Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kubudirira!

Unogona Kubudirira!

Unogona Kubudirira!

NGUVA yasvika yokuti ‘ushinge uzviite.’ (1 Makoronike 28:10) Matanho api okupedzisira aungatora kuti uwedzere mikana yokuti ubudirire?

Sarudza musi wokurega. Bazi rinonzi U.S. Department of Health and Human Services rinokurudzira kuti kana uchinge wasarudza kurega kusvuta, zuva raucharega kusvuta zvachose ngarive muvhiki mbiri dzinotangira pamusi waunenge wasarudza kurega. Izvozvo zvichaita kuti urambe une chido chakasimba. Maka musi wacho pakarenda uye usauchinja kunyange mamiriro ako ezvinhu akachinja.

Gadzira “kadhi rinokuyeuchidza nezvokurega kusvuta.” Ringava nemashoko akaita seari pasi apa, uye mamwewo anogona kusimbisa chido chako chokurega.

● Zvikonzero zvako zvokurega kusvuta

● Nhamba dzerunhare dzevanhu vaungafonera paunonzwa sokuti zvingangokukunda

● Pfungwa dzichakubatsira kuti usvike pakuita zvawakaronga. Dzingasanganisira magwaro eBhaibheri akadai saVaGaratiya 5:22, 23

Gara uine kadhi rako, uye riverenge kanoverengeka pazuva. Kunyange warega kusvuta, ramba uchidzokorora zviri pakadhi racho pose paunonzwa uchida kusvuta.

Gara wachinja zvinomutsa havi yacho. Musi waunoda kurega kusvuta usati wasvika, tanga kurega tumwe tutsika tunofambidzana nokusvuta kwaunoita. Somuenzaniso, kana uchisvuta mangwanani oga oga paunongomuka, rega kusvuta kweawa imwe chete kana kupfuura. Kana uchisvuta paunenge uchidya kana kuti uchangopedza kudya, chirega kudaro. Dzivisa kuenda kunzvimbo dzine vamwe vanosvuta. Uye uri woga dzidzira kutaura zvinonzwika kuti: “Regai henyu, mazvita. Ndakarega kusvuta.” Matanho akadaro haangokubatsiri kugadzirira zuva rauchazorega. Achakuyeuchidzawo kuti pasina nguva unenge usisasvuti.

Gadzirira kurega. Musi waucharegera kusvuta zvaunoswedera pedyo, unganidza tunhu twaungazotsenga panzvimbo pokusvuta: twakadai setumakarotsi, chingamu, nzungu netumwewo. Yeuchidza shamwari dzako nevemumhuri nezvemusi waucharega kusvuta uye zvavangaita kuti vakubatsire. Musi iwoyo usati wasvika, rasa mokuisira madota efodya, tumagwenya, nezvimwe zvingangokuisa pamuedzo, zvakadai semidzanga ingava mumba menyu, mumotokari kana kuti muhomwe, kana kuti kubasa. Kutaura chokwadi, zviri nyore kungotora mudzanga mudhirowa pane kuita zvokukumbira shamwari kana kuti kutenga pakiti refodya! Uyewo, ramba uchinyengeterera kutsigirwa naMwari, uchiita izvozvo nemwoyo wose pashure pokunge wasvuta kekupedzisira.—Ruka 11:13.

Vanhu vakawanda vakasiyana neyaichimbova shamwari yavo yenhema, yakaipa, iwo mudzanga. Unogona kuzviitawo. Uchawana utano huri nani uye uchanzwa uine rusununguko.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Gara uine kadhi rako, uye riverenge kanoverengeka pazuva