Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ramba Uri Pedyo naJehovha!’

‘Ramba Uri Pedyo naJehovha!’

‘Ramba Uri Pedyo naJehovha!’

Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha

● Zviuru zvemagungano aya emazuva matatu achaitwa pasi rose uye muZimbabwe achatanga muna August. MuZimbabwe, purogiramu ichatanga nemumhanzi nenguva dza9:20 mangwanani musi weChishanu neMugovera uye na8:20 mangwanani musi weSvondo. Musoro wemusi weChishanu unobva pana Pisarema 73:28 unoti, “Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandinakira.” Pashure pehurukuro yasachigaro, pachava nehurukuro dzinoti “Magungano Anotibatsira Kuramba Tiri Pedyo naJehovha” uye “Mwanakomana Anoda Kumuzivisa.” Hurukuro yokusiyirana ine musoro unoti “Tevedzera Vaya Vakaramba Vari Pedyo naJehovha” ichabva yakurukura kuti Abrahamu, Rute, Hezekiya, uye Mariya vakaita sei izvozvo. Purogiramu yemangwanani ichaguma nehurukuro inokosha inoti “Kuswedera Kunoita Jehovha Pedyo Nesu.”

Hurukuro yokutanga musi weChishanu masikati ichange ichiti “Mhinduro Dzemibvunzo Pamusoro paJehovha,” ichizoteverwa nehurukuro dzinoti “Ita Kuti Kurangwa naJehovha Kukuumbe” uye “Usambofa ‘Wakatsamwira Jehovha.’” Dzinozoteverwa nehurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvishanu ine musoro unoti “Kukurukurirana Kunobatsira Kuti Mhuri Dzirambe Dziri Pedyo naJehovha.” Zvikamu zvehurukuro iyi zvinoti: “Jehovha, Muenzaniso Mukuru Pakukurukurirana,” “Varume, Kurukurai Nemadzimai Enyu!,” “Madzimai, Kurukurai Nevarume Venyu!,” “Vabereki, Kurukurai Nevana Venyu!,” uye “Vana, Kurukurai Nevabereki Venyu!” Purogiramu yemasikati ichaguma nehurukuro inoti “Zvakasikwa Zvinozivisa ‘Mwari Mupenyu’!”

Musoro wemusi weMugovera unoti “Anoshamwaridzana Nevakarurama,” unobva pana Zvirevo 3:32. Hurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvishanu ine musoro unoti “Batsira Vanhu Kuti ‘Vayananiswe naMwari’” ichava nezvikamu zvinoti “Vakaparadzaniswa naMwari uye Havana Tariro,” “Akavabvunza,” “Ita Basa Rako Somubatsiri Pabasa Rouevhangeri,” “Vawanei Nomufambiro Wakanaka,” uye “Ramba Uchishingaira Pane Zvaunoita.” Pashure pehurukuro dzinoti, “Basa Renguva Yakazara Rinosimbisa Ukama Hwako naJehovha” uye “Hapana Chinogumbura Vaya Vanoda Jehovha,” purogiramu yacho ichaguma nehurukuro yerubhabhatidzo, vaya vanokodzera vachibva vapiwa mukana wokubhabhatidzwa.

Purogiramu yemasikati yemusi woMugovera ichange iine hurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvisere inoti “Usabvumira Chinhu Chero Chipi Kuti Chikubvise Pana Jehovha”—“Zvinoitwa naSatani Zvisinganyatsooneki,” “Kudada,” “Mari,” “Utano,” “Basa,” “Kutandara,” “Mhuri,” uye “Ruzivo Rwokugadzirwa Kwezvinhu.” Hurukuro iyi inozoteverwa nemutambo unokosha wemashoko chete unoti, “Usapera Simba Paunoruramiswa naJehovha!” Purogiramu yemusi wacho ichaguma nehurukuro inoti “Ramba Uri Pedyo naJehovha, Sezvakaita Jeremiya.”

Musoro wemusi weSvondo unobva pana Joshua 23:8 unoti, “Munamatire Kuna Jehovha.” Pashure perwiyo nemunyengetero zvemangwanani, hurukuro yokusiyirana inoti “Kunzwisisa Unhu hwaJehovha Hunoyemurika” ichakurukura unhu uhwu husere—“Anotaurika Naye,” “Ane Tsitsi,” “Anoonga,” “Anopa,” “Haasaruri,” “Anokanganwira,” “Anonzwisisa,” uye “Akavimbika.” Hurukuro iyi ichazoteverwa nehurukuro yavose ine musoro unoti “Ungaswedera Sei Pedyo naMwari?” Purogiramu yemangwanani ichaguma nekupfupikiswa kweChidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki.

Chinhu chinokosha chichaitwa masikati emusi weSvondo mutambo une vatambi vanenge vakapfeka zvipfeko zvomunguva yekare unoratidza zvakaitika muzana remakore rokutanga. Uchange uchiratidza kutiza kwakaita vaKristu muJerusarema uye uchange uine musoro unoti “Famba Nokutenda Kwete Nokuona.” Pashure pemutambo, gungano richaguma nehurukuro inoti “Ramba Uri ‘Munzvimbo Yakavanda yoWokumusorosoro.’”

Tanga kuronga izvozvi kuti uzopinda. Kuti uzive nzvimbo iri pedyo newe ichaitirwa gungano iri, enda kuImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yekwaunogara kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino. PaIndaneti, pakanzi www.pr418.com pakarongwa nzvimbo dzichaitirwa magungano pasi rose.