. Rudo runotonhora uye nokufamba kwenguva runotsiviwa nehasha noruvengo. Kana zvinhu zvadaro, vamwe vangafunga kuti kurambana ndiko kuzvipedza.—Zvirevo 13:12.

Panzvimbo pokurega kugumbuka kuchikanganisa maonero ako, shamwaridzana nevanhu vakaroorana vakazvipira zvakasimba kugara pamwe chete. VaKristu vanokurudzirwa kuti, “rambai muchinyaradzana uye muchivakana.” (1 VaTesaronika 5:11) Zvechokwadi, vaya vasiri kugarisana zvakanaka mumba vanoda kukurudzirwa nevavanotenda navo.

Kukosha Kwounhu Hunodiwa naMwari

Muapostora Pauro akakurudzira kuti, “pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Unhu hunodiwa naMwari hunogona kuita kuti vakaroorana varambe vakabatana munguva dzezvinetso.

Somuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.” (VaKorose 3:13) Christopher Peterson, chiremba wepfungwa wepaUniversity of Michigan anoti: “Kukanganwira ndihwo unhu hwakabatana zvakasimba nomufaro.”

Mutsa, unyoro, uye kukanganwira zvinoita kuti pave norudo, “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Pasina mubvunzo, maimbofara muchidanana pane imwe nguva. Unogona here kuvazve norudo rwawaimbova narwo? Pasinei hapo nokuti mamiriro ako ezvinhu akaoma zvakadini, shinga. Pane tariro. Chokwadi, kuramba muri mose muchishandisa mitemo yeBhaibheri kunogona kuguma nomufaro mukuru kupfuura wamaifungidzira. Pasina mubvunzo, kuedza kwako kushandisa Bhaibheri kuchaita kuti Jehovha Mwari—Muvambi wokuroorana—afare.—Zvirevo 15:20.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha inoremekedza kodzero yeanenge asina mhosva yokusarudza kurambana kana kusarambana nomumwe wake anenge aita upombwe. Ona Mukai! yaMay 8, 1999, mapeji 5-9.