Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinhu Chinokosha Kudarika Upenyu Hwedu

Chinhu Chinokosha Kudarika Upenyu Hwedu

Chinhu Chinokosha Kudarika Upenyu Hwedu

Yakataurwa Namurat Ibatullin

Muna 1987 Bazi Reutano rokuRussia rakanditumira kuUganda, muAfrica. Ndakanga ndabvuma kuenda kunoshandako sachiremba kwemakore mana. Chokwadi ndechokuti ndaisatomboda kudzoka kuRussia, asi ndaitarisira kuwana ruzivo rwaizondibatsira kuti ndinoshanda kunyika dzakadai seAustralia, Canada, kana kuti United States of America. Asi pakazosvika 1991 zvirongwa zvangu zvakanga zvachinja, uye ndakadzokera kuRussia. Regai nditsanangure kuti nei.

NDAKAZVARWA muna 1953 muKazan’, guta guru reRepublic of Tatarstan muCentral Russia. Vabereki vangu ndeverudzi rwevaTatar, uye vaTatar vakawanda ndevechitendero chechiMuslim. Ndinoyeuka ndichiri mwana, ndichiona sekuru nambuya vangu vachipfugama vachinyengetera kuna Allah. Vana vavo kusanganisira vabereki vangu vaitiudza kuti tisavavhiringidza uye kuti tibude mukamuri ravanenge vari. Vabereki vangu vainyara kuva nevabereki vainamata, asi ivo vainge vagamuchira chiKomonisiti uye panguva yacho vaizviti vaidavira kuti hakuna Mwari.

Pandakanga ndiine makore mana, ndakabatwa neporiyo yokupedzisira yakanga yakaparira muSoviet Union. Pandinofunga nezveuduku hwangu, ndinonyanyoyeuka kuenda kwataiita kuzvipatara kunoongororwa navanachiremba. Ndichiri kuyeuka sekuru vangu vachinyengeterera kuti ndipore. Ndaidawo kuva neutano hwakanaka sezvainge zvakaita vamwe vana, saka pasinei negumbo rangu rainge rakaremara, ndaitambawo nhabvu, hockey, nemimwewo mitambo.

Sezvandaikura ndakatanga kuva nechido chokuzova chiremba. Ndaisaita zvechitendero uye ndaisadavira kuti hakuna Mwari. Kungoti chete ndaisambofunga nezvaMwari. Panguva iyoyo, ndaipesana nedzidziso dzechiKomonisiti uye ndaigarokakavadzana nababa vangu nababamukuru. Babamukuru vangu vaiva murayiridzi payunivhesiti vachidzidzisa philosophy, uye baba vangu vaishandira State Security Committee, yaizivikanwa seKGB. Pandakapedza kudzidzira uchiremba, zvinangwa zvangu zvaiva zvokuzova neurosurgeon [chiremba wetsinga neuropi] akanaka uye kutamira kune imwe nyika.

Kutsvaka Upenyu Hwakanaka

Muna 1984, ndakapedza zvidzidzo zvangu zvokuongorora nezvemapundu anomera muuropi. Zvadaro muna 1987, ndakatumirwa kuUganda kuchipatara cheMulago. Ndakatamira kunyika iyi yakanaka pamwe nemudzimai wangu Dilbar, nevana vedu Rustem naAlisa, mumwe aiva nemakore manomwe mumwe mana. Basa repakiriniki rakanga rakaoma uye raisanganisira kuvhiya varwere vaiva neutachiona hweHIV. Ndaiwanzoshanyira mamwe makiriniki aiva munyika yacho yose, sezvo muUganda mose maingova nemaneurosurgeon maviri chete.

Mumwe musi pane chimwe chitoro chemabhuku muUganda, ini naDilbar takaona Bhaibheri mumutauro wokuRussia kokutanga. Takatenga maBhaibheri akati wandei okutumira shamwari dzedu kuSoviet Union, sezvo zvainge zvakaoma kutenga maBhaibheri ikoko panguva yacho. Takaverenga zvitsauko zvishoma muBhaibheri racho asi rainge rakatiomera chaizvo kurinzwisisa zvokuti takabva tangorega.

Zvisinei, kwemakore matatu takapinda machechi akasiyana-siyana muUganda uye takaedza kunzwisisa zvaitendwa nevagari vemo uye chaiita kuti vazvitende. Ndakafungawo kudzidza Koran mumutauro warakanyorwa nawo. Ini naRustem takatotanga kupinda zvidzidzo zvemutauro weArabic. Kwapera mwedzi mishoma, takanga tava kutotaura chiArabic zvokukwanisa kukurukura.

Panenge panguva iyoyo, takasangana nemamishinari aidzidzisa Bhaibheri Heinz naMarianne Wertholz, vaiva zvizvarwa zvokuGermany neAustria. Patakatanga kukurukurirana, hatina kana kumbotaura zvechitendero. Taingoitawo sevanhu vokuEurope vainge vasangana kuAfrica. Takavabvunza kuti vaitsvakeyi muUganda uye takaziva kuti vaiva mamishinari eZvapupu zvaJehovha uye kuti vaiva munyika macho kuti vadzidzise vanhu Bhaibheri.

Ndakabva ndayeuka kuti pandaidzidza philosophy payunivhesiti kuRussia, takaudzwa kuti Zvapupu zvaiva kapoka uye kuti zvaibayira vana zvonwa ropa ravo. Ndakaudza Heinz naMarianne izvozvo, nokuti ndaisatenda kuti vangaita zvinhu zvakadaro. Ini naDilbar takabvuma mabhuku aIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, uye takaaverenga zvokuda kuapedza mumaawa mashomanana. Pandakamira kuverenga ndakabvunza Dilbar kuti ainzwa sei iye ndokutaura kuti ainakidzwa nezvaaiverenga zvokuti aimerera! Ndakamuudza kuti ndizvo zvandainzwawo.

Pashure paizvozvo takanga tava kuda chaizvo kutaura naHeinz naMarianne zvakare. Patakasangana navo takakurukura nyaya dzakawanda. Zvatakadzidza nezveBhaibheri zvakatowedzera kutibaya mwoyo. Zvakatiita kuti tide kuudzawo shamwari nevamwe zvataidzidza. Vanhu ava vaisanganisira mumiririri weRussia, nevamiririri vezvizvarwa zvokuRussia nevedzimwe nyika, nemumiririri wechechi yeRoma. Akatishamisa paakati Testamende Yekare “yose ingano.”

Kudzokera Kumusha

Pachine mwedzi tisati tadzokera kuRussia muna 1991, ini naDilbar takasarudza kuva Zvapupu zvaJehovha. Takafunga kuti pataizosvika kuKazan’, taizokurumidza kuenderera mberi nokupinda misangano. Asi chakatinetsa ndechokuti kwemwedzi mitatu hatina kana kumboona mumwe weZvapupu zvaJehovha, uyezve takashayiwa paiva neImba yoUmambo! Saka takasarudza kuenda pasuo nesuo, sezvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pasi pose, kunyange zvazvo zvaireva kuti taifanira kuzviita tiri toga. Izvi zvakaita kuti titange zvidzidzo zveBhaibheri zvinoverengeka, kusanganisira chimwe chataiita nemumwe mukadzi akazova Chapupu.

Pashure peizvi takashanyirwa nechimwe Chapupu chakura chainge chatumirwa kero yedu neZvapupu zvokuUganda. Takatanga kuungana neboka revanhu 15 vaiita misangano mune rimwe kamuri duku. Heinz naMarianne vaigara vachikurukura nesu uye vakatombotishanyira kuKazan’. Pava paya takazovashanyira kuBulgaria, nyika yavakanga vatumirwa uye kwavachiri kushanda semamishinari nanhasi.

Kuwana Zvibereko Zvakanaka MuRussia

Pose pandinowana mukana, ndinotaura chokwadi cheBhaibheri kune vandinoshanda navo muzvipatara muRussia. Nokufamba kwenguva, vakawanda vakafarira uye vakava Zvapupu zvaJehovha, kusanganisira vanachiremba vandinoshanda navo vanoverengeka. Papera gore tadzoka, muna 1992, boka reZvapupu muKazan’ rakakura kuva nevanhu 45; uye gore rakatevera racho vakanga vava kupfuura 100. Nhasi uno muKazan’ mune ungano nomwe dzeZvapupu—shanu ndedzemutauro wechiRussian, imwe chete yemutauro wechiTatar, uye imwe yacho yemutauro wemasaini. Munewo mapoka emutauro wechiArmenian neChirungu.

Muna 1993, ndakaenda kunopinda musangano wavanachiremba kuNew York City, uye ndakava nemukana wekushanyira muzinda wenyika yose weZvapupu zvaJehovha uri muBrooklyn. Ndakasangana nahama Lloyd Barry, vaibatsira kutungamirira basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha romunyika yose. Pasinei nekuwandirwa kwavo nebasa, vakawana nguva yokutaura neni.

Takakurukura kudiwa kwaiitwa mabhuku eBhaibheri mumutauro wechiTatar. Kwapera makore akati, kwakarongwa kuti pave neboka revashanduri vomutauro wechiTatar kuRussia uye mabhuku mumutauro wechiTatar akatanga kuwanika. Nokufamba kwenguva hakusi kufara kwatakaita patakatanga kugamuchira Nharireyomurindi nguva dzose, magazini yakagadzirirwa kudzidza Bhaibheri! Pasina nguva yakareba kubva ipapo ungano yokutanga yemutauro wechiTatar yakatangwa.

Kushandisa Nzira Dzinoita Kuti Ropa Risanyanye Kurasika

Ndinochengeta mitemo yose yaMwari ine chokuita netsika, kusanganisira unowanika pana Mabasa 15:20 unorayira vashumiri vaMwari “kuti varege . . . ropa.” Ndima 29 inowedzera kuti vashumiri vaMwari ‘varambe vachirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ropa, zvinhu zvakadzipwa uye ufeve.’

Saka Zvapupu zvaJehovha pazvinoda kurapwa, zvinokumbira vanachiremba kuti varemekedze maonero azvinoita okurapwa pasingashandiswi ropa. Pane imwe nguva ndakamboshanda neDare Rokukurukura Nezvipatara reZvapupu zvaJehovha muKazan’. * Muna 1997, Pavel aiva negore rimwe chete womuguta reNovosibirsk paaida kuvhiyiwa nokukurumidza, amai vake vakatikumbira rubatsiro. Panguva iyoyo kwaingova navanachiremba vashoma muRussia vaiva neunyanzvi vaibvuma kuvhiya pasingashandiswi ropa. Takabvuma kuvabatsira kutsvaga chiremba aizoshandisa dzimwe nzira dzinotsiva yokuwedzera ropa.

Pasina nguva yakareba takawana kiriniki inovhiya mwoyo muKazan’ yaiva navanachiremba vakabvuma kuvhiya wechiduku Pavel pasina kuwedzerwa ropa. Pana March 31, 1997, vanachiremba vakabudirira kuvhiya vasingashandisi ropa kuti vagadzirise dambudziko rakakura remwoyo rinonzi tetralogy of Fallot. Pana April 3, pepanhau rinonzi Vechernyaya Kazan rakashuma kuti: “Mukomana wacho ari kunzwa zvakanaka uye haachafaniri hake kushandisa mishonga yemwoyo . . . Amai vaPavlik [zita rakadimburirwa raPavel] vakanga vava kufurwawo nemhepo kokutanga pashure pemwedzi 11.” Pasina nguva Pavel akapora pakuvhiyiwa kwaakaitwa uye akatanga kufamba mukoridho yemuchipatara.

Parizvino Pavel ane utano hwakanaka uye ari kuraramawo sevamwe. Anofarira kudhidha, kuita mutserendende muchando uye kutamba nhabvu. Ari mugwaro rechisere kuchikoro, uye anonamata pamwe chete naamai vake vari muungano yeZvapupu zvaJehovha muguta reNovosibirsk. Pashure pezvakaitika kuna Pavel, vanachiremba vepakiriniki iyoyo vakavhiya zvinobudirira Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvaiva nedambudziko remwoyo vasingashandisi ropa. MuTatarstan zvokurapa zviri kufambira mberi uye kurapa pasingashandiswi ropa kwazokurumbira.

Basa Randiri Kuita Mazuva Ano

Ini nemudzimai wangu nezvimwe Zvapupu, tinoshanda pakiriniki inoshandisa michina yemhando yepamusoro kurapa varwere vane matambudziko emutsinga uye emwoyo. Tinoshandawo pakuvhiya kwakawanda, kunyanya pavarwere vanoda kurapwa pachishandiswa nzira dzinoita kuti ropa risanyanye kurasika. Ndinoshanda saneuroradiologist [chiremba anovheneka tsinga] uye ndinofarira kushanda pakuvhiya tsinga pasina kuwedzera ropa. Sezvo ndiri purofesa weDhipatimendi reNeurology neNeurosurgery paKazan’ State Medical University, ndinodzidzisa vanenge vachidzidzira kurapa navanachiremba kuti vaone zvazvakanakira kurapa pasina kushandisa ropa. *

Mudzimai wangu anoshanda neni pakiriniki uye anoshanda saultrasound specialist [basa rokubudisa mifananidzo yezvakaita mumiviri yevarwere.] Tinonakidzwa nebasa redu nokuti tinokwanisa kubatsira vanhu. Asi tinogutsikana zvikuru nokuona vanhu vachirapwa nechokwadi cheBhaibheri mune zvokunamata. Tinofara chaizvo kuudza vanhu vimbiso yaMwari yokuti nokukurumidza munyika munenge musisina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 23 Matare Okukurukura Nezvipatara mapoka eZvapupu zvaJehovha anobatsira zvipatara nevanoda kurapwa kuti vashande pamwe chete panenge pamuka nyaya yokuwedzerwa ropa.

^ ndima 27 Nzira dzokurapa pasingashandiswi ropa dzinoshandiswa kutsiva kuwedzerwa ropa. Kuziva nezvengozi dzinovapo pakuwedzerwa ropa kuri kuita kuti vakawanda munyika yose vade kushandisa mishonga isina ropa uye kuvhiyiwa pasina ropa. Munhu akawedzerwa ropa anova pangozi yokubata utachiona hweHIV uye zvimwe zvirwere zvinokonzerwa neutachiona.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndichishanda sachiremba muAfrica

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ini nemudzimai wangu patakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muna 1990

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ndiina Lloyd Barry patakashanya kuBrooklyn, New York, muna 1993

[Mufananidzo uri papeji 29]

Pavel naamai vake iye zvino

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndiri muushumiri nemudzimai wangu, Dilbar