Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvagai Mazano Akanaka

Tsvagai Mazano Akanaka

Danho 1

Tsvagai Mazano Akanaka

Nei izvi zvichikosha? Vabereki pavanotanga kubata kacheche mumaoko, vangatanga kupishana nepfungwa. Brett, vamwe baba vari kuBritain, anoti: “Ndakava nomufaro mukuru uye kusagadzikana. Asi ndakanzwa kutya ndichiti ndichazvigonawo here uye ndakanzwa sokuti handisati ndagadzirira kuva baba.” Monica, vamwe amai vanogara kuArgentina, anoti: “Zvakandinetsa kuti ndaizokwanisa here kurera kasikana kedu. Ndakazvibvunza kuti, ‘Ndichakwanisa kumudzidzisa kuti azove munhu mukuru anokwanisa kuzvitarisira here?’”

Unganzwisisa here mufaro wevabereki ava uye zvavaityira? Chokwadi, kurera mwana ibasa rakaoma asi rinogutsa, rinoshungurudza asi rine mubayiro, uye munhu wose anogona kuriita. Sezvakataurwa nevamwe baba, “kurera mwana kunongoitwa kamwe chete.” Tichitarisa kuti vabereki vanoita zvakawanda pautano nomufaro zvevana vavo, unonzwa uchida zvikuru mazano akavimbika ekubatsira vabereki.

Nei zvakaoma? Zvinoita sokuti munhu wose ane mazano okurera vana. Kare, vabereki vanenge vachangoita mwana vaivimba nemazano evabereki vavo kana nechitendero chavo kuti chaizovatungamirira. Asi munyika dzakawanda, mhuri hadzisisina kubatana uye chitendero hachisisina simba. Izvi zviri kuguma zvaita kuti vabereki vaende kuna vanachipangamazano vokurera vana. Zvimwe zvavanotaura zvine musoro. Zvimwewo hazvipindirani uye pasina nguva zvinenge zvisisashandi.

Zvii zvingakubatsirai? Tsvagai mazano kumunhu mumwe chete anoziva zvose pakurera vana, kureva Musiki wevanhu, Jehovha Mwari. (Mabasa 17:26-28) Shoko rake, Bhaibheri, rine mazano akajeka nemienzaniso yezvinoitika zvingakubatsirai kuva vabereki vari nani. Anovimbisa kuti: “Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”—Pisarema 32:8.

Mwari anopa vabereki mazano api angavabatsira kuti varere vana vanofara?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako.Zvirevo 3:5