Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndapota Jehovha, regai ndikushumirei”

“Ndapota Jehovha, regai ndikushumirei”

“Ndapota Jehovha, regai ndikushumirei”

Yakataurwa naDanielle Hall

Pandaiva kasikana, ndaifarira kuenda kwaAmbuya vangu vaigara pedyo nesu. Zuva nezuva vaimboti rarei masikati. Pandaienda kumba kwavo, taigara tose pamubhedha ivo vachindiverengera nyaya dzomuBhaibheri. Vaiwanzondiudza kuti: “Usambokanganwa kuti Jehovha anokuda. Uye kana uchimuda, acharamba achikutarisira.” Mashoko avo akasvika pasi pasi pemwoyo wangu.

AMBUYA vakafa muna 1977, pandaiva nemakore mana. Vaiva Chapupu chaJehovha, sedzimwe hama dzose dzaBaba vangu dzaigara mutaundi rokwedu rinonzi Moe, kuAustralia. Vabereki vangu vakanga vasiri Zvapupu, asi Baba vaifarira Zvapupu. Takazotamira kuTintenbar, rimwe taundi duku riri muNew South Wales pedyo nemhenderekedzo yegungwa. Tiri ikoko, ini nehanzvadzi yangu Jamie, taigara tichipinda misangano yeZvapupu naBaba.

Pandaiva nemakore masere, vabereki vangu vakaparadzana. Baba vakadzokera kuMoe, ini naJamie tikasara naAmai. Amai vakanga vasingafariri zveBhaibheri uye vakanga vasingadi kuti tipinde misangano yeZvapupu. Izvi zvakandisuruvarisa zvikuru. Ndaigara ndichifunga mashoko aAmbuya. Ndaiziva kuti ndaida Jehovha kwazvo! Uye ndaida kumushumira. Saka ndakanyengetera kuna Jehovha ndichimuudza kuti ndaivawo Chapupu chake. Jamie aizvitiwo Chapupu chaJehovha.

Miedzo Kuchikoro

Pashure pacho, mumwe mudzidzisi wokuchikoro akakumbira kuti mwana mumwe nomumwe womukirasi medu ataure chitendero chake kuitira kuti anyore mubhuku remazita. Paakasvika pana Jamie, iye akataura zvakajeka kuti “Zvapupu zvaJehovha.” Mudzidzisi wacho akambomira ndokumukumbira kuti adzokorore mhinduro yake, achibva adaro. Mudzidzisi wacho akati, “Handifungi kudaro, asi ndichazodzoka ndotaura newe.” Ava pandiri, ndakataurawo kuti, “Zvapupu zvaJehovha.” Achinyatsoratidza kuti akanga avhiringidzika, mudzidzisi akashevedza mukuru wechikoro.

Mukuru wechikoro akataura zvine simba kuti, “Ndine mapepa okunyoreswa kwenyu, uye vabereki venyu havana kutaura kuti muri Zvapupu zvaJehovha.” Takapindura noruremekedzo kuti, “Asi ndicho chitendero chedu.” Vose havana kuzombotaurazve nezvazvo.

Kuchikoro ndaiedza kuudza vandaidzidza navo zvishoma zvandaiziva nezveBhaibheri. Ndaienda neBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, uye nguva nenguva ndairiverengera mumwe musikana aitenda muna Mwari. * Asi nemhaka yokuti ndaiedza kurarama zvinoenderana nemitemo yechiKristu, ndakanga ndisingambonyanyi kufarirwa uye dzimwe nguva ndaisurukirwa zvikuru.

Ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha zvakadzama zvokuti akava shamwari yangu yepedyo. Zuva nezuva ndabva kuchikoro, ndaigara pamubhedha wangu ndoudza Jehovha zvose zvainge zvaitika zuva iroro. Kakawanda ndaichema. Misodzi ichiyerera pamatama, ndaiteterera ndichiti, “Ndapota Jehovha, regai ndikushumirei pamwe chete nevanhu venyu.” Nguva dzose ndapedza kunyengetera ndainzwa zviri nani zvikuru.

Tsamba Inosimbisa

Pandakanga ndava nemakore gumi, Jamie akadzokera kuMoe kunogara naBaba. Iye zvino ndakanga ndisisina kana munhu aindisimbisa pakunamata. Zvadaro, pandaishanyira muvakidzani wedu, ndakaona magazini aibudiswa neZvapupu zvaJehovha. Ndichifara ndakabata nomusoro kero yehofisi yebazi ndichibva ndamhanya kumba kunoinyora pasi. Ndakanyorera bazi tsamba yaibva pamwoyo ndichitsanangura mamiriro angu ezvinhu uye ndichikumbira kubatsirwa mune zvokunamata. Tsamba yavakandipindura yaizadza mapeji maviri, yaindisvika pamwoyo, yakaita kuti misodzi iyangarare mumaziso angu. Izvi zvairatidza kuti Jehovha anondida!

Tsamba yacho yakandikurudzira kuti nditevedzere kutenda kwemusikana wechiIsraeri akazova mushandi waNaamani, aiva mukuru weuto reSiriya munguva yakanyorwa Bhaibheri. Kunyange zvazvo akanga atapwa uye achigara kure nokumusha kwake, akaramba ari pedyo naMwari wake, Jehovha. Uye akaratidza kuti aiva chapupu chake chechokwadi paakataura nezvokutenda kwake akashinga.—2 Madzimambo 5:1-4.

Tsamba iyi yaibva kuhofisi yebazi yakawedzera kuti: “Zvauri musikana muduku, unofanira kushumira Jehovha nokuteerera vabereki vako uye kushanda nesimba kuchikoro. Unofanirawo kuramba uri pedyo naJehovha uchinyengetera uye kudzidza Shoko rake.” Mashoko okupedzisira etsamba yacho anoti: “Danielle, yeuka kuti pasinei nokwatinogara, Jehovha ari pedyo nesu nguva dzose. Tinoziva kuti unotenda izvi.” (VaRoma 8:35-39) Tsamba iyoyo inogara iri papeji yokutanga yeBhaibheri rangu, kunyange zvazvo yasakara. Kwemakore akawanda ndakaiverenga kazhinji, uye pose pandaiiverenga ndaichema.

Ndichangobva kugamuchira tsamba yaibva kubazi, ndakagamuchira imwezve. Yaiti baba vangu vakanga varonga kuti nditumirwe magazini eNharireyomurindi neAwake! Ndakafara zvokufara zviya! Iye zvino ndakanga ndava kuwana zvokudya zvokunamata nguva dzose. Paisvika magazini imwe neimwe, ndaiiverenga yose. Ndichine magazini okutanga-tanga andakatumirwa. Panenge panguva iyi, mumwe mukuru wechiKristu womuungano yokwandaigara akatanga kundishanyira. Kunyange zvazvo aiuya kwenguva pfupi, zvaindikurudzira zvikuru.

Kuchinja Kunoita Kuti Ndifambire Mberi

Kunyange zvazvo ndakanga ndava kubatsirwa pakunamata, ndakanga ndichiri kusuwa kunamata Jehovha neungano. Saka pandakasvitsa makore 13 ndakakumbira Amai kuti ndinogara naBaba. Amai vangu ndaivada nomwoyo wose, uye ivo vaindidawo, asi ndakanga ndatsunga kushumira Mwari. Pavakabvuma, ndakadzokera kuMoe ndokutanga kudzidza Bhaibheri neungano yeikoko. Baba vakatibvumidza kupindawo misangano yose. Zvapupu zvomuungano iyoyo zvakaita zvose zvazvaigona kuti zvitibatsire. Ini naJamie takakurumidza kufambira mberi pakunamata uye takazobhabhatidzwa takangosiyana nemwedzi mishomanana chete. Chokwadi minyengetero yangu kubvira ndichiri muduku yakapindurwa. Ndakanga ndava kushumira Jehovha pamwe chete nevanhu vake!

Munguva iyi, ndakatanga kuwirirana chaizvo natete vangu Lorraine, nomurume wavo Philip Taylor, avo vaipindawo neUngano yeMoe. Vaindibata somwanasikana wavo. Pavakatamira kuchitsuwa cheBougainville, muPapua New Guinea, kunoshanda kwaidiwa vaparidzi voUmambo vakawanda, ndakabvuma pakarepo pavakandikoka kuti ndiende navo. Ndaingova nemakore 15, asi Baba naAmai vakandibvumira kuti ndiende.

KuBougainville ndakaramba ndichiita zvidzidzo zvokuchikoro ndiri pamba. Kunze kwokungoita zvechikoro, ndaipedza nguva yakawanda ndichiparidza. Kushanda nemamishinari nemapiyona kwainakidza chaizvo! Vanhu vokuno vaizvininipisa zvandisati ndamboona, uye vakawanda vavo vaiva nechido chokudzidza Bhaibheri.

Pave paya gore iroro vanhu vakatanga kurwira zvematongerwo enyika, uye zvakanga zvava nengozi kuti ndirambe ndiriko. Ndakarwadziwa chaizvo kubva pakachitsuwa ikako uye kusiya vanhu vacho vakanaka. Ndege duku yandaiva payakasimuka, ndakaona Babamukuru Philip vakamira padivi vachindisimudzira maoko. Ndichichema zvokuchema zviya, ndakateterera Jehovha chinyararire kuti andibvumire kuti rimwe zuva ndishumire ndiri mumishinari kune imwe nyika.

Minyengetero Yakawanda Inopindurwa

Ndadzokera kuAustralia, ndakatanga kudzidziswa basa romuhofisi ndiri pakambani yaiita zvomutemo, pashure pokunge ndapedza chikoro chesekondari. Panguva iyi, Baba vakanga varoora mumwe mukadzi uye vakanga vava kutarisira mhuri yakakura. Jamie akanga ava kugara naAmai. Kwekanguva, ndaimboti ndikagara naBaba ndogara naAmai. Zvaiita sokuti upenyu hwakanga hwakaoma chaizvo. Ndaifanira kuita kuti upenyu hwangu huve nyore ndonyanya kufunga nezvezvinangwa zvokunamata. Saka muna 1994 ndakatanga basa renguva yakazara muMoe ndiri piyona.

Ndakatangazve kufara. Ndakashamwaridzana nepwere dzaida zvokunamata dzaiva muungano, uye dzakanditsigira zvikuru. Kutaura zvazviri, muna 1996 ndakaroorwa nomumwe wadzo ainzi Will, murume munyoro, aiva nomutsa uye aizvininipisa, uyo akava chikomborero chaicho chaibva kuna Jehovha.

Taroorana, zvinhu zvakanga zvava kutifambira zvakanaka, uye taisambofunga kuti pane zvingapfuura izvi. Rimwe zuva Will akauya kumba pashure pokunge ashanda nomutariri aifambira ungano dzaiva munharaunda yedu. Andikumbira kuti ndigare pasi, akabvunza kuti: “Ungada kuti tiende kunobatsira imwe ungano here?” Nechomumwoyo ndakakurumidza kuti hungu. Zvisinei, ndakabvunza ndichiita zvokutamba kuti: “Kupi? KuVanuatu here kana kuti kuFiji?” Will paakapindura kuti “kuMorwell,” ndakabva ndangoti, ‘Pedyo pedyo nesu apa!” Tose takaseka tichibva tangobvumirana kuti taizofara kutamira muungano yaiva pedyo nesu kuti tinoshumira semapiyona.

Makore matatu ataiva kuMorwell ainakidza uye taibudirira mubasa redu. Zvadaro pane chimwe chakazoitika tisingatarisiri. Takagamuchira tsamba yaibva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuAustralia yaitikoka kuti tinoshumira semapiyona chaiwo. Taizonoshandira kupi? KuEast Timor, nyika duku iri nechokumabvazuva kumucheto kwezvitsuwa zveIndonesia. Misodzi yakayangarara mumaziso angu. Ndakatenda Jehovha nokuti aipindura minyengetero yangu yose. Haana kungondibvumira kuti ndive mushumiri wake chete, asi panguva ino ini nomurume wangu takanga tava kugona kunoshandira kune imwe nyika.

Kushumira Tiri Mhiri Kwemakungwa

Takasvika muguta racho guru rinonzi Dili muna July 2003. Ungano yeDili, iyo yaingova imwe chete munyika yacho, yaiva nemapiyona chaiwo 13 aibva kuAustralia uye neZvapupu zveko zvishomanana. Hama nehanzvadzi dzokuEast Timor dzaiva varombo zvikuru. Vakawanda vavo vakanga varasikirwa nepfuma yavo nevomumhuri dzavo mumakore 24 airwiwa hondo yevagari vomunyika iyoyo yakazopera muna 1999. Vakawanda vakanga vatsungirirawo kupikiswa zvikuru kwavaiitwa nevomumhuri dzavo nokuda kwezvavakanga vava kutenda. Pasinei nokutambudzwa uye urombo hwavo, vakanga vakapfuma mune zvokunamata uye vaifara.—Zvakazarurwa 2:8, 9.

Takaona kuti vanhu vakawanda vokuEast Timor vaitya Mwari uye vairemekedza Bhaibheri. Nenguva isipi, takava nevanhu vakawandisa vataidzidza navo Bhaibheri! Nokufamba kwenguva, vamwe vevanhu vatakadzidzisa vakashanda nesu vava hama nehanzvadzi dzakabhabhatidzwa. Zvakatifadza zvikuru kuona vachifambira mberi mune zvokunamata.

Zvadaro, mheremhere yakatangazve muDili muna 2006. Kusawirirana pakati pemapoka emadzinza akasiyana kwakaguma kwava kurwisana. Misha yakawanda yakapazwa kana kuparadzwa nemoto, uye Zvapupu zveikoko zvakatizira mumisha yemapiyona chaiwo. Imba yedu nechivanze zvakambova musasa wevapoteri, uye pane imwe nguva takagara nevanhu vanoda kusvika zana! Garaji redu rakanga rakakura rakava kicheni, imba yokudyira uye taimborishandisa seImba yoUmambo.

Kunyange zvazvo pedyo paiva nepfuti dzairira nemabhomba aiputika, musha wedu wemapiyona waiva nzvimbo yokupotera ine runyararo. Tose takaona kuti Jehovha akanga ari kutidzivirira. Mangwanani oga oga taikurukura rugwaro rweBhaibheri seboka. Misangano yaiitwa senguva dzose. Taidzidzawo Bhaibheri nevanhu vaifarira.

Kwapera vhiki dzakati kuti, takaona kuti zvakanga zviine ngozi kuti hama dzakaberekerwa kumabvazuva kwenyika dzirambe dziri muDili. Saka hama dzaitungamirira dzakasarudza kuumba boka idzva muBaucau, guta rechipiri pakukura, raiva kumabvazuva kweDili uye zvaida maawa matatu kusvikako. Ndosaka ini naWill takachinjwa.

Takasvika muBaucau muna July 2006, anenge makore matatu pashure pokunge tasvika muEast Timor. Boka redu idzva raiva nemapiyona chaiwo mana uye Zvapupu zvitanhatu zvokuTimor. Hama nehanzvadzi dzeko dzakanga dzasiya zvinhu zvadzo zvose kuDili, asi dzakanga dzichiri kufara. Chokwadi takayemura kuvimbika uye kuzvipira kwavo!

Ini naWill tichiri kushumira muBaucau. Tinoda basa redu uye tinoriona sechimwezve chikomborero chinobva kuna Jehovha. Ndichitarira kumashure, ndinoona kuti Ambuya vaitaura chokwadi. Jehovha haana kumbotadza kunditarisira makore ose aya. Ndinogara ndichimuonga nokuti akaita kuti ndive nechikomborero chokuti ndimushumire nevanhu vake. Ndinotarisirawo nemwoyo wose kuzoonazve Ambuya kana vamuka. Ipapo ndichavatenda kuti vakandipa kiyi yakavhura musuo woupenyu hunofadza zvechokwadi uye hune mubayiro.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiina Ambuya

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndiine murume wangu, Will