Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Nechido Chakasimba

Iva Nechido Chakasimba

Iva Nechido Chakasimba

“Kunyatsotsunga ndicho chinhu chimwe chete chinonyanya kukosha kune vaya vanozobudirira kurega kusvuta.”—Bhuku rinonzi “Stop Smoking Now!”

TISINGATI pamunhondo pamusasa, kana uchida kurega kusvuta, unofanira kuva nechido chakasimba. Ungaita sei kuti uve nechido chakasimba? Chokwadi, funga nezvekuti zvinhu zvinokufambira zvakanaka sei kana ukarega kusvuta.

Hauzotambisi mari. Katsika kekusvuta pakiti imwe pazuva kanokutorera mazana anoverengeka emadhora pagore. “Handina kumboziva kuti ndaitambisa mari yakawanda chaizvo nokutenga fodya.”—Gyanu, wokuNepal

Unofanira kunakidzwa noupenyu. “Pandakaregedza kusvuta ndipo pandakatanga kunakidzwa noupenyu uye huri kungoramba huchiita zviri nani.” (Regina, wokuSouth Africa) Zviri pachena kuti vanhu pavanorega kusvuta, vanenge vava kuravidza nokunhuhwidza zviri nani, vanova nesimba rakawanda uye vanototaridzika zvakanaka.

Utano hwako hungavandudzika. “Kurega kusvuta kune zvakunobatsira zvakakura zvinokurumidza kuoneka pautano hwevarume nevakadzi vemazera ose.”—U.S. Centers for Disease Control and Prevention.

Kunoita kuti uve nechivimbo zvakanyanya. “Ndakarega kusvuta nokuti ndaisada kuti fodya ive tenzi wangu. Ndaida kuva tenzi wemuviri wangu.”—Henning, wokuDenmark.

Mhuri yako neshamwari vanobatsirwa. “Kusvuta . . . kunokuvadza utano hwevaya vanenge vari pedyo newe. . . . Dzimwe ongororo dzakaitwa dzakaratidza kuti utsi hwefodya hunoita kuti vanhu vane zviuru vasingasvuti vafe gore negore nekenza yemapapu uye chirwere chemwoyo.”—American Cancer Society.

Uchafadza Musiki wako. “Vadiwa, zvatiine zvipikirwa izvi, ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) ‘Ipai miviri yenyu sechibayiro chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.’—VaRoma 12:1.

“Pandakangonzwisisa kuti Mwari haafariri zvinhu zvinosvibisa muviri, ndakasarudza kurega kusvuta.”—Sylvia, wokuSpain.

Asi kakawanda chido chete handicho chinodiwa. Tingada kubatsirwawo nevamwe, kusanganisira mhuri yedu neshamwari. Vangatibatsira sei?