Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zano 1 Ngwarira Zvaunodya

Zano 1 Ngwarira Zvaunodya

“Idya zvokudya. Usadyisa. Idya zvirimwa zvakawanda.” Nemashoko aya mashoma, munyori Michael Pollan anotaura zano riri nyore rine chokuita nezvokudya rava nenguva richishanda. Anomborevei nemashoko iwayo?

Idya zvokudya zvaunozvigadzirira. Nyanyodya zvokudya chaizvo, zvisina kugadzirwa gadzirwa, zvokudya zvagara zvichidyiwa kwezviuru zvemakore, pane kudya zvemazuva ano zvomugaba kana zvakaiswa mufiriji. Kazhinji zvokudya zvakagadzirwa nemakambani anotengesa zvokudya uye zvomumaresitorendi zvinenge zviine munyu, shuga, uye mafuta zvakawandisa, uye zvinhu izvi zvinowanzokonzera chirwere chomwoyo, sitiroko, kenza uye zvimwe zvirwere zvakaipa. Pakubika, edza kusitima, kubheka uye kugocha pane kufuraya. Edza kushandisa zvimwe zvokurungisa kuitira kuti usawanze munyu. Iva nechokwadi chokuti nyama yabikwa zvakanaka, uye usadya zvokudya zvinenge zvashata.

Usadyisa. Sangano reWorld Health Organization rinoshuma nezvekuwedzera kune ngozi kuri kuitika munyika yose kwevanhu vane miviri yakakurisa zvichinyanyokonzerwa nokudyisa. Pane kumwe kuongorora kwakaitwa pakaonekwa kuti mune dzimwe nzvimbo muAfrica, “vana vane miviri yakakurisa vakawanda kupfuura vari kushaya zvokudya zvinopa utano.” Vana vane miviri yakakurisa vari pangozi yokubatwa nezvirwere panguva ino kana kuti mune ramangwana, zvakadai sechirwere cheshuga. Vabereki, ivai muenzaniso wakanaka kuvana venyu nokusaisa gomo rezvokudya mundiro dzenyu.

Idya zvirimwa zvakawanda. Zvokudya zvakanaka zvinosanganisira michero yakasiyana-siyana, miriwo, uye zvinhu zvakadai sechibage nezviyo, pane kudya nyama uye zvokudya zvine sitachi yakawanda. Kamwe chete kana kaviri pavhiki, edzai kumbodya hove panzvimbo penyama. Musanyanya kudya zvokudya zvakadai sepasta, chingwa chichena uye mupunga muchena zvokudya zvinenge zvakabviswa zvimwe zvinhu zvinopa utano. Asi dzivisai kudya zvokudya zvine ngozi zvakakurumbira. Vabereki, dzivirirai utano hwevana venyu nokuvabatsira kuti vafarire zvokudya zvine utano. Somuenzaniso, vapei twokudyira-dyira twakadai senzungu, uye michero yakagezwa zvakanaka nemiriwo pane kuvapa machipisi kana zviwitsi.

Inwa zvinwiwa zvakawanda. Vanhu vakuru nevana vanofanira kunwa mvura yakawanda uye zvimwe zvinwiwa zvisina kuwedzerwa zvinhu zvinotapira zuva nezuva. Inwa zvinwiwa zvakawanda pakunenge kuchipisa, paunenge uchiita basa rinoda simba rakawanda uye paunenge uchiita maekisesaizi. Zvokunwa zvakadaro zvinobatsira pakugaya zvokudya, zvinochenesa muviri zvichibvisa muchetura, zvinoita kuti ganda rive noutano, uye zvinoita kuti muviri udzikire. Zvinokubatsira kuti unzwe uye utaridzike zvakanaka. Dzivisa kunyanyonwa doro uye zvinwiwa zvakawedzerwa zvinotapira. Dhiringi rimwe chete pazuva rinogona kuita kuti uwedzere kusimba nemakirogiramu anoda kusvika manomwe pagore.

Mune dzimwe nyika, mvura yakachena inodhura uye zvakaoma kuiwana. Asi zvinokosha kunwa mvura yakachena. Mvura isina kuchena inofanira kufashaidzwa kana kuiswa mishonga. Zvinonzi mvura ine tsvina inouraya vanhu vakawanda kupfuura vanourayiwa nehondo kana kudengenyeka kwenyika; inouraya vana 4 000 pazuva. Sangano reWorld Health Organization rinokurudzira kuti vana vacheche vangopiwa mukaka waamai chete kwemwedzi mitanhatu yokutanga, vozopiwa mukaka waamai nezvimwe zvokudya kusvikira vava nemakore anopfuura maviri.