Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zano 5 Iva Nechido Uye Kurudzirawo Vamwe

Zano 5 Iva Nechido Uye Kurudzirawo Vamwe

“Munhu wose ane njere achaita nezivo.” (Zvirevo 13:16) Kuva neruzivo rwezvoutano kunogona kukubatsira kuti uve nechido chokugadzirisa zvimwe zvinhu kuti iwe nemhuri yako muve neutano huri nani.

Ramba Uchidzidza. Munzvimbo dzakawanda masangano ehurumende uye akazvimirira oga anopa mabhuku uye zvidzidzo zvakawanda zvinotaura nezveutano. Ashandise, uye dzidza nezvenzira dzinokosha kuti uvandudze utano hwako uye kuti usahuisa pangozi. Bvumawo dzimwe pfungwa, uye farira kugadzirisa zvinhu zviduku.

Tsika dzakanaka dzaunodzidza uye dzaunoita dzinogona kubatsira vana vako uye vana vavowo. Kana vabereki vakava nomuenzaniso wakanaka panyaya yezvokudya, rucheno, kurara, kuekisesaiza, uye kudzivirira zvirwere, zvinobatsirawo vana vavo.​—Zvirevo 22:6.

Chiizve chinodiwa? Kuti uve noutano hwakanaka haisi nyaya yokungova nehanya nezvinhu zvaunoda chete. Hazvisi nyore kurega tutsika twakaipa twawagara uinatwo uye kazhinji kugadzirisa zvinhu zviduku kunotoda kuti uve nechido chakasimba. Kunyange vamwe vanhu vakaziva kuti vanogona kurwara kana kuti kufa vangasaita zvavanoziva kuti zvakavanakira. Saka chii chichaita kuti vadaro? Kungofanana nesu tose, vanofanira kugara vachifunga nezvechinangwa chinokosha muupenyu.

Vakaroorana vanofanira kugara vaine utano uye vakasimba kuti varambe vachibatsirana. Vabereki vanofanira kuramba vachitsigira uye vachidzidzisa vana vavo. Vana vakura vanofanira kutarisira hama dzavo dzakwegura. Chimwewo chinangwa ndechokuva nechido chinokosha chokuva chikomborero munharaunda pane kuva dambudziko. Zvose izvi zvinosanganisira kuva nerudo uye kuva nehanya nevamwe.

Chido chikuru pane zvose chinobva pakuonga kwatinoita Musiki wedu uye kuzvipira. Vanamati vaMwari vanoshuva kuchengetedza chipo chinokosha choupenyu chaakavapa. (Pisarema 36:9) Kana tiine utano, tinogona kushumira Mwari tichishingaira. Ichi ndicho chikonzero chinonyanya kukosha chokuti titarisire utano hwedu.

Batsirwa nokuva nemararamiro anoita kuti uve noutano hwakanaka