Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zivo Inotitungamirira Zviri Nani Pane Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo

Zivo Inotitungamirira Zviri Nani Pane Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo

Zivo Inotitungamirira Zviri Nani Pane Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo

“Kana dzinonzi tsika nevanhu kuri kuita madiro pasina mitemo inotungamirira pfungwa idzodzo, hurumende ichadzika mitemo yokumanikidza vanhu kuti vave netsika dzakanaka,” akadaro DR. DANIEL CALLAHAN.

ZVAITYIRWA naCallahan zvava kutoitika, nokuti kushaya tsika kwevanhu munyika zhinji kwava kumanikidza hurumende kudzika mitemo yakawanda kuti mhosva dzisaparwa. PaMusangano wavanaAmai wokutanga muNigeria, purezidhendi weko akataura kuti aishushikana zvikuru nezveramangwana renyika yacho. Akanga asiri kufunga zvematongerwo enyika kana kuti urombo, asi aifunga ‘nezvedambudziko rakakura zvikuru rokuparara kuri kuita tsika dzinokosha mumhuri, kubasa, munzanga uye munyika yacho yose.’

KuBritain imwe ongororo yakaitwa yavanaamai 1 736 yakawana kuti “mhuri dziri kuparara nemhaka yetsika dziri kuramba dzichipera uye nokuwedzera kuri kuita mhuri dzine mubereki mumwe chete.” KuChina tsika dziri kukurumidzawo kupera. Munyika iyoyo vanhu vari kuita zvepabonde vachiri vaduku uye vachizviita nevanhu vakawanda kupfuura zvaiitika kare, inodaro magazini inonzi Time. “Upenyu hwangu, uye ndinoita zvandinoda,” akadaro mumwe musikana wokuChina aizvirova dundundu kuti akanga arara nevarume vanopfuura 100.

Tsika dzevatungamiriri dziri kuperawo. Javed Akbar akanyora mupepanhau rokuCanada rinonzi Toronto Star kuti: “Vanhu havacharemekedzi vatungamiriri vavo sevanhu vane tsika dzakanaka.” Akataura kuti vezvematongerwo enyika, vakuru vakuru vemakambani, kunyange vafundisi “vanoita sokuti havachina tsika dzakanaka.”

Nei Tsika Dziri Kupera?

Pane zvinhu zvakawanda zviri kuita kuti tsika dzipere. Chimwe chacho ipfungwa yokusada kutevera tsika dzagara dziripo. Somuenzaniso, imwe ongororo yakaitwa kuMaodzanyemba kweUnited States yakaratidza kuti vazhinji pane vakabvunzwa vaiva pakoreji vaifunga kuti “zvakanaka nezvakaipa zvinongoenderana nokuti iwe unozviona sei.”

Zbigniew Brzezinski, anonyora zvematongerwo enyika, akataura chimwe chiri kuita kuti tsika dzipere. Akanyora kuti mazuva ano vanhu “vanonyanya kukoshesa kugutsa zvinodiwa nomunhu mumwe nomumwe, zvokuti munhu mumwe kana kuti boka revanhu rinoraramira mafaro.” Kusarudza tsika dzaunoda, kuva nemakaro, uye kuzvigutsa zvinganakidza, asi zvinoita here kuti ufare zvechokwadi, ugutsikane, uye uve noukama huri nani nevamwe?

Jesu akati: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:19) Vanhu vava kuwedzera kufara uye kunzwa vakati chengetekei nemhaka yokupera kwaita tsika here? Chimbofunga nezvezvimwe zvinoguma zvaitika: kuwedzera kusavimbana, kunzwa usina kuchengeteka, kurambana, vana vanokura vasina baba kana amai, kupararira kwezvirwere zvepabonde, pamuviri pasingadiwi, kupindwa muropa nezvinodhaka, uye chisimba. Zviri pachena kuti izvi hazviratidzi kugutsikana nokubudirira, asi kusuruvara nokukundikana.—VaGaratiya 6:7, 8.

Muprofita waMwari Jeremiya, zvaakanga aona matambudziko akaita seaya muzuva rake, akanyora zvinotevera afuridzirwa, achiti: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Chokwadi, Mwari haana kutisikira kuti tirarame tisingatungamirirwi naye, tichizvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Kutaura zvazviri, zvinhu zvatingaona sezvakanaka zvingava zvichikuvadza zvikuru. Pana Zvirevo 14:12, Bhaibheri rinoti: “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.”

Muvengi Ari Mukati Medu!

Chikonzero nei tichida kutungamirirwa panyaya yetsika? Nokuti mwoyo yedu inogona kutinyengera. “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?” rinodaro Bhaibheri pana Jeremiya 17:9. Kudai waiziva mumwe munhu anonyengera uye akaipa kwazvo, waizovimba naye here? Aiwa! Asi mumwe nomumwe wedu ane mwoyo unogona kuratidza unhu ihwohwo. Ndokusaka Mwari achitinyevera zvakananga asi zvine rudo kuti: “Munhu anovimba nomwoyo wake ibenzi, asi uya anofamba akachenjera ndiye achapukunyuka.”—Zvirevo 28:26.

Rugwaro urwu runoratidza zvatinofanira kuita: Pane kuvimba nemano edu asina kukwana, tinofanira kufamba muuchenjeri hwaMwari tozvidzivirira pamisungo yakawanda. Uyezve, uchenjeri hunokosha hunowanika nyore nyore nevose vanohuda nomwoyo wose. “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.”—Jakobho 1:5.

Vimba naMwari “Nomwoyo Wako Wose”

Bhaibheri rinorondedzera Musiki wedu richiti: “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomio 32:4) Chokwadi, Jehovha akaita sedombo guru. Tinogona kuvimba naye zvizere kuti atitungamirire pakunamata uye patsika pasinei nezvingachinja muupenyu hwedu. Zvirevo 3:5, 6 inoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”

Kutaura zvazviri, ndiani angatitungamirira zviri nani kupfuura Musiki wedu, anoverenga ‘bvudzi romusoro wedu’? (Mateu 10:30) Uyezve, iye ishamwari yechokwadi, inotida zvokuti inotiudza chokwadi nguva dzose, kunyange chokwadi chacho chingasava nyore kuti tichigamuchire.—Pisarema 141:5; Zvirevo 27:6.

Fungawo nezvokuti Jehovha haatimanikidzi kuti tibvume kutungamirirwa naye. Pane kudaro, anotikumbira norudo. “Ini, Jehovha, ndini . . . Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.” (Isaya 48:17, 18) Haunzwi uchida kuswedera pedyo naMwari akadaro here? Uyezve, akaita kuti tiwane uchenjeri hwake nyore nyore achishandisa Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri Dzvene, bhuku rinoparadzirwa kupfuura mamwe ose munyika!—2 Timoti 3:16.

Ita Kuti Shoko raMwari Rivheneke Nzira

Munyori wepisarema akanyora nezveMagwaro Matsvene achiti: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Rambi retsoka dzedu rinoita kuti tione ngozi dziri pedyo, asi chiedza panzira yedu chinovheneka nzira iri mberi kwedu. Zvichitaurwa nenzira iri nyore, Shoko raMwari rinogona kutitungamirira muupenyu nokutibatsira kusarudza nokuchenjera, kusarudza tsika dzakanaka muzvinhu zvose, dzinotibatsira iye zvino uye mune ramangwana.

Somuenzaniso, imbofunga nezveMharidzo yepaGomo. Muhurukuro pfupi iyoyo, yakanyorwa muzvitsauko 5 kusvika ku7 zvaMateu zvitsauko 5-7, Kristu akataura nezvomufaro, rudo, kuvengana, ngoni, tsika dzakanaka, kunyengetera, kutsvaka pfuma, nedzimwe nyaya dzakawanda dzinokosha mazuva ano sezvadzaiita kare ikako. Mashoko ake ainzwisisika zvokuti “boka revanhu rakashamiswa nemadzidzisiro ake.” (Mateu 7:28) Wadii wawana maminitsi mashomanana okuti uverenge mharidzo iyoyo. Pamwe uchafadzwawo nayo.

“Rambai Muchikumbira” Kuti Mubatsirwe naMwari

Chokwadi, hazvisi nyore nguva dzose kuita zvinonzi naMwari zvakarurama. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti kurwisana kwatinoita nechivi mumwoyo yedu kwakafanana nehondo. (VaRoma 7:21-24) Zvisinei, tinogona kukunda muhondo iyoyo tichibatsirwa naMwari. Jesu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana . . . Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira, munhu wose anotsvaka anowana.” (Ruka 11:9, 10) Chokwadi, Jehovha haazoregi kubatsira munhu wose anoedza nomwoyo wose kufamba munzira yakamanikana inoenda kuupenyu husingaperi.—Mateu 7:13, 14.

Chimbofunga muenzaniso waFrank akanga atopindwa muropa nefodya paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pashure pokunge averenga 2 VaKorinde 7:1 uye agumisa zvakarurama kuti kusvuta kwai“svibisa nyama” mukuona kwaMwari, Frank akatsunga kurega kusvuta. Zvisinei, zvakanga zvisiri nyore kuti aite zvaakanga asarudza. Pane imwe nguva akazoona ava kukambaira nemabvi nemagokora achitsvaka zvigusvani zvokuti asvute!

Zvaakaita izvi zvisina unhu zvakabatsira Frank kuti aone kuti akanga ava muranda wefodya zvakadini. (VaRoma 6:16) Saka akanyengetera nomwoyo wose kuti abatsirwe, akashamwaridzana nevanhu vakanaka vaiva muungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha yaiva kwaaigara, uye akarega tsika iyi yakaipa.—VaHebheru 10:24, 25.

Gutsa Zvaunoda Pakunamata

Zvakaitika kuna Frank mumwe wemienzaniso yakawanda inoratidza kuti Bhaibheri rinotaura tsika dzakanaka zvikuru uye rinotaura zvinobatsira pakunamata uyewo rinokurudzira munhu kuti aite zvarinotaura. Ndokusaka Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.

Patinoteerera toita zvinotaurwa nechokwadi chaMwari chinokosha, tinobatsirwa mune zvose, mupfungwa, manzwiro edu, pakunamata uyewo mumuviri. Pisarema 19:7, 8 rinoti: “Mutemo waJehovha wakakwana, unodzosa [kana kuti kumutsidzira] mweya. . . . Mirayiro inobva kuna Jehovha yakarurama, inoita kuti mwoyo ufare; murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye [netariro uye nokuona chinangwa chaMwari zvakajeka].”

Achishandisa Shoko rake, Jehovha haangoiti kuti tibatsirwe kuona kuti tsika dzakanaka ndedzipi uye kuti tirarame upenyu hwakanaka chaizvo iye zvino. Anotiudzawo nezveramangwana. (Isaya 42:9) Sezvinotaurwa nenyaya inotevera, ramangwana iroro rakajeka kune vose vanobvuma kutungamirirwa naMwari.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]

“Chinoita Kuti” Uzive Tsika Dzanaka

Vanhu vane chipo chinokosha chehana. Izvi zvakaita kuti vanhu vemarudzi ose nemadzinza ose, uyewo vakararama panguva dzakasiyana-siyana, vave nemabumbiro emitemo akada kufanana. (VaRoma 2:14, 15) Zvisinei, hana haititungamiriri zvakakwana; inogona kukanganiswa nedzidziso dzezvitendero zvenhema, uzivi hwevanhu, kufungirana uye zvishuvo zvakaipa. (Jeremiya 17:9; VaKorose 2:8) Naizvozvo, sezvinoita mutyairi wendege anofanira kugadzirisa zvinomutungamirira, tinofanirawo kuongorora, uye pazvinenge zvakakodzera, togadzirisa hana yedu inotitungamirira patsika uye pakunamata kuti ienderane nemitemo yakarurama yo“Mupi wemirau yedu,” Jehovha Mwari. (Isaya 33:22) Mitemo yaMwari yakakwana inoramba iripo nokusingaperi, kusiyana nemabumbiro emitemo yevanhu anogona kuchinja nguva nenguva. Iye anoti: “Ndini Jehovha; handina kuchinja.”—Maraki 3:6.

[Bhokisi riri papeji 15]

Zvingaita Kuti Ubudirire uye Ufare

KUWANA MUFARO

“Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—MATEU 5:3.

“Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—MABASA 20:35.

“Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—RUKA 11:28.

KUVA NECHIVIMBO

“Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.”—VAEFESO 4:25.

“Anoba ngaachirega kubazve.”—VAEFESO 4:28.

“Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa.”—VAHEBHERU 13:4.

KUITA KUTI TIVE NOUKAMA HWAKANAKA

“Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—MATEU 7:12.

“[Murume] ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; . . . mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”—VAEFESO 5:33.

‘Rambai muchikanganwirana.’—VAKOROSE 3:13.

KUDZIVISA UYE KUGADZIRISA KUSAWIRIRANA

“Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.”—VAROMA 12:17.

“Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. . . . Haruchengeti mafi.”—1 VAKORINDE 13:4, 5.

“Zuva ngarirege kuvira makatsamwa.”—VAEFESO 4:26.