Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jekesai Mitemo Yepamba uye Ngaikurumidze Kutevedzerwa

Jekesai Mitemo Yepamba uye Ngaikurumidze Kutevedzerwa

Danho 4

Jekesai Mitemo Yepamba uye Ngaikurumidze Kutevedzerwa

Nei izvi zvichikosha? Ronald Simons, muzvinafundo wezvokugarisana kwevanhu, wepaYunivhesiti yeGeorgia, anoti: “Chokwadi ndechokuti vana vanokura zvakanaka kana vakapiwa mitemo iri nyore kunzwisisa uye vachirangwa kana vasina kuitevedzera. Pasina izvozvo, vana vanova noumbimbindoga, makaro, uye vanoshaya mufaro vobva vaita kuti vamwe vose vashayewo mufaro.” Shoko raMwari rinoti: “Kana uchida vana vako, uchavaranga.”—Zvirevo 13:24, New Century Version.

Nei zvakaoma? Kupa vana venyu mitemo yezvavanofanira kuita nokuona kuti yatevedzerwa kunoda nguva, kune basa uye kunoda kutsungirira. Vana vagara vaine shungu dzokuda kuona kuti zvinomboita sei kana vakasazvitevedzera. Mike naSonia, vane vana vaviri, vanobaya dede nomukanwa vachitaura kuoma kwazvakaita vachiti: “Vana vanhu vaduku vane mafungiro avo, vane zvavanodawo uye vane manzwiro avanoberekwa nawo okuda kutadza.” Vabereki ava vanoda chaizvo vanasikana vavo. Asi vanobvuma kuti, “Dzimwe nguva vana vanogona kuoma musoro uye vaine udyire.”

Zvii zvingakubatsirai? Tevedzerai zvaiitwa naJehovha kune vaIsraeri. Imwe nzira yaairatidza nayo kuti aida vanhu vake yaiva yokudonongodza mitemo yaaivatarisira kuti vateerere. (Eksodho 20:2-17) Akataura zvaizoitika pavaisazoiteerera.—Eksodho 22:1-9.

Saka madii kunyorawo mitemo yepamba yamunofunga kuti vana venyu vanofanira kutevedzera. Vamwe vabereki vanoona zvakanaka kuva nemitemo mishoma, ingasvika kumishanu. Mitemo isina kuwandisa yakafungwa zvakanaka haina kuoma kuona kuti yatevedzerwa uye iri nyore kuyeukwa. Pedyo nemitemo iyoyo, nyorai zvirango zvokutadza kuitevedzera. Ivai nechokwadi chokuti zvirango zvacho zvine musoro uye kuti munoda kuona kuti zvapiwa. Garai muchigadzirisa mitemo iyi kuitira kuti vanhu vose, kusanganisira Amai naBaba, vazive zvinonyatsodiwa.

Kana mitemo ikatyorwa, kurumidza kumuranga, nguva dzose ita izvi wakadzikama, uye usingadzokeri shure. Ziva kuti: Kana hasha dzako dzakakwira, mirira kusvika wati tonho wozomuranga. (Zvirevo 29:22) Zvisinei, usanonoka. Usaita hurukuro. Kana ukadaro, mwana wako achafunga kuti mitemo yacho haina basa. Izvi zvakafanana nezvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Mutongo zvausina kukurumidza kupiwa pabasa rakaipa, mwoyo yevanakomana vevanhu yakatsunga kwazvo mukati mavo kuti vaite zvakaipa.”—Muparidzi 8:11.

Ndeipi imwe nzira yaungashandisa simba rako kubatsira vana vako?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.

Mateu 5:37