Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tose Tinoda Shamwari

Tose Tinoda Shamwari

Tose Tinoda Shamwari

“Shamwari munhu waunogona kutaura naye chero chinhu chipi zvacho wakasununguka, waunogona kuridzira runhare panguva chero ipi zvayo.” —Yaël, France.

“Shamwari inonzwisisa kana uri kushungurudzika uye inoshungurudzikawo sewe.”—Gaëlle, France.

“SHAMWARI iriko inonamatira kupfuura hama.” (Zvirevo 18:24) Kubva pakanyorwa mashoko iwayo muBhaibheri makore anenge 3 000 apfuura, vanhu havana kuchinja. Ushamwari huchiri chinhu chinokosha kuvanhu sezvakangoita zvokudya nemvura kumuviri womunhu. Asi vakawanda vakaomerwa nokugutsa chido ichi chokuva neshamwari. Kusurukirwa kwakapararira. “Hazvina kuoma kuona kuti ndezvipi zvimwe zvinokonzera izvi,” vanodaro Carin Rubenstein naPhillip Shaver mubhuku ravo rinonzi In Search of Intimacy. Vanotaura nezvezvinhu zvakadai so“kutama-tama kwevakawanda”—kuchinja kunoita vanhu pokugara nguva nenguva—“maguta asina ushamwari, akazara noutsotsi” uye “pane kuti vanhu vataure nevamwe munzanga, vava kungoona terevhizheni kana kuti mavhidhiyo vari mudzimba dzavo.”

Upenyu hwemazuva ano hunopedzawo nguva yedu nesimba redu. “Munhu anogara muguta mazuva ano anoonana nevanhu vakawanda pavhiki kupfuura zvaiita munhu aigara kumaruwa muzana remakore rechi17 pagore kana kuti kunyange muupenyu hwake hwose,” anonyora kudaro Letty Pogrebin mubhuku rake rinonzi Among Friends. Zvatingangodaro tichizivana nemazana evanhu, zvingangova zvakaoma kuisa pfungwa dzedu dzose pane mumwe munhu zvakakwana zvokukwanisa kutanga uye kuramba tiri shamwari dzapedyo.

Kunyange munzvimbo dzakanga dzisina upenyu hwokumhanya-mhanya nguva pfupi yapfuura, mararamiro evanhu ari kuchinja nokukurumidza. “Taimbova shamwari dzapedyo pedyo,” anodaro Ulla, anogara kuEastern Europe. “Asi iye zvino vakawanda vava kunyanya kuita mabasa avo kana kuti vava kubatikana nokuzvitsvakira zvinhu zvavo. Munhu wose anongogara akabatikana, uye tinoona ushamwari hwataimbova nahwo huchipera zvishoma nezvishoma.” Muupenyu hwemazuva ano hwokumhanya-mhanya, ushamwari hahuchakosheswi.

Asi chido chedu chokuva neshamwari chinoramba chakasimba. Vechiduku ndivo vane chido ichi zvakanyanya. Sokutsanangura kunoita Yaël, ane mashoko ambotaurwa pakutanga, “paunenge uri muduku, unoda kunzwa uchigamuchirwa uye kufarirwa, uye kunzwa uri pedyo nomumwe munhu.” Tingava tiri vaduku kana kuti vakuru, tose tinoda ushamwari hunofadza uye hwapedyo. Uye pasinei nezvinetso zvingavapo, pane zvakawanda zvatingaita kuti titange kuva neshamwari uye tirambe tinadzo. Nyaya dzinotevera dzichakurukura kuti izvi zvingaitwa sei.