Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tora Matanho Okuti Uvandudze Utano Hwako

Tora Matanho Okuti Uvandudze Utano Hwako

UNOYEUKA Ram ataurwa kwatangira nyaya dzino here? Kufanana nevamwe vakawanda vari munyika, Ram aisaziva kuti kudya zvakanaka uye dzimwe tsika dzinoitwa mazuva ose zvinokosha sei kuutano. Anotaura kuti: “Nyaya ine musoro unoti, ‘Zvokudya Zvinovaka Muviri Zvaunogona Kuwana’ iri muMukai! (May 8, 2002) yakandibatsira kunzwisisa nei tichifanira kuchenjerera zvatinodya.”

Ram anotsanangura kuti: “Semhuri, takaedza kushandisa zvatakadzidza munyaya yacho. Pashure pekanguva, takaona kuti miviri yedu yakanga yava kukwanisa kurwisa zvirwere. Kare tisati tatanga kuva nehanya nezvataidya, taiwanzobatwa nefuruu nguva nenguva, asi iye zvino zvasiyana. Takadzidzawo nzira dziri nyore uye dzisingadhuri dzokuwana nadzo mvura yakachena yokunwa, tinotenda mazano ari munyaya inoti, ‘Nzira Nhanhatu Dzokuchengeta Utano Hwako’ iri muMukai!”—September 22, 2003.

“Imwe nyaya inoti ‘Sipo—“Mushonga Wokuzvirapa Nawo”’ iri muMukai! yaNovember 22, 2003, yakandibatsira kuvandudza utano hwemhuri yangu. Takaedza kushandisa mazano ari munyaya iyi patakangoiverenga. Iye zvino hatichanetseki nemaziso sezvataimboita kare.

“Vanhu vekwatinogara havana basa nenhunzi uye mosikito dzakawanda. Asi mhuri yedu yakadzidza kubva muvhidhiyo inonzi, The Bible—Its Power in Your Life, * kuti tinofanira kuzvidzivirira pazvipembenene zvakadaro. Kuzivawo izvi kunotibatsira kuti tirambe tiine utano hwakanaka.”

Usakanda mapfumo pasi! Unogona kubudirira pane chero zvaungada kugadzirisa kana ukatanga zvishoma nezvishoma uye worega kuva nezvinangwa zvisingazadzisiki. Somuenzaniso, edza kuderedza uwandu hwezvokudya zvisinganyanyi kuvaka muviri, pane kuti ubva watozvirega. Edza kukurumidza kurara uye kuwedzera zvishoma pamaekisesaizi aunoita. Zviri nani kuita zvishoma pane kurega. Zvinowanzotora nguva, mavhiki kana kuti mwedzi yakawanda, kuti tsika itsva yakanaka inyatsopinda muropa. Usakanda mapfumo pasi kana usati wava kuona kubatsira kwezvauri kuedza kuita. Kana ukaramba uchiedza, pasinei nezvipingamupinyi, utano hwako hungangovandudzika.

Munyika ino ine chivi, hazviiti kuti munhu ave noutano hwakanyatsonaka. Kana ukarwara, zvingadaro zvisina kukonzerwa nokusava nehanya kwako, asi chiri chirwere chokuzvarwa nacho. Saka, usazvidya mwoyo kana kunetseka zvakanyanya pamusana pokuda kutarisira utano. Jesu akabvunza kuti, “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?” (Ruka 12:25) Pane kudaro, chingoedza kudzivisa zvinhu zvinoita kuti ukurumidze kufa kana kuti usanakidzwa noupenyu. Kuita izvozvo kunobatsira kuti urarame noutano hwakanaka sezvinobvira kutozosvikira zuva riya munyika itsva yaMwari ‘pakuchange kusisina mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.”’—Isaya 33:24.

^ ndima 5 Yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.