Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shandisai Simba Renyu

Shandisai Simba Renyu

Danho 3

Shandisai Simba Renyu

Nei izvi zvichikosha? Ongororo dzakaratidza kuti “vana vanorerwa nevabereki vane rudo asi vachiratidza simba ravo, kureva vabereki vanoratidza vana vavo kuti vanovada asi vachivapa mitemo yakasimba, vanobudirira kuchikoro, vanokwanisa kugarisana nevamwe zvakanaka, vanogutsikana nezvavari uye vanofara kusiyana nevana vanorerwa nevabereki vanovajaidza kana kuti vane hasha dzakanyanyisa,” inodaro magazini inonzi Parents.

Nei zvakaoma? Kubvira vari vacheche kusvikira vayaruka, vana vanenge vachida kuramba kodzero yenyu yokuva nesimba pavari. John Rosemond, munyori webhuku rinonzi Parent Power! akati: “Vana vanokurumidza kuona vabereki vavo pavanotya kushandisa simba ravo uye pavanobvuma kunyengererwa. Kana yava nyaya yokuti ‘Mukuru ndiani?’ vabereki vakabwaira, vana ndivo vanenge vava kuvaudza zvokuita.”

Zvii zvingakubatsirai? Musanetseka kuti vana venyu havazokufaririi kana kuti vangaora mwoyo pamunenge mashandisa simba renyu. Jehovha Mwari, Muvambi wemhuri, haana kuronga kuti vana vaisewo mitemo yavo mumhuri. Asi anopa vabereki chinzvimbo chavo uye anorayira vana kuti: “Teererai vabereki venyu.”—VaEfeso 3:14, 15; 6:1-4.

Munogona kushandisa simba renyu musingadzvanyiriri. Sei? Nokutevedzera zvinoitwa naJehovha. Ane simba rokumanikidza vana vake vepanyika kuita zvaanoda, asi anotikumbira achitarisa zvakanaka zvatinoita. Shoko rake rinoti: “Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi.” (Isaya 48:18) Jehovha anoda kuti timuteerere nemhaka yokuti tinomuda, kwete nokuti tinomudedera. (1 Johani 5:3) Zvaanotarisira kuti tiite zvine musoro uye anoziva kuti tichabatsirwa kana tikatevedzera mitemo yake yetsika.—Pisarema 19:7-11.

Ungava sei nechokwadi chokuti unoshandisa simba rako somubereki zvakarurama? Chokutanga, unofanira kuva nechokwadi chokuti Mwari anoda kuti uite saizvozvo. Chechipiri, unofanira kuva nechokwadi chokuti iwe nevana vako munobatsirwa kana mukatungamirirwa nemitemo yaMwari yetsika.—VaRoma 12:2.

Chii chaizvo chaunofanira kuita kuti ushandise simba rako?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ranga mwanakomana wako agokunyaradza, iye achafadza mwoyo wako.Zvirevo 29:17,

Bhaibheri Rinoera