Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingamisa sei Makuhwa?

Ndingamisa sei Makuhwa?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingamisa sei Makuhwa?

Pane imwe nguva ndakaenda kupati, uye zuva rakatevera makuhwa anga apararira zvichinzi ndakarara nemumwe wevakomana vaivako. Iwayo aiva manyepo chaiwo! —Linda. *

Dzimwe nguva ndinonzwa runyerekupe rwokuti ndinodanana nemumwe munhu, mumwe munhu wandisingatombozivi! Vazhinji vanoita makuhwa havatsvaki chokwadi. —Mike.

MAKUHWA anogona kuzadza upenyu hwako nenyaya dzemanyepo kupfuura dzomufirimu. Chimbobvunza Amber ane makore 19. Anoti, “Ndinogara ndichiitirwa makuhwa. Ndakambonzi ndine nhumbu, zvikanzi ndakabvisa, zvikazonzi ndinotenga nokutengesa mbanje uye ndinotoibhema. Nei vanhu vainditaura vachidai? Handitombozivi!

Kuita Makuhwa Nezvinhu Zvemagetsi

Vabereki vako pavaiyaruka, makuhwa achangoburwa aifambiswa nomuromo. Zvisinei, mazuva ano makuhwa ava kuparadzirwa nezvinhu zvemagetsi. Zvakwava netsamba dzinotumirwa nekombiyuta nepamaserofoni, mukomana kana musikana ane utsinye anogona kusvibisa zita rako asina kumboshama muromo wake. Zvinongoda kutaipa mashoko mashoma kuti makuhwa akashata aende kuchikwata chinenge chakaamirira.

Vamwe vanoti Indaneti ndiyo yava kutsiva foni pakuparadzira makuhwa. Dzimwe nguva nzvimbo inobudisa mashoko paIndaneti inenge yakaitirwa kunyadzisa mumwe munhu. Kunyanya nzvimbo dzinobudisa mashoko paIndaneti pamusoro pomunhu mumwe, dzakazara nemakuhwa ekuti munhu haangambofi aataura nemuromo wake. Kutaura chokwadi mune imwe ongororo 58 muzana yevechiduku vakataura kuti zvinhu zvakaipa zvakambotaurwawo nezvavo paIndaneti.

Asi nguva dzose zvakaipa here kutaura nezvevamwe? Pane here chinonzi . . .

Makuhwa Akanaka?

Zvinotevera ichokwadi here kana kuti inhema?

Makuhwa akaipa nguva dzose. Chokwadi Nhema

Ndeipi mhinduro yakarurama? Kutaura zvazviri zvinoenderana nokuti chii chaunoti “makuhwa.” Kana shoko iri richireva kungotaurawo zvako, pangava nedzimwe nguva pazvinenge zvakanaka. Handiti Bhaibheri rinotiudza kuti “farirai zvinoitika muupenyu hwevamwe.” (VaFiripi 2:4, New Century Version) Kwete kunyeya tichitaura zvisinei nesu. (1 Petro 4:15) Asi kungotaura zvinoitika muupenyu kunopa mashoko anobatsira akadai sokuti ndiani ari kuroora, ndiani ane mwana uye ndiani anoda kubatsirwa. Kutaura chokwadi, hatingamboti tinofarira vanhu kana tisingatauri pamusoro pavo.

Zvisinei, zviri nyore kuti kungotaura zvinoitika muupenyu hwevamwe zvigume zvava makuhwa akashata. Somuenzaniso, kungotaura kuti “Tawanda naRudo vanoenderana,” zvinogona kuguma zvava kunzi “Tawanda naRudo vari kudanana” kunyange zvazvo ivo vasina chavanoziva nezvazvo. Kana usiri Tawanda kana kuti Rudo ungati ‘hapana nyaya apa!’

Julie, ane makore 18, akamboitirwa makuhwa akadaro, uye zvakamurwadza. Anoti, “Ndakatsamwa, uye handina kuzoda kuvimba nomumwe munhu.” Jane ane makore 19 akasanganawo nazvo. Anoti, “Ndakapedzisira ndisingachatauri nomukomana wandainzi ndinodanana naye. Zvakanga zvisingafaniri kudaro, nokuti taingova shamwari uye ndaifunga kuti taigona kutaura pasina makuhwa aizomuka.”

Zviri pachena kuti makuhwa akaipa anokuvadza zvinogara. Asi, vakawanda vakarwadziwa nokuitirwa makuhwa vanobvuma kuti vakaaitawo. Chokwadi ndechokuti kana mumwe munhu ari kunyeyewa, zviri nyore kuda kumunyeyawo. Nei? Phillip ane makore 18 anoti, “Unenge uchitsvaka dzvene. Vanhu vangasva vataura zvinetso zvevamwe pane kutaura zvavo.” Ungaitei kana kutaura kwakanaka kukapedzisira kwava makuhwa akaipa?

Ziva Zvokutaura!

Chimbofunga nezvounyanzvi hunodiwa pakutyaira mumugwagwa unofamba mota dzakawanda. Usingafungiri, ungatofanira kuchinja divi raunenge uchifambira, uchifanira kufamba zvishoma kuti dzimwe dzipfuure, kana kuti kutomira. Kana wakangwara uye uchida kuchengetedza upenyu unoona zvingangokonzera ngozi wozvinzvenga.

Ndizvo zvazvinoitawo nokukurukurirana. Kazhinji zvinooneka kuti kukurukurirana kwava kuda kuva makuhwa akaipa. Kana zvikadaro, somutyairi ari kuchinja divi rokufambira, ungachinja here kurukurirano yacho nounyanzvi? Ukasadaro, ziva kuti makuhwa anokuvadza, akuruma nzeve ndewako. Mike anoti, “Ndakataura zvakaipa pamusoro pomumwe musikana ndichiti haabvi mumatirauzi uye akazvinzwa. Handimbofi ndakakanganwa inzwi rake paakauya kuzondibvunza uye kurwadziwa kwaakaitwa nokurasa muromo kwandakaita. Takayanana, asi zvakaramba zvichingondinetsa kuziva kuti ndakarwadzisa mumwe munhu zvakadaro!”

Chokwadi zvinoda kushinga kuti umise makuhwa kana ava kutanga. Kunyange zvakadaro, zvakafanana nezvakataurwa naCarolyn ane makore 17 kuti: “Unofanira kungwarira zvaunotaura. Kana usina chokwadi nazvo, ungave uri kuparadzira nhema.”

Kuti usaparadzire makuhwa akaipa, tevera mazano ari mumagwaro aya eBhaibheri:

“Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika, asi munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.” (Zvirevo 10:19) Kana uchitaurisa, ungangotaurawo zvauchazozvidemba mangwana. Zviri nani kuzivikanwa somunhu anoteerera akanyarara pane kuva nepamuromo pasingamharwi nenhunzi!

“Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure, asi miromo yevakaipa inobudisa zvinhu zvakaipa.” (Zvirevo 15:28) Funga usati wataura!

“Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.” (VaEfeso 4:25) Usati wataura chinhu, tanga waona kuti ichokwadi here.

“Uyewo, zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Ruka 6:31) Kunyange usati wataura nyaya yechokwadi nezvomumwe munhu, zvibvunze kuti, ‘Ndaizonzwa sei kudai ndanga ndiri ini ndiri kuitirwa izvozvo?’

“Ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.” (VaRoma 14:19) Kunyange nyaya yechokwadi inogona kukuvadza kana ikataurwa zvisingavaki.

“Muvavarire kugara makanyarara, muchiva nehanya nezvinhu zvenyu moga nokushanda nemaoko enyu.” (1 VaTesaronika 4:11) Usati sika-sika nenyaya dzevamwe. Tsvaka zvimwe zviri nani zvokuita.

Kana Uri Iwe Waitirwa Makuhwa

Ungabvuma kuti munhu anofanira kudzora rurimi rwake uye kusaita makuhwa. Asi kana uri iwe waitirwa makuhwa, kungasadyiwa rinopisa. Joanne ane makore 16 akaitirwa makuhwa akaipa anoti, “Ndaifunga kuti handaizombofa ndakaita shamwari zvekare. Dzimwe nguva ndaichema kusvikira ndarara. Ndaifunga kuti handisisina chimiro!”

Ungaitei kana waitirwa makuhwa asina paari kubva?

Funga chingave chaita kuti vanhu vataure izvozvo. Edza kunzwisisa chinotuma vanhu kuita makuhwa. Vamwe vanozviitira kuti vave nomukurumbira, kuti vanhu vafunge kuti vanoziva zvakawanda. Karen ane makore 14 anoti “Vanoda kuti vanhu vafunge kuti vari kuziva zviri kuitika nokuti vari kungotaura nezvevamwe vanhu.” Kutyira kukundwa nevamwe kungaita kuti vamwe vaduku vataure zvakaipa nezvevamwe kuitira kuti vanzwe sevari nani. Renee ane makore 17 anowedzera kuti: “Vanhu vari kufinhikana. Vanoda kuita zvimwe zvinhu zvinongoita kuti upenyu hunakidze nokutanga makuhwa.”

Dzora Manzwiro ako. Munhu anenge arwadziwa nemakuhwa akaipa otadza kuzvidzora oramba akagumbuka anogona kuita zvinhu nenzira yaachazozvidemba. “Munhu anokurumidza kutsamwa achaita zvoupenzi,” inodaro Zvirevo 14:17. Kunyange zvazvo zviri nyore kuzvitaura pane kuzviita, iyi ndiyo nguva inoda kunyanya kuzvidzora. Kana ukadaro, hauzobatwiwo nomusungo wemakuhwa sezvinenge zvakaita akakuitira makuhwa.

Nzwisisa chinangwa chacho. Zvibvunze kuti: ‘Ndine chokwadi here nezvandakanzwa? Runyerekupe here kana kuti kusanzwisisana? Ndiri kungokurumidza kugumbuka nezvinhu zviduku here?’ Chokwadi, hapana chakanaka nemakuhwa akaipa. Saka kukurumidza kugumburwa nezvinhu zviduku kunogona kukukuvadza zvikuru kudarika makuhwa acho. Wadii kuva nemafungiro akabatsira Renee. Akati, “Ndinorwadziwa kana mumwe munhu akataura zvakaipa nezvangu, asi ndinoedza kusakurumidza kugumbuka. Ndinoziva kuti vhiki inouya vanenge vava kutaura nezvomumwe munhu kana zvimwewo.” *

Chinhu Chakanaka Chinokudzivirira

Bhaibheri rinobvuma kuti “tose tinokanganisa kazhinji.” Rinotizve: “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri.” (Jakobho 3:2) Saka, kungogumbuka nezvose zvose zvinongotaurwa nezvako kungasava kuchenjera. Muparidzi 7:22 inoti: “Mwoyo wako unonyatsoziva kuti kazhinji, iwe wakatukawo vamwe.”

Kana waitirwa makuhwa akaipa, chinhu chakanaka chichakudzivirira unhu hwako hwakanaka. Jesu akati: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:19) Saka edza kungoramba uine ushamwari norudo. Ungashamisika kuti izvozvo zvingakurumidza kumisa makuhwa acho, uye zvichida zvingatokubatsira kutsungirira makuhwa acho.

Nyaya dzakawanda dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dzinogona kuwanika paIndaneti pakero iyi: www.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 33 Dzimwe nguva kuchenjera kutaura nokungwarira nomunhu anenge akakuitira makuhwa. Zvisinei, kazhinji kacho, zvingava zvisina hazvo basa nokuti “rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Petro 4:8.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

◼ Ungaitei kuti usaparadzira makuhwa pamusoro pevamwe?

◼ Uchaitei kana ukaitirwa makuhwa?