Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Njodzi Dzinongoitika Dzoga Dzava Kuzoguma

Njodzi Dzinongoitika Dzoga Dzava Kuzoguma

Njodzi Dzinongoitika Dzoga Dzava Kuzoguma

KUDENGENYEKA, hondo, nzara, uye zvirwere, zvimwe zvezvinhu zvakafanotaurwa naJesu kuti zvaizoratidza ‘kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino’ yatiri kurarama mairi. (Mateu 24:3, 7, 8; Ruka 21:7, 10, 11) Chokwadi, zvinhu izvi haasi mabasa aMwari. Hazvikonzerwi naJesu kana kuti naBaba vake Jehovha Mwari.

Asi Mwari ndiye achaita kuti zvinomiririrwa nezviratidzo izvi zviitike, zvakadai sokuuya kwoUmambo hwaMwari huri hurumende yokudenga inotungamirirwa naJesu Kristu uye kuparadzwa kwevanhu vose vanoramba kuti Jehovha ndiye Changamire. (Dhanieri 2:44; 7:13, 14) Pashure pacho, pasi pachava norugare zvokuti vanhu vanenge vasingachatyi njodzi dzinongoitika dzoga. Zvakavimbiswa naMwari zvichanyatsozadzika zvinoti: “Vanhu vangu vachagara munzvimbo yokugara ine rugare nomunzvimbo dzokugara dzechivimbo chizere nomunzvimbo dzokuzororera dzakanyarara.”—Isaya 32:18.

Teerera Mwari Urarame!

Sezvatsanangurwa munyaya dzapfuura, kuteerera nyevero kunogona kuponesa. Izvozviwo zvinotonyanya kushanda kana tikateerera nyevero dzakanyorwa muBhaibheri. Mwari anovimbisa kuti, “Munhu anonditeerera achagara akachengeteka, asinganetseki nokutya dambudziko.”—Zvirevo 1:33.

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuteerera Mwari nokuverenga nguva dzose Shoko rake rakafuridzirwa uye kuita zvarinotaura. Zvinokukumbira kuti uitewo saizvozvo. Chokwadi, vanhu vose vanoteerera Jehovha havafaniri kutya remangwana nedambudziko richawira vakaipa. Pane kudaro vanotarisira kurarama nokusingaperi mupasi rinenge rava Paradhiso, ma“vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.

[Bhokisi riri papeji 24]

KUNYARADZA VARI KUCHEMA

Wakafirwa nomunhu waunoda here, zvichida zvakonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzoga kana kuti nedzimwewo tsaona? Anenge makore 2 000 akapfuura, shamwari yaJesu yainzi Razaro yakafa ichiri duku. Paakaziva izvi, Jesu akaenda kumusha kwaRazaro, kuBhetani, ndokumumutsa “muhope” dzorufu.—Johani 11:1-44.

Jesu akaita chishamiso ichi kwete nokuti aida Razaro nemhuri yake bedzi asiwo nokuti aida kusimbisa vimbiso yake yokumutsa “vose vari mumakuva vachayeukwa” muUmambo hwake. (Johani 5:28, 29) Chokwadi, muParadhiso iri kuuya, Jesu achabvisa zvakaipa zvose zvakakonzerwa nokupanduka kwakaita vanhu muEdheni. *1 Johani 3:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Kana uchida mazano anobva muMagwaro anobatsira kana wakafirwa nomumwe munhu waunoda uyewo mashoko anonyatsorondedzera vimbiso yokumutswa kwevakafa, tapota verenga bhurocha rinonzi Apo Mumwe Waunoda Anofa, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

KUDENGENYEKA KWEPASI KWAKACHINJA ZVANDAIKOSHESA MUUPENYU

Muna 1971 ndaiva amai vechiduku ndiine chinangwa chokuimba. Muna 1957 ndakatama ndichibva kwandakanga ndaberekerwa kuWinnipeg, Manitoba, kuCanada, kuti ndigare pedyo nokuHollywood, kuCalifornia, U.S.A., ndiine tarisiro yokuenderera mberi nokuimba kwandaida zvikuru.

Kwemakore mapfumbamwe, Amai vangu, vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, vaibva kuCanada vachindishanyira. Vaishandisa mikana iyoyo kutaura neni nezveBhaibheri, vachinyatsoratidza kuti rine mazano akanaka zvikuru panyaya dzokufara uye dzemhuri. Amai ndaivada uye ndaivateerera noruremekedzo. Zvisinei, pavaidzokera, ndaibva ndarasa mabhuku avainge vandisiyira, ndiine chivimbo chokuti zvandaiita zvaiva zvakanaka.

Zvino rimwe zuva muna February 1971, uri musi weChipiri mangwanani-ngwanani, kudengenyeka kwaiva nesimba kwakandimutsa. Ruzha rwacho rwaivhara nzeve, uye kudengenyeka kwacho kwaiva kwakanyanya. Ndarohwa nehana, ndakamhanyira kwaiva nomwanakomana wangu uye ndakatura befu pandakamuona ari pamubhedha wake asina kukuvara. Kudengenyeka kwacho pakwakanga kwapera, mabhodhoro nezvinhu zvaiva mumakabhodhi zvakanga zvakangoti mwararira pasi, uye mvura yaiva mudziva rokushambira yakanga yangozara pachivanze. Kunyange zvazvo mhuri yangu yakanga isina kukuvara, ndakatadza kurara.

Amai vakanga vambotaura nezve“mazuva okupedzisira,” kuti aizoonekawo “nokudengenyeka kwenyika kukuru.” (2 Timoti 3:1; Ruka 21:7-11) Chirimo ichocho vakadzoka asi vasina mabhuku eBhaibheri. Vandiparidzira kwemakore mapfumbamwe pasina chimuko, vakafunga kuti ndakanga ndisingafariri. Chakanga chisiri chokwadi! Vachingosvika ndakavanaya nemibvunzo. Kuimba nomukurumbira zvakanga zvisisina basa kwandiri.

Vhiki iyoyo ndakaenda kumisangano yechiKristu naAmai paImba yoUmambo yekwandaigara, uye kubvira ipapo handina kurovha misangano. Vakaronga kuti ndidzidziswe Bhaibheri. Ndakabhabhatidzwa muna 1973, uye nhasi ndinopedza maawa 70 mwedzi woga woga ndichizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kune vamwe. (Mateu 24:14) Chokwadi, kudengenyeka kwakandibatsira kuti ndive nokutenda pane kuti ndisatende muna Mwari.—Yakataurwa naColleen Esparza.