Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaka Rubatsiro

Tsvaka Rubatsiro

Tsvaka Rubatsiro

“Kana mumwe munhu achikwanisa kukunda mumwe munhu ari oga, vaviri vari pamwe chete vanogona kumurwisa.”—Muparidzi 4:12.

PATINOBATSIRWA nevamwe, tinova nemukana wakakura wokukunda muvengi, pasinei nokuti muvengi iyeye angava ani kana kuti chingava chii. Saka kana uchida kukunda katsika kekusvuta, kuchenjera kuti utsvake kubatsirwa nemhuri yako neshamwari, kana kuti chero munhu achakutsigira zvechokwadi uye achava nemwoyo murefu newe.

Funga nezvokutsvaka rubatsiro rwevaya vakarega katsika kacho, nokuti vangasangokunzwisisa chete asi vangakubatsirawo. Torben, mumwe muKristu wokuDenmark anoti, “Rubatsiro rwevamwe rwakandiyamura chaizvo.” Abraham wokuIndia, anonyora kuti: “Rudo rwechokwadi rwandakaratidzwa nemhuri yangu uye nevamwe vaKristu rwakandibatsira kurega kusvuta.” Asi pane dzimwe nguva kunyange rubatsiro rwemhuri neshamwari haruna kukwana.

Mumwe murume anonzi Bhagwandas anoti, “Ndakasvuta kwemakore 27, asi pamusana pokudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvemaitiro asina kuchena, ndakasarudza kurega. Ndakaedza kusvuta kashoma. Ndakarega kuwadzana nevanhu vandaiwanzopedza nguva navo. Ndakaenda kunopiwa mazano. Hapana chakashanda. Humwe usiku ndakazonyengetera kuna Jehovha Mwari ndichimuudza zvaiva kutsi kwemwoyo, ndikamuteterera kuti andibatsire kurega. Ndakabva ndazobudirira kurega kusvuta!”

Chimwe chinhu chinokosha ndechokugadzirira kurwisana nezvipingamupinyi zvaungangotarisana nazvo. Zvipingamupinyi izvozvo ndezvipi? Nyaya inotevera ichazvitsanangura.

[Bhokisi riri papeji 5]

UNOFANIRA KUSHANDISA MUSHONGA HERE?

Mishonga inobatsira vanhu kurega kusvuta, yakadai sekanhu kanonamirwa paganda kanenge kaine chikakananda [nicotine], yava bhizimisi rinounza mabhiriyoni emadhora. Asi usati wafunga nezvekushandisa mushonga, funga zvinotevera:

Inobatsirei? Mishonga yakawanda inonzi inowedzera mikana yako yokurega kusvuta nokuita kuti usazonyanya kurwara nokushaya fodya. Asi vanhu vanopikisani panyaya yekuti nekufamba kwenguva mishonga iyi inoramba ichishanda here.

Ngozi dziripo ndedzipi? Mimwe mishonga ingangokonzera mamwe matambudziko akadai sokunzwa kuda kurutsa, kuora mwoyo, uye kuda kuzviuraya. Yeukawo kuti mishonga ine chikakananda inoshandiswa kuderedza havi yefodya mumuviri, inongova imwe nzira yokusvuta, uye ine ngozi. Saka chokwadi ndechokuti munhu anenge achiishandisa anenge achakangopindwa nayo muropa.

Ndedzipi dzimwe nzira dzingashandiswa dzisiri mushonga? Mune imwe tsvakurudzo yakaitwa, pavanhu 100 voga voga, 88 vevakabudirira kurega kusvuta vakati vakangosiya fodya vasingabatsirwi nemishonga.