Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzivirira Mhuri Yako Kuti Isabatwa Nefuruu

Kudzivirira Mhuri Yako Kuti Isabatwa Nefuruu

Kudzivirira Mhuri Yako Kuti Isabatwa Nefuruu

Muuprofita hwaJesu hune chokuita nekuguma kwemamiriro ezvinhu aripo, akagara ataura kuti “kunzvimbo zhinji . . . kuchava namatenda.” (Ruka 21:11, Bhaibheri Rinoera) Furuu kana kuti furuwenza nderimwe rematenda acho. *

FURUU yacho inokonzerwa nevhairasi dukuduku risingaoneki nemaziso, iro rinopinda mumasero mapenyu richibva raashandisa kuti pave nemamwe mavhairasi akawanda. Vhairasi rinokonzera furuu iyi, iro rinorwisa nhengo dzomuviri dzinoshandiswa pakufema, rinonyanya kutapukira munhu anenge ane furuu paanohetsura, kukosora, kana kuti kunyange kutaura. Kana furuu yacho ikabata vanhu vakawanda munzvimbo yakakura, inobva yava denda chairo.

Mavhairasi haangokonzeri urwere muvanhu chete, asiwo mumhuka neshiri. Mavhairasi efuruu ari muzvikwata zvitatu zvinoti A, B, kana kuti C. Rudzi A ndirwo runonyanya kukonzera furuwenza. Marudzi emavhairasi aya anowanzoiswa muzvikwata zvawo maererano nemapurotini maviri anowanika pavhairasi racho anoti: hemagglutinin (H) uye neuraminidase (N).

Zvinhu zvinonyanya kunetsa nemavhairasi efuruu ndezvokuti anogona kukurumidza kuberekana chaizvo achingochinja-chinja uye kuti mavhairasi akasiyana-siyana anogona kubatana obudisa vhairasi idzva. Kana vhairasi rakanyatsosiyana nemamwe, muviri womunhu ungatadza kuzvidzivirira.

Furuu yacho inonyanya kubata vanhu mumwedzi inotonhora. Ongororo dzakaitwa nguva pfupi yapfuura dzinoratidza kuti pakunenge kuchitonhora, kakanda kevhairasi kanochinja kuva gel inoridzivirira uye inoita kuti vhairasi racho rirarame kwenguva refu mumhepo asi gel yacho inonyunguduka kana ikapinda munhengo dzomunhu dzokufemesa dzinenge dzichidziya, zvichiita kuti munhu wacho abatire chirwere. Mhepo inotonhora haiiti kuti munhu apindwe nemavhairasi, asi inogona kuita kuti pave nemamiriro ezvinhu anobatsira mavhairasi kupararira.

Matanho Okudzivirira Furuu Yacho

Hurumende dzakawanda padzakaona kuti dzinofanira kugara dzakagadzirira kudzivirira furuu yacho, dzakaita kuti pave nourongwa hwokudzivirira. Asi iwe ungaitei? Ngatikurukurei matanho matatu anokosha:

Ita kuti muviri uve noutano: Iva nechokwadi chokuti mhuri yako inowana nguva yakakwana yokurara uye kuti inodya zvokudya zvichabatsira muviri kuti ukwanise kuzvidzivirira. Zvokudya zvezuva rega rega zvinofanira kusanganisira michero yakawanda nemiriwo, zviyo, zvokudya zvine mapurotini asi zvisina mafuta akawanda, izvo zvine maamino acid anodiwa pakuita kuti muviri ukwanise kuzvidzivirira.

Ita kuti utachiona hushaye pokugara: Edza zvose zvaunogona kuti matafura enyu agare akachena zuva rega rega. Geza midziyo yokubikisa neyokudyisa pose pamunoishandisa, uye nguva nenguva wacha zvipfeko zvaunorara wakapfeka. Isa mushonga unouraya utachiona pazvinhu zvagara zvichibatwa zvakadai semubato wedhoo, runhare uye rimoti. Kana zvichiita, ita kuti mhepo igare ichifefetera zvakanaka maunenge uri.

Iva munhu ane utsanana: Nyatsogeza maoko nesipo nemvura kana kuti nezvimwe zvokugezesa. (Kana zvichibatsira, gara uine kabhodhoro kadiki kesanitizer [mushonga wokuurayisa utachiona].) Edza kusashandisa matauro nevamwe kupukuta maoko kana chiso, kunyange vamwe vemumhuri yako.

Usabata maziso, mhino, kana kuti muromo nemaoko asina kugezwa. Kana zvichiita, shandisa matishu kuvhara muromo nemhino paunokosora kana kuti kuhetsura wobva waarasa. Dzivisa kushandisa nevamwe zvinhu zvingakurumidza kuparadzira utachiona, zvakadai sefoni. Vana vanofanira kunyatsodzidziswa zvinhu izvi. Zvakanaka kuita zvinhu izvi nguva dzose asi kunyanya panguva yefuruu.

Iva Nehanya Nevamwe

Unogona kutanga kutapurira vamwe furuu zuva rimwe chete usati wava nezvinoratidza kuti yakubata uye pashure pemazuva mashanu wairwara. Zvinoratidza kuti rudzi rwefuruu iyi yakubata zvakangofanana nezvinoratidza kuti wabatwa neyenguva dzose asi zvefuruu iyi zvinenge zvakanyanyisa. Zvinosanganisira kupisa muviri (kakawanda kacho kwakanyanyisa), kutemwa nemusoro, kurukutika muviri, chikosoro chisina makararwa, uye kurwadziwa netsandanyama. Kuchururuka madzihwa uye zvimwe zviratidzo zvomudumbu, zvakadai sokusemburwa, kurutsa, uye manyoka, zvinonyanya kuitika kuvana kwete vanhu vakuru. Kana ukaona zviratidzo zvokuti wava kurwara, kana zvichiita gara kumba wodzivisa kuzadza vamwe.

Iva nenguva yakawanda yokuzorora uye inwa mvura yakawanda. Mapiritsi anorwisa mavhairasi anogona kubatsira chete kana akanwiwa panongotanga kuonekwa zviratidzo zvourwere. Aspirin (acetylsalicylic acid) haifaniri kupiwa vana vane furuu yacho. Kana ukava nezviratidzo zvingaita sezvenyumoniya (chirwere chokuzvimba mapapu), zvakadai sokutadza kufema, kurwadziwa muchipfuva kana kuti kuramba uchingobandwa nemusoro, tsvaka rubatsiro rwavanachiremba.

Kubatwa nefuruu iyi kunogona kuita kuti munhu anetseke chaizvo. Kugara wagadzirira kungakubatsira zviri nani kushinga kusvikira yapera. Asi kupfuura izvozvo, unogona kutarisira kunguva iyo Bhaibheri rinovimbisa richiti, “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Furuu yatiri kutaura nezvayo munyaya ino, ifuruu yakaipa chaizvo yakasiyana neyenguva dzose.

[Bhokisi riri papeji 11]

FURUU YAKAIPA CHAIZVO

Furuu yakatanga kuonekwa kuMexico muna 2009 ndeyerudzi rweH1N1, yakafanana nefuruwenza yekuSpain yegore ra1918 yakauraya makumi emamiriyoni evanhu. Asi, inewo zvimwe zvinowanika mumavhairasi anorwarisa nguruve neshiri.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 12, 13]

NZIRA 6 DZOKUZVIDZIVIRIRA NADZO UYE DZOKUDZIVIRIRA VAMWE

1. Vhara muromo paunokosora

2. Geza maoko

3. Ita kuti mumba mako mufefetere

4. Zvichengete zvakachena

5. Kana uchirwara, edza kugara pamba

6. Kana uchirwara dzivisa kukwazisa vamwe

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 13]

PANOMUKA DAMBUDZIKO REZVEUTANO RINODA KUKURUMIDZA KUTARISIRWA

Kutanga, ita zvinenge zvataurwa nevezvoutano. Usanyanya kutya kana kushaya kuti wodini. Wedzera kuita zvinhu zvakanaka zvakurukurwa munyaya ino. Kana zvichiita, dzivisa kuva pane vanhu vakawanda. Kana uchirwara, kupfeka chokuvharisa chiso chakakodzera kungabatsira. Geza maoko ako kakawanda. Iva nezvokudya zvisingakurumidzi kushata zvevhiki mbiri uye zvimwe zvinhu zvokushandisa panyaya dzeutano neutsanana kuitira kana ukazotadza kuenda kuchitoro.

Paunenge uri kubasa, kunzvimbo dzokunamatira, kana kuti kune imwe nzvimbo inenge iine vanhu vakawanda, tevedzera mazano ataurwa. Uyewo, edza kuita kuti maunenge uri mugare muchifefetera zvakanaka.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Pikicha yakakudzwa yevhairasi refuruwenza yeH1N1

[Kwazvakatorwa]

CDC/Cynthia Goldsmith