Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Itai Kuti Pamba Pave Norudo

Itai Kuti Pamba Pave Norudo

Danho 2

Itai Kuti Pamba Pave Norudo

Nei izvi zvichikosha? Vana vanoda kudiwa kana zvikasadaro havakuri zvakanaka. Muma1950, imwe nyanzvi yokugarisana kwevanhu netsika inonzi M. F. Ashley Montagu yakanyora kuti: “Chinonyanya kudiwa nomunhu kuti akure kumuratidza kuti unomuda; utano hwakanaka hunobva pakudiwa, kunyanyanyanya mumakore matanhatu okutanga oupenyu.” Vatsvakurudzi vemazuva ano vanobvumirana nezvakataurwa naMontagu kuti “vana vanokanganisika kana vakakura vasingapiwi rudo rwakakwana.”

Nei zvakaoma? Kurarama munyika ino isina rudo ine udyire, kunovhiringidza kubatana kwemhuri. (2 Timoti 3:1-5) Vakaroorana vangaona sokuti zvokufunga uye mari inodiwa pakurera vana zvinowedzera matambudziko avo omumba. Somuenzaniso, kana vakaroorana vakatadza kubvumirana kuti vacharanga sei vana vavo uye kuti vachavaitirei kana vaita zvakanaka, ivo pachavo vagara vasingakwanisi kukurukurirana, chokwadi kudira sauti pachironda.

Zvii zvingakubatsirai? Garai muchironga nguva yokuva pamwe chete semhuri. Vakaroorana vanofanirawo kuronga nguva yokuva vega. (Amosi 3:3) Shandisai zvakanaka nguva iya kana vana varara. Musarega TV ichikubirai nguva iyi inokosha. Rambai muchirezvana nokuvaraidzana mumba menyu nokugara muchiratidzana kuti munodanana. (Zvirevo 25:11; Rwiyo rwaSoromoni 4:7-10) Pane kugara ‘uchiwanira mumwe wako mhosva,’ zuva rimwe nerimwe tsvaka mikana yokuti umurumbidze.—Pisarema 103:9, 10; Zvirevo 31:28.

Udzai vana venyu kuti munovada. Jehovha Mwari akaratidza vabereki zvinoitwa paakataura pachena kuti anoda Mwanakomana wake, Jesu. (Mateu 3:17; 17:5) Fleck, vamwe baba vanogara kuAustria, akati: “Ndakaona kuti vana vanoda kuita semaruva. Sezvaanongotarira kuzuva kuti awane chiedza nokudziyirwa, vana vanotarirawo kuvabereki vavo kuti vawane rudo uye kuti vagutswe kuti vanodiwa senhengo dzemhuri.”

Ungave mubereki ane mumwe wake kana kuti kwete, kana ukabatsira mhuri yako kudanana uye kuda Mwari, upenyu hwemhuri yako huchava nani.

Zvisinei, Shoko raMwari rinotii panyaya yokushandisa simba somubereki?

[Mufananidzo uri papeji 4]

Rudo . . .  chisungo chakakwana chokubatana.

VaKorose 3:14