Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda Imwe Nguva Here?

Unoda Imwe Nguva Here?

Unoda Imwe Nguva Here?

KANA wamaka denderedzwa rechipiri kana kuti rechitatu pamibvunzo yakawanda iri padivi apa, zvimwe unoda nguva yakawanda. Uye hausiwe woga. Munzvimbo dzakawanda, vanhu vanogara vari kumashure kwenguva vachiita chipatapata kuti vapedze zvinenge zvichifanira kuitwa, uye izvozvo zvingasava zvinhu zvinonyatsokosha kwavari. Asi zvingava zvinhu zvinenge zvichida kuitwa pakarepo, zvakadai sokugadzira motokari, kufadza mukuru webasa, kugadzirisa zvinenge zvavavhiringidza vasingatarisiri. Paunogadzirisa chinetso chimwe pashure pechimwe, ungafunga kuti haunyatsokwanisi kuronga nguva yako. Ungatofunga kuti uri kungomhanyisana noupenyu asi usiri kunyatsonakidzwa nahwo.

Chokwadi, ungati zvinhu izvi ndezvechinguva chete. Zvinhu zvichazodzikama muupenyu uye uchava nenguva yokunyatsoita zvinhu zvinokosha, zvinhu zvinoita kuti upenyu hwako nehwemhuri yako nehwevamwe hugutse. Asi izvozvo zvichaitika rini? Unoona uchizowana kamukana here pane zvawakaronga nhasi? Svondo rino? Mwedzi unouya?

Kutaura zvazviri, nyika haisi kuzoita kuti zvinhu zvidzikame. Asi unokwanisa kuita kuti uwane nguva yaunoda. Ungaita sei izvozvo?

[Bhokisi riri papeji 25]

Unowana nguva yokuita zvinhu zvinonyatsokosha kwauri kakawanda sei?

Zuva rega rega

Pakupera kwevhiki

Handiwanzoiwani

Pazuva

Unoita zvawakaronga here?

Unomanikidzwa kuita zvawanga usina kuronga here?

Unongoita zvetsuro yamukira mumakumbo here?

Pazuva

Unoona zvinhu zvakadzikama here?

Unoona sokuti vamwe vari kukumanikidza kuita zvisina musoro here?

Unoona sokuti zvinhu zvako hazvina kurongeka uye unongoti chamuka inyama here?

Panopera zuva

Unenge waita zvinhu zvinokosha here?

Unenge wapedza basa rinenge richifanira kuitwa asi risina kuitwa nemazvo here?

Unenge usina kuwana nguva yezvinhu zvinonyatsokosha here?

Pakupera kwezuva unowanzonzwa sei?

Ndichigutsikana nezvandaita

Sokuti hapana zvandaita, ndakaneta, uye ndichishushikana

Ndakavhiringidzika