Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaipa Here Kudzivirira Kubata Pamuviri?

Zvakaipa Here Kudzivirira Kubata Pamuviri?

Zvinotaura Bhaibheri

Zvakaipa Here Kudzivirira Kubata Pamuviri?

UNOFUNGEI? Zvakaipa here kuti vanhu vakaroorana vashandise zvinhu zvinodzivirira kubata pamuviri? Mhinduro yako ingaenderana nezvaunotenda. Chechi yeKaturike inodzidzisa kuti zvinhu zvose zvinoitwa kuti mukadzi asabate pamuviri “zvakaipa kwazvo.” Dzidziso yeKaturike inosimudzira pfungwa yokuti pose panorara murume nomukadzi vakaroorana panofanira kuva nomukana wokuti pamuviri pabate. Chechi yeKaturike inoti kushandisa zvinhu zvinodzivirira kubata pamuviri “kwakaipa.”

Vakawanda vanoona zvakaoma kubvuma pfungwa iyi. Imwe nyaya iri muPittsburgh Post-Gazette ichitaura nezvenyaya yacho yakati “vaKaturike vanopfuura 75 muzana vari muUnited States vanoti chechi inofanira kubvumira kushandisa zvinhu zvinodzivirira kubata pamuviri. . . . Uye zuva nezuva mamiriyoni haasi kuteerera zvakarambidzwa nechechi.” Mumwe wavo anonzi Linda, amai vane vana vatatu, anobvuma kuti anoshandisa zvinodzivirira izvi uye anoti: “Asi hana yangu haindiudzi kuti ndiri kutadza.”

Shoko raMwari rinotii nezvenyaya iyi?

Upenyu Hunokosha

Mwari anoona upenyu hwemwana sohunokosha kunyange asati aberekwa. Mambo Dhavhidhi weIsraeri afuridzirwa akanyora kuti: “Makaramba makandivharidzira mudumbu raamai vangu. Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu.” (Pisarema 139:13, 16) Upenyu hunotanga amai pavanobata pamuviri, uye Mutemo waMosesi unoratidza kuti munhu aigona kubatwa nemhosva kana akuvadza mwana asati aberekwa. Kutaura zvazviri, pana Eksodho 21:22, 23 panoti kana mukadzi ane pamuviri kana kuti mwana wake asati aberekwa akafa netsaona zvakonzerwa nevarume vaviri vanenge vachirwisana, nyaya yacho yaifanira kukwidzwa kuvatongi. Vaifanira kuongorora nyaya yacho uye kuti zvaitwa nokuda here, asi mutongo wacho waigona kuva “mweya nomweya,” kana kuti upenyu noupenyu.

Mitemo iyoyo inoshandawo pane dzimwe nzira dzinoshandiswa kudzivirira kubata pamuviri nokuti dzimwe dzacho ndedzokutobvisa pamuviri. Nzira dzakadaro dzinopesana nomutemo waMwari wokuremekedza upenyu. Zvisinei, dzakawanda dzacho kunenge kusiri kubvisa pamuviri. Zvakadini nokushandisa nzira dzakadaro kuitira kuti pamuviri pasabatwe?

MuBhaibheri hapana panoudzwa vaKristu kuti vaberekane. Mwari akaudza vanhu vokutanga nemhuri yaNoa kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika.” Asi murayiro uyu hauna kudzokororwa kuvaKristu. (Genesisi 1:28; 9:1) Nokudaro, vakaroorana vangasarudza kuti voita vana here, vangani, uye kuti vachavaita rini. Saizvozvowo, Magwaro haarambidzi kushandiswa kwezvinhu zvinodzivirira kubata pamuviri. Saka maererano neBhaibheri, kana murume nomukadzi vakasarudza kushandisa dzimwe nzira dzokudzivirira kubata pamuviri asi dzisiri dzokubvisa pamuviri, zviri kwavari. Zvisinei, nei Chechi yeKaturike ichirambidza kushandiswa kwezvinhu zvinodzivirira kubata pamuviri?

Uchenjeri Hwevanhu Nouchenjeri hwaMwari

Enisaikoropidhiya yeKaturike inoti muzana remakore rechipiri C.E. vaizviti vaKristu ndipo pavakatanga kushandisa mutemo wechiStoic waiti chinangwa chepamutemo bedzi chokuti vanhu vaite zvepabonde chaiva chokuberekesana. Vaitaura izvi nokuti vaiva nemafungiro evanhu kwete eBhaibheri. Zvaibva pauchenjeri hwevanhu kwete pauchenjeri hwaMwari. Mafungiro aya akaramba aripo kwemazana emakore uye akasimudzirwa nevafundisi vechiKaturike. * Zvisinei, zviri pachena kuti mafungiro aya, aireva kuti kuita zvepabonde kuti mungonakidzwa chivi uye kuita zvepabonde pasina chinangwa chokuita mwana kushaya tsika. Asi Magwaro haadzidzisi izvi.

Richiita zvokudetemba, bhuku reBhaibheri reZvirevo rinotsanangura mufaro unovapo kana murume nomudzimai vakasangana kuti vaite zvepabonde zviri pamutemo: “Inwa mvura yomumugodhi wako chaiwo, nemvura inoyerera yetsime rako chairo. . . . Tsime rako ngarikomborerwe, uye fara nomudzimai wouduku hwako, iyo nondo hadzi yakanaka nembudzi yomumakomo inofadza kwazvo. Mazamu ake ngaakugutse nguva dzose. Fadzwa norudo rwake nguva dzose.”—Zvirevo 5:15, 18, 19.

Kuita zvepabonde chipo chinobva kuna Mwari. Asi kubereka vana hachisi icho chinangwa chikuru. Kuita zvepabonde kunopa vakaroorana mukana wokuvaraidzana nokuratidzirana rudo. Saka kana vakaroorana vachizosarudza kudzivirira kubata pamuviri vachishandisa nzira idzi, zviri kwavari uye hapana anofanira kuvatonga.—VaRoma 14:4, 10-13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Maiva muzana remakore rechi13 Gregory IX paakadzika mutemo unonzi neNew Catholic Encyclopedia “mutemo wapapa wokutanga pasi rose unorambidza kushandisa zvinodzivirira kubata pamuviri.”

WAKAMBOZVIBVUNZA HERE KUTI . . .

◼ Chivi here kuti murume nomukadzi vaite zvepabonde?—Zvirevo 5:15, 18, 19.

◼ VaKristu vanofanira kufunga nezvechii pavanodzivirira kubata pamuviri?—Eksodho 21:22, 23.

◼ Vamwe vanofanira kuona sei vakaroorana vanodzivirira kubata pamuviri?—VaRoma 14:4, 10-13.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

Mwari akaudza vanhu vokutanga nemhuri yaNoa kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika.” Asi murayiro uyu hauna kudzokororwa kuvaKristu