Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira 20 Dzokuwana Nguva Yakawanda

Nzira 20 Dzokuwana Nguva Yakawanda

Cheka Pepa Rino Urichengete

Nzira 20 Dzokuwana Nguva Yakawanda

“Rambai muchifamba nokuchenjera . . . , muchizvitengera nguva yakakodzera.”—VaKorose 4:5.

KANA uchinge waziva zvinhu zvaunoda kuzoita nenguva yako, dambudziko riri pakuti uchinyatsoita zvawaronga. Mazano anotevera angakubatsira kuita izvozvo.

1 NYORA PASI ZVAUNODA KUITA ZUVA REGA REGA. Nyora pasi zvinhu zvacho zvichienderana nekuti uchatanga kuita chipi. Ratidza kuti zvinhu zvipi zvakakodzera kuti upedzere nguva yakawanda. Maka chinhu chimwe nechimwe chinenge chapera. Zvaunenge usina kupedza zuva iroro zvipinze muzuva rinotevera.

2 ZVAUNONYORA PAKARENDA DZAKO NGAZVIFANANE. Usaita kuti ukanganwe kunoonana nemumwe munhu sezvamakarangana pamusana pekuti zviri pane imwe karenda. Kana uine karenda yomukombiyuta, imwe pakamuchina kadiki kemagetsi kemumaoko, zvingava zvakanaka kuti zvaunonyoramo zvifanane.

3 NYORA “KUTI UCHAZVIITA SEI” uchinyatsoratidza zvose zvauchada kuita pabasa racho uye zvinyore zvakatevedzana semaitiro auchazviita.

4 RONGA ZVINONYANYA KUKOSHA KWOKUTANGA. Zvinozova nyore kuwana nguva yokuita zvimwe zvisinganyanyi kukosha.

5 IVA NEZVINANGWA ZVINE MUSORO. Une masimba okuti uwedzere unyanzvi hwako pabasa asi hauna masimba okuti uve mutungamiriri wekambani yaunoshandira.

6 BVUMA KUTI HAUGONI KUWANA NGUVA YOKUITA ZVINHU ZVOSE. Nyanya kuita mabasa anoita kuti pave nemigumisiro yakanyanya kunaka. Ko zvakadini nemamwe mabasa anenge achifanira kuitwa pakarepo kana kuti anenge achitongofanira kuitwa? Kana usingakwanisi kuasiya, kana kuti kupa mumwe munhu kuti aaite, ona kana ungapedzera nguva shoma paari. Kana zvichiita mamwe mabasa asingakoshi angasiyiwa kwemwedzi yakawanda, kana kuti angasafanira kuitwa zvachose. Ipa nguva yakawanda zvinhu zvaunofunga kuti zvine chokuita nezvaunoona kuti ndizvo zvinobatsira zvechokwadi uchifunga nezvezvinangwa zvako.

7 NYORA PASI NGUVA YAUNENGE WAPEDZA UCHIITA CHIMWE CHINHU. Kuti uzive kuti nguva yako iri kuperera pachii, nyora pasi kwevhiki imwe kana mbiri mashandisire auri kuiita. Nguva yako yakawanda iri kuperera pazvinhu zvisingakoshi here? Pane munhu mumwe chete kana kuti vaviri here vanogara vachikuvhiringidza? Pane nguva chaiyo here yaunonyanya kuvhiringidzwa pazuva kana pavhiki? Bvisa zvimwe zvinhu zvinotambisa nguva zvaungave wava kuita.

8 USARONGA KUITA ZVAKAWANDISA. Kana ukaronga kunotenga zvokudya, kugadzira motokari, kugamuchira vaeni, kunoona firimu, uye kuverenga, zvose izvi muzuva rimwe chete, unganzwa uchifanira kuita chipatapata uye hapana chichakunakidza.

9 ITA KUTI ZVINOVHIRINGIDZA ZVIVE ZVISHOMA. Wana nguva zuva rega rega yausingavhiringidzwi kutoti kana paine chikonzero chokuti zvidaro. Kana zvichiita dzima foni yako panguva yacho. Uyewo dzima zvose zvingazorira pamichina yemagetsi zvinogona kuzokuvhiringidza pabasa rako.

10 RONGA KUITA BASA RAKANYANYA KUOMA PANGUVA YAUNENGE WAKANYATSOGWINYA UYE WAKAMUKA.

11 KURUMIDZA KUITA BASA RISINGANYANYI KUFADZA RIPERE. Kana basa iroro richinge rangopera, uchanzwa wava nesimba rakawanda rokuita mamwe mabasa ari nyore anenge asara.

12 SIYA IMWE NGUVA YEZVINONGOEREKANA ZVAMUKA. Kana uchiona kuti unokwanisa kusvika kwaunenge uchienda mumaminitsi 15, vimbisa kuti uchasvika mumaminitsi 25. Kana uchifunga kuti zvamakarangana nemumwe munhu zvichatora awa imwe chete, ingozvipa awa nemaminitsi 20. Siya chimwe chikamu chezuva rako chisina zvachakarongerwa.

13 ROVA SHIRI MBIRI NEDOMBO RIMWE CHETE. Teerera nhau kana kuti zvimwe zvakarekodhwa panguva yaunenge uchigera ndebvu. Verenga panguva yaunenge wakamirira chitima kana kuti paunenge uri muchitima macho. Ichokwadi kuti unokwanisa kushandisa nguva iyoyo kuzorora. Asi usaitambise wozotanga kuzvidemba nezvenguva iyoyo.

14 ITA KUTI BASA RAKO RIVE NYORE. Somuenzaniso, kana kuri kuti unoda kutsvaira marara pachivanze pamusana pemashizha anenge adonha mumuti, ungaona kuti kutsvaira chete nzvimbo inenge yadonhera mashizha akawanda kungareva kuti basa rakawanda rinenge ratoitwa.

15 PAUNONZWA KUTI BASA RAVA KUKUKUNDA, nyora basa rega rega pakakadhi. Chiisa tumakadhi twacho muzvikamu zviviri: “Zvinoda Kuitwa Nhasi” uye “Zvinoda Kuitwa Mangwana.” Mangwana akasvika, ita zvakafanana.

16 GARA UCHIWANA NGUVA YOKUZORORA. Kudzoka kubasa pfungwa nemuviri zvambozorora kungaita kuti ubudirire chaizvo pabasa kupfuura kushanda maawa akawanda eovhataimu.

17 NYORA ZVAUNOFUNGA PAPEPA. Nyora dambudziko raunaro, tsanangura nei riri kukunetsa, uye nyora zvose zvaungafunga nezvazvo kuti urigadzirise.

18 USAVA MUNHU ANODA KUTI ZVOSE ZVINYATSOITWA ZVAKANYATSORURAMA. Ziva nguva yokusiya zvaunenge uchiita woita rimwe basa rinokosha rinotevera.

19 ITA BASA SEBASA. Usamirira nguva yaunozonzwa uchida kuita basa. Ingotanga kushanda.

20 USAOMESA MUSORO. Aya anongova mazano, haisi mitemo isingachinjiki. Aedze, woona kuti ndeapi anoshanda, uye ita kuti ashande maererano nemamiriro ako ezvinhu uye zvaunoda.