Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ivai Nemaitiro Akarongwa Okuita Nawo Zvinhu

Ivai Nemaitiro Akarongwa Okuita Nawo Zvinhu

Danho 5

Ivai Nemaitiro Akarongwa Okuita Nawo Zvinhu

Nei izvi zvichikosha? Zvinokosha kuti munhu mukuru ave nemaitiro akarongwa okuita nawo zvinhu. Kazhinji basa, kunamata, kunyange kutandara zvinoitwa nenzira yakarongwa. Vabereki vanoremadza vana vavo kana vakasavadzidzisa kuronga nguva yavo voomerera pane zvavanenge varonga. Ukuwo, Dr. Laurence Steinberg, purofesa wekushanda kwepfungwa anoti: “Tsvakarudzo dzinoratidza kuti kuva nemitemo uye kuronga zvinhu kunoita kuti mwana anzwe akachengeteka, asingatyi uye zvinomudzidzisa kuzvidzora uye kuzvimiririra.”

Nei zvakaoma? Upenyu huzere nokumhanya-mhanya. Vabereki vakawanda vanoshanda muswere wose wezuva, saka vanowana nguva shoma yokugara vachitandara nevana vavo. Kuva nemaitiro ezvinhu akarongwa uye kuatevedzera kunoda kuzvirovedza uye kutsunga kukurira kunetsa kungaita mwana mumazuva okutanga.

Zvii zvingakubatsirai? Shandisai mutemo unobva muzano reBhaibheri unoti “zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaKorinde 14:40) Somuenzaniso, vana pavanenge vachiri vaduku, vabereki vakawanda vanovarongera nguva yokurara. Zvisinei, nguva iyi inofanira kuva inofadza. Tatiana, wokuGreece, amai vane vanasikana vaviri, anoti: “Vana vangu pavanorara, ndinovapuruzira ndichivaudza kuti Mhamha vanga vachiitei ivo pavanga vari kuchikoro. Ndinobva ndavabvunza kana vachida kundiudza zvavaita zuva iroro. Vanonzwa parere mwoyo. Kazhinji vanodurura zvose.”

Kostas, murume waTatiana, anovaverengera nyaya. Anoti, “Vanotaura zvavanofunga nezvenyaya yacho, uye kazhinji tinoguma tava kutaura zvavanoda nezvinovanetsa. Hazvisi nyore kuti vadurure zvinovanetsa kana ndangoti vazvitaure.” Uye vana pavanokura, zvinenge zvakakodzera kuti muchinje nguva yokuti vanorara. Kana mukagara muchiita izvi, vana venyu vacharamba vachishandisa nguva iyi kuti vataure nemi.

Uye kuwedzera pane izvi, kuchenjera kuti mhuri ive nenguva yokudya pamwe chete kana kamwe zvako pazuva. Kuti zvidaro, nguva yokudya ingada kuenderana nenguva ichawanikwa munhu wose. Charles, baba vane vanasikana vaviri, anoti: “Dzimwe nguva ndinononoka kubva kubasa. Mudzimai wangu anombopa vanasikana vedu zvinopodza nzara, asi nguva dzose anoita kuti vanhu vose vamirire kusvikira tose tavapo todya pamwe chete. Tinotaura zvataita zuva iroro, tinokurukura rugwaro rwezuva, tinotaura zvinetso uye tinoseka pamwe chete. Kugara tichiita izvi chokwadi kwakabatsira zvikuru kuti mhuri yedu ifare.”

Kuti munyatsogona danho iri, musarega kutsvaka pfuma kuchivhiringidza maitiro amunoita zvinhu zvemhuri yenyu. Shandisai zano reBhaibheri rokuva “nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.”—VaFiripi 1:10.

Chiizve chingaitwa nevabereki kuti kutaurirana kwavanoita nevana vavo kuve nani?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.

1 VaKorinde 14:40