Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munhu Wose Anofanira Kuverenga Bhuku Iri”

“Munhu Wose Anofanira Kuverenga Bhuku Iri”

“Munhu Wose Anofanira Kuverenga Bhuku Iri”

NOMUNYORI WEMUKAI! KUPOLAND

Kutanga muchirimo cha2003, bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rakabudiswa mumitauro yakawanda pakokorodzano dzakaitwa munyika yose. Somune dzimwewo nzvimbo, muPoland kufarira kwakaita vanhu kugamuchira bhuku iri rine mifananidzo yakanaka kunoshamisa. Kunyange zvazvo rakanyanya kugadzirirwa vana vaduku, tsamba dzinobva kune vachiri kuyaruka nevanhu vakuru dzinoratidza kuti bhuku racho rinofarirwa nemazera ose. Hezvino zvimwe zvaiva mutsamba dzacho.

“Ndinonzi Agata uye ndine makore masere. Pandakawana bhuku iri, ndakakurumidza kunzwa kuti Jehovha ane hanya neni chaizvo. Ndinonyanya kufarira chitsauko 7, chinoti, ‘Kuteerera Kunokudzivirira.’ Ndakanga ndisingateereri vabereki vangu nguva dzose, asi iye zvino ndinoziva kuti ndinofanira kuchinja nokuti Jehovha anoda vana vanoteerera.”

Marlena, musikana ane makore 13, anonyora achiyemura achiti: “Ndinoziva kuti bhuku iri rakagadzirirwa vana vaduku, asi ndinofunga kuti rinofadza munhu wose. Kuriverenga kunosimbisa kutenda kwandinoita muna Jehovha naJesu. Kunyange zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvinotsanangurwa nenzira iri nyore. Handikwanisi kurega kuriverenga. Uye mifananidzo yacho yakanaka kwazvo! Mibvunzo iri mariri ichaita kuti vana vaduku vave nehavi yokuda kuziva! Bhuku racho rakanaka kwazvo, saka ndiri kunyatsoriverenga. Makaita basa chaizvo.”

Justyna, musikana ane makore 15, anotaura kuti bhuku racho rinoita kuti afungisise achiti: “Zvitsauko zvandakaverenga zvakandinakidza chaizvo zvokuti ndinoda kukutendai nomwoyo wose nokuda kwechipo ichi chakanaka uye chinorayiridza. Ndinofunga kuti munhu wose anofanira kuverenga bhuku iri—kunyange vanhu vakura. Mienzaniso iri mariri iri nyore uye inonzwisisika, uye ndinoona sokuti kunyange mwana ane gore anoinzwisisa. Uye mifananidzo yacho inotaura yoga. Zvisinei, handikwanisi kunyatsotaura manzwiro andinoita pandinenge ndichiverenga bhuku racho.”

Eunika akataurawo kuti anoonga bhuku iri. Kunyange zvazvo aine makore 19, akaverenga bhuku racho idzva nechido uye akaona kuti “rinoshanda kune vachiri kuyaruka.” Anonyorawo kuti: “Rine zano rinokosha nokuda kwoupenyu hwemazuva ose—kumba, kuchikoro, uye muungano. Makaita basa nechipo ichi.”

Maria, amai vanofara vomwana ane gore anonzi Oliwia, vaona zvaiitwa nomwana wavo paaiona mifananidzo ine mavara akanaka, vanoti: “Ndinoda kukutendai kubva pasi pomwoyo wangu nokuda kwebhuku iri richatibatsira kudzidzisa vana. Oliwia wedu haasi kuda kubvisa maziso ake pabhuku racho. Anogara pamakumbo edu uye anoda kuti timuudze zviri muzvitsauko zvose. Akanyanya kufarira mufananidzo uri papeji 83, unoratidza vasikana vaviri vane ganda rakasiyana vachimbundirana. Mimwe mifananidzo yacho yakanaka zvokuti anoibata, oimbundira, oinyemwerera.”

Maria anosimbisawo kuti bhuku racho rinokosha pakudzidzisa, achiti: “Rinotaura nyaya dzinokosha dzine chokuita nezvepabonde (mapeji 58-60) uye kushungurudzwa kwevana (mapeji 170-1). Rinobatsira chaizvo vabereki vanoda kurera vana vavo nouchenjeri munyika ino yakaipa ine ngozi dzakawanda.”

Vakabudisa bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru vanotarisira kuti bhuku racho richakubatsirawo iwe nevana vako kuti mubatsirwe nedzidziso dzakapiwa vanhu makore anenge 2 000 apfuura noMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Agata

[Mufananidzo uri papeji 15]

Marlena

[Mufananidzo uri papeji 15]

Eunika

[Mufananidzo uri papeji 15]

Maria naOliwia

[Mufananidzo uri papeji 15]

Justyna