Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mushonga weAIDS—Uri Kudiwa Nokukurumidza!

Mushonga weAIDS—Uri Kudiwa Nokukurumidza!

Mushonga weAIDS—Uri Kudiwa Nokukurumidza!

Grace anotengesa shangu dzinodhura paCentral Market of Lilongwe, muMalawi. Anoita seanofara uye ane utano hwakanaka. Zvisinei, kunyemwerera kwake kwoushamwari kunovharidzira imwe nyaya inosuruvarisa.

Muna 1993, Grace nomurume wake vakafara chaizvo pakazvarwa mwanasikana wavo, Tiyanjane. Pakutanga, Tiyanjane aiita seane utano hwakanaka. Asi akatanga kupera muviri uye akatanga kubatwa nezvirwere zvaitevedzana. Paakanga ava namakore matatu, Tiyanjane akafa neAIDS (acquired immunodeficiency syndrome).

Pasina makore akawanda, murume waGrace akatangawo kurwara. Rimwe zuva akadonha ndokubva aendeswa kuchipatara. Vanachiremba vakatadza kumubatsira. Murume waGrace waainge akaroorana naye kwemakore masere akafa nezvirwere zvine chokuita neAIDS.

Pari zvino Grace ava kugara oga muimba ine kamuri rimwe chete mumisha yomuLilongwe. Zvaaine makore 30, zvingatarisirwa kuti Grace angadaro ava kutanga kugadzirisa upenyu hwake. Zvisinei, Grace anotsanangura kuti: “Ndine HIV saka handicharoorwi kana kuita vamwe vana.” *

ZVINOSURUVARISA kuti, zviitiko zvakadai zvakawanda muMalawi, umo 15 muzana yevagari vemo inofungidzirwa kuti ine HIV. Maererano nerimwe pepanhau rinonzi Globe and Mail, pane chimwe chipatara chokumusha, “varwere vanopfuura nhamba inodiwa ne50 muzana vakapiwa mibhedha, uye chipatara chacho chakarasikirwa nevashandi 50 muzana” nemhaka yeAIDS. Kupararira kwoutachiona hweHIV kwakatonyanya mune dzimwe nyika dziri kumaodzanyemba kwegwenga reSahara muAfrica. Muna 2002, Joint United Nations Programme on HIV/AIDS (UNAIDS) yakati: “Iye zvino makore 47 ndiwo avhareji youpenyu hunotarisira kuraramwa munyika dziri kumaodzanyemba kwegwenga reSahara muAfrica. Dai pasina AIDS, makore acho angadai ari 62.”

Zvisinei, denda reHIV/AIDS rakapararira, kunyange munyika dziri kure nekondinendi yeAfrica. UNAIDS inofungidzira kuti anenge mamiriyoni mana evanhu vakuru vari muIndia ane utachiona hweHIV, ichiwedzera kuti: “Tichifunga nezvevanhu vane chirwere ichi, utachiona hweHIV ndihwo huchanyanya kuita kuti vanhu vakuru vafe mumakore ano gumi.” Denda racho riri kunyanya kupararira muCommonwealth of Independent States, boka rinoumbwa nenyika dzakawanda dzeyaimbova Soviet Union. Mumwe mushumo unoti muUzbekistan, “muna 2002 chete vanhu vakawanda vakanzi vaiva neHIV kana zvichienzaniswa nevaiva nayo mumakore gumi apfuura.” Utachiona hweHIV muUnited States huri kuramba huri ihwo chinhu chiri kuuraya vanhu vakawanda vokuAmerica vari pakati pemakore 25 ne44.

Mukai! yakatanga kubudisa nyaya dzakatevedzana dzine chokuita neAIDS muna 1986. Gore iroro, Dr. H. Mahler, aiva mutungamiriri weWorld Health Organization, akayambira kuti vanhu mamiriyoni gumi vangadaro vakanga vatova noutachiona hweHIV. Pashure pemakore anenge makumi maviri, nhamba yevanhu vane HIV pasi pose yakawedzera kusvika kumamiriyoni 42, ichiwedzera nekanopeta kagumi kuwanda kuri kuita vanhu! Nyanzvi dzinofunga kuti ramangwana riri mungozi. “Munyika 45 dzakanyanya kupararira chirwere ichi,” inodaro UNAIDS, “zvinofungidzirwa kuti, pakati pa2000 na2020, mamiriyoni 68 evanhu achakurumidza kufa zvakonzerwa neAIDS.”

Nemhaka yokuwanda kwevanhu vane chirwere ichi, mushonga wacho wava kutonyanya kudiwa kupfuura kare. Saka, vatsvakurudzi vezvoutano vakashanda nesimba kuti varwise HIV. Kufambira mberi kupi kwakaitwa pakurwisa denda rinouraya iri? Zvine musoro here kutarisira kuti AIDS ichapera?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 HIV, kana kuti human immunodeficiency virus, inozivikanwa soutachiona hunokonzera AIDS.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Pasi pose, zvinofungidzirwa kuti vanhu mamiriyoni 42 vane HIV/AIDS; mamiriyoni 2,5 vari vana.

[Mufananidzo uri papeji 4]

INDIA—Vashandi vezvoutano vakazvipira vanodzidziswa nezveAIDS

[Kwazvakatorwa]

© Peter Barker/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 4]

BRAZIL—Mushandi womunzanga anonyaradza mukadzi ari kurwara neAIDS

[Kwazvakatorwa]

© Sean Sprague/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 4]

THAILAND—Mushandi akazvipira anotarisira mwana akaberekwa aine HIV

[Kwazvakatorwa]

© Ian Teh/Panos Pictures