Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Imhosva yaMwari Here?

Imhosva yaMwari Here?

Imhosva yaMwari Here?

BHAIBHERI rinoti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Akaruramawo uye ane ngoni. “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; Iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomio 32:4)

Nokuti ndiye Musiki, Jehovha Mwari ane simba rokufanoona zvose zvingakonzera njodzi uye ane simba rokupindira. Tichifunga izvi uyewo unhu hwake sezvinotaurwa muBhaibheri, hazvishamisi kuti vazhinji vanobvunza kuti, “Nei Mwari achibvumira njodzi dzakadai kuti dziitike?” * Mamiriyoni evaida kuziva nemwoyo wose vakawana kuti Mwari pachake anopa mhinduro inogutsa muShoko rake rakanyorwa. (2 Timoti 3:16) Tapota funga nezvezvinotevera.

Vakaramba Rudo rwaMwari

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akapa vabereki vedu vokutanga zvose zvavaida kuti vafare uye vararame vasingatyi. Uyezve kana ivo nevana vavo vaizoteerera mutemo waMwari wokuti “berekai muwande, muzadze nyika,” vaizoramba vachiwedzera vachivimba kuti Mwari aizoramba achivatarisira.—Genesisi 1:28.

Zvinosuruvarisa kuti Adhamu naEvha vakapira makotsi avo kuMusiki wavo nokusateerera uye nokusarudza kuzvimiririra. (Genesisi 1:28; 3:1-6) Vana vavo vakawanda vakangoteverawo gwara iroro. (Genesisi 6:5, 6, 11, 12) Muchidimbu, vanhu vose zvavo vakasarudza kuzvitonga ivo nomusha wavo, unova pasi rino, vasingatungamirirwi naMwari. Sezvo ari Mwari ane rudo, anoremekedza kodzero yokuti vanhu vazvisarudzire, Jehovha haamanikidzi vanhu kuti vabvume kutongwa naye, kunyange zvazvo zvavanoita zvingavakuvadza. *

Kunyange zvakadaro Jehovha haana kurasa mhuri yevanhu. Nanhasi achiri kuita ‘kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mateu 5:45) Uyezve Mwari akapa vanhu njere dzokuti vakwanise kudzidza nezvenyika uye mamiriro okunze, uye ruzivo urwu rwakabatsira vanhu kuti vafanoona mamiriro okunze akaipa nedzimwe njodzi dzakadai sokuputika kwemakomo.

Vanhu vakakwanisawo kuzivawo kuti inzvimbo dzipi dzisingatani kudengenyeka kana kuti dzine mamiriro okunze akaipa. Mune dzimwe nyika ruzivo urwu rwakaponesa vanhu nokuti vakadzidziswa, zvadaro vakavaka zvivako zviri nani uye vakava nenzira dziri nani dzinonyevera njodzi. Kunyange zvakadaro njodzi dziri kuramba dzichiwedzera gore negore. Izvi zvinokonzerwa nezvakawanda uye hazvisi nyore kunzwisisa.

Kugara Munzvimbo Dzisingatani Kuitika Njodzi

Kuipa kwenjodzi hakubvi pakuti yanga yakakura sei. Kuwanda kwevanhu vanogara munzvimbo yainenge yaitikira ndiko kunotema kuipa kwenjodzi yacho. Maererano nomushumo wakabudiswa neWorld Bank, vanhu vanopfuura 25 muzana vanogara munyika dzinopfuura 160, vari munzvimbo dzisingatani kuitika njodzi. Klaus Jacob weYunivhesiti yokuColumbia kuUnited States anoti: “Pamunoramba muchigarisa vanhu vakawanda munzvimbo isingatani kuitika njodzi, munoita kuti chiitiko changa chichingozviitikira zvacho chizoguma chava njodzi.”

Zvimwe zvinokuchidzira, kukurumidza kukura kwemaguta zvisina kurongwa, kuparadza masango, uye kuisa kongiri pose pose zvichitadzisa mvura kupinda pasi. Zviviri izvi zvapedzisira kutaurwa ndizvo zvinonyanya kuita kuti matope anoyerera uyewo mafashamo aparadze chaizvo.

Zvinoitwa nevanhu zvinogona kuita kuti kudengenyeka kuve njodzi yakakura, nokuti hakusi kudengenyeka kunowanzouraya kana kukuvadza vanhu asi zvivako zvinenge zvichiondomoka. Ndokusaka vanoongorora kudengenyeka kwenyika vakazoti: “Kudengenyeka hakuurayi. Zvivako ndizvo zvinouraya.”

Kugarira maoko kunoitwa nehurumende kunogonawo kuwedzera nhamba yevanhu vanofa. Mune imwe nyika iri kuSouth America kudengenyeka kwakaparadza guta rayo guru katatu mumakore 400 apfuura. Kubvira pakapedzisira kudengenyeka muna 1967, vagari vomuguta iroro vawedzera nekaviri kusvika kumamiriyoni mashanu. “Asi hapana mitemo yokuvaka inoita kuti vanhu vasave mungozi kana kuti haisi kutevedzerwa,” inodaro magazini inonzi New Scientist.

Mashoko okupedzisira aya anonyatsotsanangura zvakaita guta rinonzi New Orleans, riri kuLouisiana, kuU.S.A., rakavakwa munzvimbo yakaderera isingatani kuitika mafashamo. Pasinei nemadhunduru nepombi zviriko zvinodzivirira mafashamo, njodzi yaityiwa nevanhu yakazoitika muna 2005 pakaitika dutu rakazonzi Hurricane Katrina. “Nyevero dzakaita makore dzichipiwa” asi vanhu vakaisa zvimiti munzeve kana kuti “vakadzinzwa asi havana kuva nehanya nazvo,” rakadaro pepanhau rinonzi USA Today.

Kusava nehanya kwakadaro kuri kuitwa panyaya yokudziya kunoramba kuchiwedzera kwemamiriro okunze, uko masayendisiti akawanda anoti kuchaita kuti njodzi dzinokonzerwa nemamiriro okunze dziwedzere uye kuti mvura iwande mumakungwa. Zviri pachena kuti zvinhu zvakadai sezvematongerwo enyika, kugarisana kwevanhu uye zvoupfumi, zvinova zvinhu zvisinei naMwari, zvinofanira kufungwa nezvazvo. Izvi zvinotiyeuchidza chokwadi cheBhaibheri chokuti munhu haagoni “kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Chimwe chinetso chine vanhu ndechokuti havateereri nyevero, dzingava dzezvavanoona kana kuti dzinotaurwa nevakuru vakuru.

Dzidza Kuteerera Nyevero

Kutanga vanhu vanofanira kunzwisisa kuti njodzi inongoerekana yaitika. Muparidzi 9:11 inoti: ‘Tose tinowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ Zvisinei, kazhinji kacho panenge paine zvinonyevera, zvingava zvinooneka kana kuti zvinopiwa nevakuru vakuru, zvichiratidza kuti dambudziko rava pedyo. Kana vanhu vakaziva zviratidzo, vanogona kuwedzera mikana yavo yokupona.

Pakaitika tsunami kuchitsuwa chinonzi Simeulue chiri kuIndonesia muna 2004, pakafa vanhu vanomwe pakati pezviuru zvinogara ipapo. Vachiziva kuti mafungu asingawanzoitiki anogona kukonzera tsunami, vakawanda vakatiza pavakaona mvura yegungwa ichidzokera mukati. Saizvozvowo, vanhu vakapona pakaitika madutu kana kuti pakaputika makomo nokuti vakanga vateerera nyevero. Kana uchigara munzvimbo isingatani kuitika njodzi, zvinokosha kuziva zviratidzo zvose zviri zviviri zvinotaurwa nevakuru vakuru uye zvinooneka, nokuti nyevero dzinooneka dzimwe nguva ndidzo dzinotanga vakuru vakuru vasati vapa nyevero.

Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti “vanhu vane tsika yokuramba kuti kune njodzi iri kuuya kunyange pazvinenge zviri pachena,” yakadaro imwe nyanzvi inoziva zvokuputika kwemakomo. Izvi ndizvo zvinonyanya kuitika munzvimbo dzinogaropiwa nyevero dzenhema kana dzakamboitika njodzi kare kare. Uye dzimwe nguva vanhu havadi kusiya upfumi hwavo, kunyange vachiona kuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo.

Munzvimbo dzakawanda vanhu vanenge vari varombo zvikuru zvokusakwanisa kutamira kunzvimbo dzisina ngozi. Asi pane kushora Musiki wedu, urombo hunongoratidza kuti vanhu vakundikana. Somuenzaniso, hurumende dzinopedzera mazakwatira emari kuzvombo zvehondo pane kuti dzibatsire varombo.

Kunyange zvakadaro, pane zvinogona kubatsira vanhu vakawanda, pasinei nemamiriro avo ezvinhu. Zvingadaro sei? Nokuti Mwari achishandisa Shoko rake rakanyorwa, Bhaibheri Dzvene, akatipa mitemo yakanaka yakawanda, yokuti kana tikaitevedzera tinogona kupona.

Mitemo Inoponesa

Usaedza Mwari. “Musaedza Jehovha Mwari wenyu,” inodaro Dheuteronomio 6:16. VaKristu vechokwadi havadaviri mashura vachiti Mwari achavadzivirira kuti vasakuvara. Saka njodzi padzinenge dzava kuda kuitika, vanoteerera zano iri rakafuridzirwa rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda, asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.”—Zvirevo 22:3.

Koshesa upenyu pane upfumi. “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Chokwadi, upfumi hunokosha asi hahutibatsiri kana tafa. Saka, vaya vanoda upenyu uye vachikoshesa kushumira Mwari havaisi upenyu hwavo pamutanhiko kuti vadzivirire zvinhu zvavo.—Pisarema 115:17.

Muna 2004, Tadashi anogara kuJapan akasiya imba yake pakangoitika kudengenyeka uye vakuru vakuru vasati vataura zvaifanira kuitwa. Aikoshesa upenyu hwake kupfuura imba nezvinhu. Akira, anogarawo ikoko, akanyora kuti, “kuti waparadzirwa zvakawanda sei kunoenderana nemaonero omunhu kwete kuti chii chaparara. Ndakaona njodzi iyi somukana wokuti nditange kurarama upenyu huri nyore.”

Teerera nyevero dzehurumende. “Zviise pasi pevanhu vane masimba makuru.” (VaRoma 13:1) Kuchenjera kuteerera vakuru vakuru pavanotaura kuti tizai kana kuti torai matanho aya okudzivirira ngozi. Tadashi akaenda kure nengozi achitevedzera zvakanga zvataurwa kuti vatize nokudaro haana kukuvara ipapo kana kuzourayiwa pakwakazoitikazve.

Kana pasina nyevero dzinopiwa nehurumende, vanhu vanenge vava kuzvionera zvokuita vachitarisa kumira kunenge kwakaita zvinhu. Mune dzimwe nzvimbo vakuru vakuru vomunzvimbo iyoyo vanoudza vanhu zvavanofanira kuita kuti vapone. Kana kwaunogara kuine mashoko ezvinofanira kuitwa, unoziva zvokuita here? Uye wakambozvikurukura nemhuri yako here? (Ona bhokisi rinotevera.) Munyika dzakawanda, dzichitungamirirwa nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha, ungano dzeZvapupu dzine matanho anofanira kutevedzerwa kana pava kuda kuitika njodzi kana kuti dzaitika, uye matanho aya anobatsira chaizvo.

Ratidza rudo rwechiKristu. Jesu akati: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai.” (Johani 13:34) Vanhu vanoratidza rudo rwokuzvipira serwaKristu, vanoita zvose zvavanokwanisa kubatsirana kuti vagadzirire kana kuti vapone panjodzi dzinongoitika dzoga. PaZvapupu zvaJehovha, vakuru veungano vanoshanda nesimba kutsvaka vanhu vose vari muungano kuitira kuti vazive kana vasiri mungozi kana kuti vavaendese kusina ngozi. Uyezve, vakuru vanova nechokwadi chokuti vose vane zvinhu zvinokosha, zvakadai semvura yokunwa yakachena, zvokudya, zvokupfeka, uye mishonga. Panoitika njodzi, mhuri dzeZvapupu dzinenge dzichigara kusina njodzi dzinotambira zvimwe Zvapupu zvinenge zvatiza kunenge kwaitika njodzi. Zvechokwadi rudo rwakadaro “chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:14.

Njodzi dzinongoitika dzoga dzichawedzera kuipa here sezvinofunga vamwe? Zvichida, asi kwenguva pfupi chete. Nei? Nokuti nguva yevanhu inosiririsa vachirarama vasingatongwi naMwari yava kuzopera. Zvadaro, pasi rose nevanenge vachigara pariri vachatongwa naChangamire ane rudo Jehovha, zvichiita kuti zvinhu zvinake sezvatichaona munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kudengenyeka kwenyika, mamiriro okunze akaipa, kuputika kwemakomo, zvichingodaro hazvisi njodzi pachazvo. Zvinozova njodzi kana zvakanganisa upenyu hwevanhu nemidziyo yavo.

^ ndima 6 Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvokuti nei Mwari akabvumira kuti kutambura uye zvakaipa zvimbovapo, tapota ona nyaya dzinotevedzana dzine musoro unoti “‘Nei?’—Kupindura Mumwe Wemibvunzo Yakaomesesa,” dziri muMukai! yaNovember 2006 uye onawo chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]

WAKAGADZIRIRA KUTIZA HERE?

Masangano ehurumende anoti mhuri dzinofanira kuronga nzira yokutiza nayo nokugara dziine “bhegi” rakasimba, rinenge riri pachena, riri nyore kufamba naro uye riine zvinhu zvinokosha zvinodiwa munguva yenjodzi. Ringava nezvinhu izvi: *

◼ Magwaro anokosha anenge ari mupurasitiki

◼ Mamwe makiyi emba neemota

◼ Mabhuku nemakadhi okubhengi nemari

◼ Chigubhu chemvura nezvokudya zvisingaori

◼ Matochi, karedhiyo, serofoni (kana uinayo), nemamwe mabhatiri

◼ Mishonga ingagona kushandiswa kwevhiki, mirayiridzo yokushandiswa kwayo, uye mazita nenhamba dzorunhare dzavanachiremba. (Iva nechokwadi chokuchengeta mishonga ichiri kushanda)

◼ Kabhegi keFirst-aid

◼ Shangu dzakasimba dzisingaremi uye renikoti

◼ Nzvimbo yamuchasangana semhuri, uye mepu yenzvimbo yamunogara

◼ Zvinhu zvevana

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 35 Kunyange zvazvo mashoko aya akataurwa nemasangano ehurumende, ane zvishoma zvachinjwa. Hazvisi zvose zvataurwa zvingashanda kwauri kana kwaunogara, uye ungatowedzera zvimwe. Somuenzaniso, vakwegura nevakaremara vane zvavo zvavangada.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]

USGS, David A. Johnston, Cascades Volcano Observatory