Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushamisa Kunoita Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo

Kushamisa Kunoita Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo

Kushamisa Kunoita Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo

“Kutama-tama kunoita shiri kungangodaro kuri chimwe chezvinhu zvinoshamisa zvikuru zvinoitwa nezvinhu zvakasikwa,” rinodaro bhuku rinonzi COLLINS ATLAS OF BIRD MIGRATION.

MUSI waDecember 9, 1967, mumwe mutyairi wendege akaona boka reshiri dzinonzi whooper swans dzinenge 30 dzichibhururuka dzakananga kuIreland dziri mudenga nemamita 8 200. Nei dzaibhururuka dziri mudenga kudaro, maiva nemhepo yaitonhora zvikuru zvokusvika paminus 40°C? Kunze kwokutiza chando nemadutu aiva nechepasi, dzaibhururuka dzichibatsirwa nemhepo yaiita kuti dzikwanise kubhururuka makiromita 200 paawa. Zvaifungidzirwa kuti shiri dzacho dzaibhururuka makiromita 1 300 kubva kuIceland kuenda kuIreland mumaawa manomwe chete.

Shiri inotama ichienda kure kupfuura dzimwe dzose inonzi arctic tern, inoitira vana vayo kuchamhembe kweArctic Circle asi painenge yava nguva yechando kuchamhembe shiri iyi inoenda kuAntarctic. Mugore rimwe chete, shiri duku iyi inogara pedyo negungwa inenge yafamba makiromita 40 000 kusvika ku50 000, daro rakaenzana nokutenderera pasi rose!

Mashuramurove anoitira vana vawo kuChamhembe kweEurope uye painenge yava nguva yechando anoenda kuSouth Africa, achifamba daro remakiromita 24 000 kuenda nokudzoka. Shiri idzi dzine zviuru dzinopfuura nokuIsrael mumatsutso uye muchirimo, dzichifamba sezvadzaiita munguva yakanyorwa Bhaibheri.—Jeremiya 8:7.

Ndiani akaita kuti shiri dzikwanise kuita izvi? Makore anenge 3 500 akapfuura, Mwari akabvunza murume akarurama Jobho zvinotevera: “Kunzwisisa kwako here kunoita kuti rukodzi rubhururuke, kuti rutambanudzire mapapiro arwo kumhepo yokumaodzanyemba? Kana kuti ndiwe here unorayira gondo kuti ribhururukire kumusoro uye kuti rivakire dendere raro pakakwirira?” Paaipindura, Jobho akarumbidza Mwari zvakakodzera nokuda kwezvinhu zvinoshamisa zvaikwanisa kuitwa neshiri nedzimwe mhuka.—Jobho 39:26, 27; 42:2.

Zvinopfuura Mano Okusikwa Nawo

Vanhu, avo vari zvisikwa zvaMwari zvakangwara kupfuura zvimwe zvose, havanyanyi kutungamirirwa nemano avanosikwa vainawo. Asi tiri vanhu vakasununguka kusarudza zvatinoda kuita, tine hana uye tinokwanisa kuratidza rudo. (Genesisi 1:27; 1 Johani 4:8) Zvatiine zvipo izvi, tinogona kusarudza zvinhu zvakarurama uye zvakanaka izvo dzimwe nguva zvinoratidza rudo rukuru kwazvo uye kuzvipira.

Chokwadi, kazhinji maonero anoita munhu uye zvaanoita zvinobva patsika nemitemo yezvokunamata zvaanenge akadzidziswa kubvira achiri mucheche. Saka vanhu vangasiyana maonero avanoita zvakarurama nezvakaipa, zvinogamuchirwa nezvisingagamuchirwi. Kusiyana kwemaonero uku kungaita kuti vasanzwisisana, vasagarisana uye vatovengana, kana vachinyanya kuvhiringidzwa netsika, urudzi, uye chitendero.

Nyika yaizova nzvimbo iri nani zvikuru kudai vanhu vose vaizotevera mitemo yakafanana yetsika dzakarurama maererano nechokwadi cheBhaibheri, sokutevera kwatinoita mitemo yakafanana inodzora zvinhu zvose zvakasikwa! Asi pane munhu anokwanisa uye ane ruzivo rwokudzika mitemo ingateverwa nenyika yose here? Kana aripo, achaidzika kana kuti ati aidzika here? Mibvunzo iyoyo ichapindurwa munyaya dzinotevera.