Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubvuma Kuti Chokwadi Wakafirwa

Kubvuma Kuti Chokwadi Wakafirwa

Kubvuma Kuti Chokwadi Wakafirwa

“Pandakanzwa nezvokufa kwababa vangu ndakavhiringidzika uye ndakapererwa. Ndakatambura nokuzvipa mhosva zvikuru nokuti ndakanga ndisipo pavakafa. Hapana chinhu chinorwadza sokufirwa nemunhu waunoda. Ndinosuwa baba vangu zvikuru!”—Sara.

VANHU vakawanda havasununguki kutaura nezverufu, pasinei netsika dzavo kana kuti chitendero chavo. Mimwe mitauro ine madimikira anoverengeka anoita kuti zvive nyore kutaura. MuChishona, vanhu vanoti munhu “akashaya,” kana kuti “akatisiya,” pane kutaura kuti “akafa.”

Asi, kunyange madimikira akanaka zvikuru haagoni kuderedza kusuruvara kunowanzoita vaya vanenge vafirwa nevavanoda. Kune vamwe vanhu, kushungurudzika kwacho kwakanyanya zvokuti havabvumi kuti chokwadi vafirwa.

Kana wakafirwa nemunhu waunoda, ungaomerwawo nekubvuma kuti zvechokwadi wakafirwa. Zvimwe unotonyepedzera kuita seusiri kushungurudzika, asi nechomukati uchirwadziwa. Chokwadi, vanhu vanochema nenzira dzakasiyana-siyana, saka kana usingaratidzi kusuruvara kwako hazvirevi kuti uri kuvanza manzwiro ako. * Zvisinei, matambudziko angamuka kana uchinzwa sokuti unotofanira kuratidza manzwiro ako neimwe nzira zvimwe uchiitira vamwe vomumhuri vari kuchema.

“Handina Nguva Yokuchema”

Chimbofunga zvakataurwa nemumwe murume wechiduku anonzi Nathaniel aiva nemakore 24 paakafirwa naamai vake. Anoti, “Pakutanga ndakavhiringidzika. Ndainzwa sokuti ndaifanira kutsigira baba vangu uye shamwari dzaamai vangu dzakawanda dzainetseka. Pakanga pasina nguva yokuti ndicheme.”

Rinopfuura gore izvi zvaitika, Nathaniel akaona kuti akanga asati abvuma kuti zvechokwadi akanga afirwa. Anoti, “Baba vangu vachiri kundifonera pano neapo vachindiudza nezvokushungurudzika kwavo uye izvozvo zvakanaka. Vanoda kutaura nezvazvo, uye ndinofarira kuvabatsira. Kungoti chete ini pandinenge ndichida anondinyaradza, ndinonzwa sokuti handina kana angandibatsira.”

Vanhu vanotarisira vakwegura kana kuti vanorwara—kusanganisira nyanzvi dzokurapa avo vanofanira kugara vachiona vanhu vachifa—vanganzwawo sokuti vanosungirwa kuvanza manzwiro avanoita. Chimbofunga nezvaHeloisa ave ari chiremba kwemakore anopfuura 20. Aishanda munzvimbo inogara vanhu vakabatana uye aiwirirana nevarwere vake. Anoti, “Vakawanda vavo vaifa ndichizviona uye vamwe vacho vaiva shamwari dzangu.”

Heloisa akazoziva kuti kusvimha misodzi kunoita kuti unzwe zviri nani. Anoti, “Asi zvakanga zvakandiomera kuchema. Ndainyanya kufunga nezvekuzvishingisa kuitira vamwe vanhu saka ndaitonzwa sokuti ndaifanira kudzora manzwiro andaiita. Ndaiva nechokwadi chokuti vamwe vanhu vaitarisira kuti ndidaro.”

“Pamba Paisanakidza Vasisipo”

Kusurukirwa ringava rimwe rematambudziko makuru anosangana nevaya vanenge vafirwa nomunhu wavanoda. Somuenzaniso, Ashley aiva nemakore 19 amai vake pavakafa nekenza. Anoti, “Pashure pacho ndakapererwa uye ndakasurukirwa. Amai vangu vaiva shamwari yangu yepamwoyo. Taipedza nguva yakawanda tiri tose!”

Zvinonzwisisika kuti Ashley aiona zvakamuomera kudzoka kumba mazuva ose uye kuyeuka kuti amai vake vakanga vasisipo. Anoti, “Pamba paisanakidza vasisipo. Nguva yakawanda ndaipinda mukamuri rangu uye ndaichema pandaitarira mapikicha avo uye ndaibva ndafunga nezvezvataimboita tose.”

Ziva kuti kana wakafirwa nemumwe womumhuri menyu kana kuti shamwari yawaida hausi woga uri kushungurudzika. Vakawanda vakawana nzira dzinobatsira kuti vatsungirire sezvatichakurukura.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Sezvo kuchema kunoita vanhu kuchisiyana, zvingava zvisina kururama kuti vamwe vataure zvavanofunga pamusoro pevaya vasingaratidziki sevanochema avo vanenge vafirwa nemunhu wavanoda.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Ndakapererwa uye ndakasurukirwa. Amai vangu vaiva shamwari yangu yepamwoyo.”—Ashley