Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurera Vana Kubva Paucheche Kusvika Pazera Rokuyaruka

Kurera Vana Kubva Paucheche Kusvika Pazera Rokuyaruka

Kurera Vana Kubva Paucheche Kusvika Pazera Rokuyaruka

“Kubvira pavanozvarwa kusvika vava nemakore mashanu, vana venyu vanenge vasina chokutyira pavanenge vari pamba uye zviri nyore kuvadzidzisa tsika dzakanaka. Asi pavanongotanga kuenda kuchikoro, vanotanga kuona maitirwo ezvinhu akasiyana-siyana uye matauriro akasiyana-siyana.”—Valter, Italy.

VANA pavanenge vachikura vanotanga kuona zvakasiyana-siyana zvinoitika muupenyu. Vanenge vava nenguva yakawanda vachiwadzana neshamwari dzavo, vavanodzidza navo kuchikoro uye hama dzavo. Semashoko aValter ari pamusoro apa, mwana wenyu paaiva mucheche ndimi maimudzidzisa zvamaida asi zvaava kukura vadzidzisi vanenge vawandawo. Ndokusaka zvichikosha kuti mudzidzise mwana wenyu pazera iri kukosha kwokuteerera uye kuva netsika dzakanaka. Zvinokoshawo kuti mumurayire kuti azive zvakanaka nezvakaipa.

Kuti mwana agone kuita izvi zvinoda nguva uye haaberekwi achizvigona. Dzimwe nguva mungatofanira ‘kutsiura, kuranga, kurayira, nomwoyo murefu nounyanzvi hwokudzidzisa.’ (2 Timoti 4:2) Nezvemitemo yaMwari, vabereki vechiIsraeri vakarayirwa kuti: ‘Unofanira kuiroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvayo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.’ (Dheuteronomio 6:6, 7) Sezvinoratidzwa nerugwaro urwu, zvinokosha kuti murambe muchidzidzisa vana venyu.

Kurera vana harisi basa riri nyore. Ngatimboongororei mamwe ematambudziko acho.

Nguva Yokuteerera

Sezvo Bhaibheri richiti kune “nguva yokutaura,” kunewo nguva yokuteerera. (Muparidzi 3:7) Mungadzidzisa sei vana venyu kuteerera vamwe, kusanganisira imi, pamunenge muchitaura? Imi wacho teererai vamwe pavanenge vachitaura. Vamwe pavanenge vachitaura, kana kuti vana venyu, munonyatsovapawo nzeve here?

Zviri nyore kuti pfungwa dzevana dzitange kumbeya-mbeya, saka muchaona kuti zvinoda kuva nemwoyo murefu pamunokurukura navo. Vana havana kufanana, saka nyatsocherechedzai kuti muone kuti ndeipi nzira yokukurukura nemwana wenyu inonyatsobudirira. Somuenzaniso, vamwe baba vokuBritain vanonzi David, vanoti: “Ndinoita kuti mwanasikana wangu ataure zvandinenge ndataura kuti ndione kana azvinzwisisa. Kuteerera kwake kuri kutowedzera sezvaari kukura.”

Jesu paairayira vadzidzi vake, akavaudza kuti: “Chenjererai kuteerera kwamunoita.” (Ruka 8:18) Kana vakuru vachifanira kuita izvi, ko kuzoti vana!

“Kukanganwirana Nomwoyo Wose”

Bhaibheri rinoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.” (VaKorose 3:13) Vana vanogona kudzidziswa kukanganwira vamwe. Vangadzidziswa sei?

Kufanana nenyaya yambotaurwa yokuteerera, imi sevabereki munofanira kudzidza kukanganwirana. Vana venyu ngavakuonei muchikanganwira vamwe. Vamwe amai vokuRussia vanonzi Marina, vanoedza kuita izvi. Vanoti: “Tinoedza kuratidza vana vedu muenzaniso wakanaka pakukanganwira vamwe, kubvumawo kukanganisirwa tichiitira kudzivisa kukakavadzana, uye kusagumburiswa nazvo.” Vanozotizve: “Kana ndiri ini ndakanganisira vana vangu ndinovakumbira ruregerero. Ndizvo zvandinoda kuti vazoita kune vamwe kana vakanganisirana.”

Kukwanisa kugadzirisa kusanzwisisana uye kuregererana chinhu chinokosha muupenyu. Dzidzisai vana venyu iye zvino kuti vafungewo vamwe uye kuti vabvume zvavanenge vakanganisa. Mukaita kudaro, munenge muchitovapa chipo chinokosha chichavabatsira muupenyu.

“Ratidzai Kuti Munoonga”

Panguva dzino “dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” vanhu vakawanda “vanozvida.” (2 Timoti 3:1, 2) Iye zvino vana venyu vachiri vaduku, ndipo pamunofanira kuvadzidzisa kuonga. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ratidzai kuti munoonga.”—VaKorose 3:15.

Kunyange pavanenge vachiri vaduku, vana vanogona kudzidza kuva netsika dzakanaka uye kufunga vamwe. Vangazviita sei? “Chinhu chinonyanya kukosha kuti muite kuti vana venyu varatidze kuonga kugara muchivaratidza muri kumba,” Dr. Kyle Pruett akataura mashoko aya mumagazini inonzi Parents. Akazotizve: “Izvi zvinoratidza kuti munenge muchionga zvamunoitirwa nevamwe . . . Zvinoda kuti mugare muchiita izvi.”

Vamwe baba vokuEngland vanonzi Richard, vakataura zvavanoedza kuita panyaya iyi, vachiti: “Ini nomudzimai wangu tinoonga vanhu vanenge vatiitira mutsa, vakadai sevadzidzisi kana vanambuya nanasekuru. Pose patinoshanyira imwe mhuri kuti tinodya pamwe chete, tinonyora kadhi rokuvatenda, uye vana vose vanonyora mazita avo kana kudhirowa pikicha pariri.” Kuonga vamwe uye kuvaitira zvakanaka kunobatsira mwana wenyu kuti asimbise ushamwari hunozogara kwemakore nemakore.

“Usarega Kuranga”

Vana venyu pavanenge vachikura, zvinokosha kuti vadzidze kuti vanozozvidavirira pane zvavanenge vaita. Vana pavanenge vachiri vaduku, vanozvidavirira kuvabereki vavo, asi hazvigumiri kuvabereki chete, zvinosanganisirawo vadzidzisi vokuchikoro uye vakuru vomunharaunda. Munogona kubatsira vana venyu kuti vadzidze kuti chavanodyara ndicho chavanokohwa. (VaGaratiya 6:7) Mungavabatsira sei?

Bhaibheri rinoti: “Usarega kuranga.” (Zvirevo 23:13) Kana muchinge majekesera mwana wenyu kuti muchamuranga kana akanganisa, itai saizvozvo. Vamwe amai vokuArgentina vanonzi Norma, vanoti: “Kusachinja-chinja zvaunenge wataura kunokosha. Kuchinja-chinja kunotoita kuti mwana ashandise mukana iwoyo kuti awane zvaanoda.”

Kuti vabereki vasaramba vachinetsana nemwana nemhaka yemisikanzwa yaanenge aita vanofanira kuva nechokwadi chokuti mwana agara anzwisisa chirango chaanozopiwa kana kuri kuti azokanganisa. Kana mwana achiziva zvaanofanira kuita nechirango chaanozopiwa kana achinge akanganisa, uye achiziva kuti hachichinji, kashoma kuti aite nharo.

Kuti chirango chacho chishande, musaranga mwana makatsamwa. Bhaibheri rinoti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) Hamufaniri kuranga zvoutsinye, kana kuudza mwana magaramwoyo.

Zvinoita here kuti mudzore hasha dzenyu kana mwana wenyu achinge akugumburai kusvika pokupedzisira? Vamwe baba vokuNew Zealand vanonzi Peter vanotaura kuti: “Hapasi pose pazviri nyore, asi vana vanofanira kuziva kuti varangwa nemhaka yezvavaita uye kwete nokuti mubereki atadza kuzvidzora.”

Peter nomudzimai wake vanoedza kubatsira vana vavo kuti vaone zvakakoshera chirango muupenyu. Anoti: “Kunyange vana pavanenge vaita zvinhu zvinogumbura, tinotaura navo nezveunhu hwakanaka hwavanofanira kuva nahwo pane kusimbisira kukanganisa kwavanenge vaita.”

“Kunzwisisa Kwenyu Ngakuzivikanwe”

Achitaura nezvechirango chaaida kupa vanhu vake, Mwari akati: “Ndichakuranga zvakakodzera.” (Jeremiya 46:28) Mwana anogadzirisa paakanganisa akasununguka kana mukapa chirango chinoenderana nekukanganisa kwaanenge aita. Pauro akanyorera vaKristu kuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”—VaFiripi 4:5.

Chimwe chinoratidza kuti unonzwisisa paunenge uchitsiura mwana ndechokuti mwana anofanira kusara achinzwa kuti achine chiremerera. Vamwe baba vokuItaly vanonzi Santi, vanoti: “Handishori vana vangu. Asi ndinoedza kutsvaka chaita kuti mwana aite musikanzwa ndomubatsira kuti asaudzokororazve. Ndinotsiura mwana wangu pake oga, pasina vamwe vanhu. Handitauri zvikanganiso zvake ndichiita zvokumutsvinyira, kunyange pamberi pevamwe vanhu.”

Richard ambotaurwa nezvake anoonawo zvakanakira kunzwisisa. Anoti: “Pakuranga mwana haufaniri kumuudza kuti paya wakambokanganisazve saka ndava kuwedzera chirango chacho. Kana muchinge matsiura mwana, hazvina kunaka kuti murambe mongotaura nezvazvo muchiyeuchidza mwana nezvekukanganisa kwake.”

Kurera vana ibasa chairo rinoda kuti muzvipire asi rinounza mibayiro yakanaka chaizvo. Vamwe amai vokuRussia vanonzi Yelena, vanobvumirana nazvo. Vanoti: “Ndakatsvaga basa randinongoshanda maawa mashoma pavhiki kuti ndive nenguva yakawanda nemwanakomana wangu. Izvi hazvisi nyore uye zvinoita kuti usare uine mari shoma. Pandinoona kufara kunoita mwana wangu uye kuwirirana kwatinoita ndinobva ndaona kuti kuzvipira kwandinoita kushandisa zviripo.”

[Mufananidzo uri papeji 11]

Vana vanogona kudzidza kufunga vamwe

[Mufananidzo uri papeji 12]

Tsiurai vana nenzira inoita kuti vasare vachinzwa kuti vachine chiremerera