Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvokukurukura Semhuri

Zvokukurukura Semhuri

Zvokukurukura Semhuri

Chii Chisipo Pamufananidzo Uyu?

Verenga Genesisi 13:5-17. Zvino chitarisa pamufananidzo wacho. Zvii zvisipo? Nyora mhinduro dzako pamitsetse iri pasi apa. Dhirowa uchibatanidza twumadododo twuripo kuti upedzise mufananidzo wacho, ibva waisa makara pamufananidzo wacho.

1. ․․․․․

2. ․․․․․

[Mufananidzo]

(Ona magazini yacho)

ZVOKUKURUKURIRANA:Kusawirirana kupi kwakaitika pakati paAbrahamu naRoti nevafudzi vezvipfuwo zvavo? Pasinei nekodzero dzake, Abrahamu akaita sei kuti pave nerugare?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Genesisi 13:7-9.

Abrahamu akachengetera Roti chigumbu here pamusana pokuti Roti aida nyika yakanga yakanaka yacho?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Genesisi 14:12-16.

Abrahamu akakomborerwa sei pamusana peunhu hwake hwakanaka?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Genesisi 13:14-17.

Ungaratidza sei kuti uri munhu anoita kuti pave nerugare?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 1 VaKorinde 13:4, 5; Jakobho 3:13-18.

ZVOKUITA SEMHURI:

Mumwe womumhuri anogona kuedzesera chinyararire zvakaitwa nemumwe wevanhu vemunyaya yemuBhaibheri yataurwa pamusoro apa. Vamwe vose vomumhuri vanofanira kufungidzira kuti munhu wacho ndiani.

● Mhinduro dze“ZVOKUKURUKURA SEMHURI” dziri papeji 29

Chengeta Udzidze

Cheka, peta nepakati, uye chengeta

KADHI REBHAIBHERI 3 RUTE

MIBVUNZO

[Mufananidzo uri papeji 22]

A. Pedzisa zvakataurwa naRute kuna Naomi: “Vanhu venyu vachava . . . ”

B. Rute akaratidza muenzaniso wakanaka sei kune vaya vanotarisira vanorwara nevakwegura?

C. Zadzisa musina kunyorwa. Rute akaroorwa na․․․․․ uye akazova mbuya va․․․․․ na․․․․․.

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama kunenge kuma1200 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Anobva kuMoabhi achienda kuBhetrehema

MOABHI

Bhetrehema

RUTE

NHOROONDO YOUPENYU

Chirikadzi yechiMoabhi yakatendeka yaitarisira vamwene vayo vakanga vachembera vainzi Naomi. Rute aida Naomi zvikuru uye akanga akatsunga kunamata Jehovha uye izvi zvakamupa simba rokusiya nyika yokumusha kwake ndokutamira kuBhetrehema. Vamwe vakaudza Naomi kuti, “Muroora wako . . . ari nani kwauri kupfuura vanakomana vanomwe.”—Rute 4:14, 15.

MHINDURO

A. “. . . vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo.”—Rute 1:16.

B. Rute aizvipira uye aishanda nesimba.—Rute 2:7, 10-12, 17; 3:11.

C. Bhoazi, Mambo Dhavhidhi, Jesu Kristu.—Mateu 1:5, 6, 16.

KADHI REBHAIBHERI 4 ESTERI

MIBVUNZO

A. Esteri akatsiva mambokadzi upi?

B. Pedzisa mashoko aya omuBhaibheri: “Esteri aingoramba achinzwirwa . . . ”

C. Zadzisa musina kunyorwa. Zita raEsteri rechiHebheru raiva rokuti ․․․․․, uye hama yake ․․․․․ akava mutarisiri wake.

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama kunenge kuma400 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Esteri aigara kuShushani, guta reUmambo hweMedhiya nePezhiya

MEDHIYA

Shushani

PEZHIYA

ESTERI

NHOROONDO YOUPENYU

Nherera yakazova mambokadzi waMambo Ahashivheroshi wekuPezhiya. Esteri akaisa upenyu hwake pangozi kuti afumure zano rakanga rarongwa kuti vaJudha vaparadzwe. (Esteri 4:11, 15, 16) Kushinga kwake, kugona kutaura nokungwarira, uye kuzviisa pasi zvakaratidza kuva zvinokosha zvikuru kupfuura runako rwake.—Esteri 2:7; 1 Petro 3:1-5.

MHINDURO

A. Vhashti.—Esteri 1:12; 2:16, 17.

B. “. . . nyasha nomunhu wose aimuona.”—Esteri 2:15.

C. Hadhasa (kureva Mukute), Modhekai—Esteri 2:7.

KADHI REBHAIBHERI 5 ABRAHAMU

MIBVUNZO

A. Abrahamu akanga aine makore mangani pakaberekwa mwanakomana wake Isaka?

B. Jehovha akavimbisa Abrahamu chii?

C. Zadzisa pasina kunyorwa. Nemhaka yekutenda kwake kwakasimba uye mabasa, Abrahamu akanzi ․․․․․.

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama makore okuma 1900 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Akabva kuUri achienda kuKenani

Uri

Harani

KENANI

ABRAHAMU

NHOROONDO YOUPENYU

Murume akatendeka akatama achibva muguta rakanga rakabudirira reUri kuti aite zvaidiwa naJehovha, pasinei nokuti aisaziva kuti aizogara kupi. (VaHebheru 11:8-10) Aigara achidzidzisa vomumhuri make kuti “vachengete nzira yaJehovha kuti vaite zvakarurama.” (Genesisi 18:19) Bhaibheri rinomudana kuti “baba vevaya vose vanotenda.”—VaRoma 4:11.

MHINDURO

A. Zana.—Genesisi 21:5.

B. Marudzi ose aizozvikomborera nokumwana wake.—Genesisi 22:16-18.

C. “Shamwari yaJehovha.”—Jakobho 2:21-24.

KADHI REBHAIBHERI 6 ABHERI

MIBVUNZO

A. Ndiani akaponda Abheri?

B. Jehovha akaona sei Abheri nechibayiro chake?

C. Zadzisa pasina kunyorwa. Abheri aishanda se․․․․․.

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama kunenge kuma3900 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Airarama kunze kwemunda weEdheni

Munda weEdheni?

ABHERI

NHOROONDO YOUPENYU

Mwanakomana wechipiri waAdhamu naEvha uye murume wokutanga aiva nokutenda akanyorwa muBhaibheri. Abheri akaratidza kuti aida kufarirwa naMwari kupfurikidza nokupa chibayiro chaigamuchirwa. Kunyange zvazvo muBhaibheri musina kana mashoko akambotaurwa naAbheri, tinofanira kutevedzera muenzaniso wake uye kutenda kwake.—Genesisi 4:1-11; VaHebheru 11:4.

MHINDURO

A. Mukoma wake, Kaini.—1 Johani 3:11, 12.

B. ‘Akazvifarira.’—Genesisi 4:4.

C. Mufudzi wemakwai.—Genesisi 4:2.