Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Muchina Unoshamisa Kupfuura Yose”

“Muchina Unoshamisa Kupfuura Yose”

“Muchina Unoshamisa Kupfuura Yose”

PFUNGWA dzemucheche dzinonzi “muchina unoshamisa kupfuura yose” uyewo ndezvechokwadi. Mwana paanozvarwa pfungwa dzake dzinenge dzagadzirira kubata ruzha rwezvinhu zvakasiyana siyana, uye zvinhu zvakamupoteredza zvinenge zvichiitika nezvaanenge achiona.

Chimwewo chiripo ndechokuti mucheche anonakidzwa nemabatirwo aanoitwa nevamwe vanhu, nemaitiro avanoita zviso zvavo, kana kuti nemanzwi. Rimwe bhuku rinotaura nezvevacheche rinonzi Babyhood, rakanyorwa naPenelope Leach rinoti: “Pane ongororo dzakawanda dzakaitwa dzinoratidza zvinonyanya kufarirwa nomucheche. Zvimwe zvacho ruzha rwakasiyana-siyana, zvaanoona, uye mabatiro aanofarira kuitwa. Mwana anoona zvose izvi pamunhu mukuru anenge achimutarisira.” Ndochikonzero nei vabereki vachiita zvose izvi pakukura kwemucheche.

“Ndaitaura Somucheche”

Kukwanisa kunoita rusvava kudzidza mutauro nokungounzwa chete kunoshamisa chaizvo vabereki nanachiremba vanorapa vana. Vanoongorora vakaona kuti mumazuva mashoma, mucheche anojairana nenzwi raamai vake uye ndiro raanofarira kudarika remumwe munhu. Muvhiki shomanana anenge ava kukwanisa kusiyanisa mabudiro anoita mutauro waamai vake nemimwe mitauro. Mwedzi painozopindana anenge ava kukwanisa kuziva kuti mashoko anobatanidzwa sei zvokuti anenge ogona kusiyanisa matauriro aajaira kunzwa neaasina.

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pandaiva mucheche, ndaitaura somucheche.” (1 VaKorinde 13:11) Mucheche anotaura sei? Kazhinji anenge achitaura achikurumidza uku mashoko acho asinganyatsobudi. Unofunga kuti kungoriwo kuita ruzha here? Pane zvaanenge achitotaura. Dr. Lise Eliot akanyora bhuku rinotaura nezvokuti chii chinenge chichiitika mupfungwa dzemucheche, rinonzi What’s Going On in There?—How the Brain and Mind Develop in the First Five Years of Life, achiti kutaura hutori “unyanzvi hwokupindirana kunoitika pakati pemiromo, rurimi uye gurokuro.” Anowedzera kuti: “Kunyange hazvo mwana achingoropota-ropota mashoko asinganzwisisiki kuti apiwe zvaanoda, kuita kudaro kunomubatsirawo kuti mangwana azokwanisa kutaura nenzira yemandorokwati.”

Mucheche paanenge achitaura zvisinganzwiki kudaro vabereki vake vanobva vamutevedzera vachiwedzeredza uye izvi zvine zvazvakanakira. Kuita izvi kunoita kuti mucheche atevedzerewo. Mucheche paanenge achitaura nemubereki wake anonzwa mubereki achimbonyarara kuti iye ataure. Saka unyanzvi uhwu hwokuziva kuti mumwe anofanira kunyarara kana mumwe achitaura hunozomubatsira muupenyu hwake.

Zvaiitwa Nevabereki Zvinochinja

Zuva nezuva vabereki vemucheche havagari pasi nokuti mucheche wavo anenge ane zvakawanda zvaanenge achida. Mwana akachema, zvimwe inenge yava nzara, kana kuti anenge oda kuchinjwa napukeni kana kuti anenge achida kubatwa mumaoko. Kuona kuti zvose izvi zvaitwa kwakanaka uye kunokosha chaizvo. Ndicho chinhu chinokosha chinoitwa nevabereki pakuzadzikisa basa ravo pakuitira mwana wavo zvaanoda.—1 VaTesaronika 2:7.

Nezvakurukurwa izvi, hapana chakaipa kana mwana akazviona sokuti ndiye oga munyika, uye vanhu vakuru kunyanya vabereki, varipo kuti vamuitire zvose zvaanoda. Mafungiro aya ndiwo anonzi hope dzechembere kurota ichiyamwa, asi handiti mwana here, saka hapana chakaipa. Yeuka kuti kwerinopfuura gore rose ndizvo zvanga zvichifungwa nomucheche. Kwaari iye ndimambo ane vashandi vake vanenge vachimuitira zvaanenge ada. Mumwe chipangamazano panyaya dzemhuri anonzi John Rosemond anonyora kuti: “Zvinongoda makore maviri chete kuti mucheche ave nemafungiro iwaya, asi zvinotora makore anopfuura 16 kuti achinje mafungiro ake. Iwe somubereki ndiwe wakadzidzisa mwana wako kuti azvione sokuti ndimambo, ndiwe zvakare uchamudzidzisa zvishoma nezvishoma kuti handizvo zvakaita upenyu.”

Paanozosvitsa makore maviri umambo huya hunobva hwaparara. Mubereki iye zvino anenge ava murayiridzi kwete semunhu anongopa zvose zvose zvinodiwa nemucheche. Mwana anenge ava kuona kuti vabereki vake havachatevedzeri zvaanoda asi kuti ndiye anenge ava kutevedzera zvavanoda. Zvokuva mambo zvapera uye anogona kusafara nemafambiro anenge ava kuita zvinhu. Anogumbuka zvokuti anoedza kudzosa umambo hwake. Anozviita sei?

Zvaungaita Kana Mwana Achishusha

Pavanenge vava nemakore maviri, vacheche vakawanda vanochinja zvinoshamisa zvokuti dzimwe nguva vanoita tuhasha. Iyi ndiyo nguva inovhiringidza vabereki. Chose chose chinenge changova “Aiwa!” kana kuti “Handidi!” Zvaanenge achiita kana kuti zvinoitwa nevabereki vake zvinogona kunge zvisingamunakidzi kana kuti anenge achitovhiringika nezviri kuitika kwaari. Haachadi zvokuva pedyo newe asizve haadi kusiyana newe. Vabereki vanenge vavhiringika vanoona sokuti zvose zvavanoita hapana chiri kubuda. Chii chinenge chichimboitika?

Chimbofunga kuchinja kunoshamisa kwaitika muupenyu hwemwana. Nguva yose yapfuura chake kwaingova kuchema, munhu mukuru obva auya achimhanya. Iye zvino ava kuona kuti zvinhu zvachinja, uye anofanira kuzviitira zvimwe zvinhu oga. Nokufamba kwenguva anotanga kunzwisisa kuti pane vanhu vaanofanira kuzviisa pasi pavo, izvo zvinonzi neBhaibheri: “Imi vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose.”—VaKorose 3:20.

Panguva iyi vabereki ndipo pavasingafaniri kuregeredza mwana wavo. Kana vakamudzidzisa uye vachizviita nenzira yorudo, achaziva nzvimbo yake semwana. Uye zvaachadzidza zvichamubatsira pakukura kwake.

Kukwanisa Kuziva Chakanaka Nechakaipa

Mhuka kunyange michina chaiyo zvinogona kuona kuti apa pakanyorwa kuti kudii kana kutevedzera zvakanyorwapo. Asi munhu chete ndiye anogona kufunga kana kuongorora zvinhu asati aita chinhu. Saka pazera remakore maviri kana matatu, mwana anogona kudada, kunyara kunyange kuzvipa mhosva. Aya ndiwo matanho okutanga pakuva munhu mukuru anozokwanisa kusimudza musoro achitsigira zvakanaka kunyange vamwe vachiita zvakaipa.

Panguva iyi vabereki vachafara kuona zvimwe zvinoshamisa pamwana wavo. Mwana wavo ava kuita zvinhu achifungawo vamwe. Paaiva nemakore maviri aitamba ari pane vamwe asi achiita zvinhu zvake oga, iye zvino ava kutamba nevamwe. Kana vabereki vake vakafara ava kukwanisa kuzviona uye angada kuita zvinhu zvinovafadza. Saka kana zvadai zvinenge zvava nyore kuti adzidze.

Iye zvino ndiyo nguva apo mucheche anenge ava kutanga kudzidza kusiyanisa chakanaka nechakaipa. Saka ndiyo nguva yakanaka yokuti vabereki vadzidzise vana vavo kuti vazokura vari vanhu vanozozviraramira voga.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Mumazuva mashoma, mucheche anojairana nenzwi raamai vake uye ndiro raanofarira kudarika remumwe munhu

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Iye zvino ndiyo nguva apo mucheche anenge ava kutanga kudzidza kusiyanisa chakanaka nechakaipa

[Bhokisi riri papeji 6]

CHINGAKONZERA KUTI MWANA ARAMBE ACHISHUSHA

John Rosemond, mubhuku rake raakanyora rinonzi New Parent Power akati: “Vamwe vabereki vanofunga kuti chinoita kuti mwana arambe achishusha imhaka yokuti pane chimwe chinhu chavakanganisa pane zvanga zvichidiwa nemwana wavo. Kana zviri izvo kuti ndivo vakonzera kuti mwana ashushe, vanofanira kugadzirisa zvavakanganisa nokukurumidza. Kana vanga vambotanga nokuti ‘aiwa hazviiti’ vanozoti ‘horaiti.’ Kana kuri kuti vambenge vambomuti shwapu-shwapu, vabereki vanobva vapa mwana zvaanga achida kana kutopa zvakatowanda kuti vasazvipa mhosva. Izvi zvinomboshanda. Kushusha kunombopera, vabereki vomboti furwei nemhepo uye mwana paanoona kuti zano rake rashanda, mangwana achatowedzera kushusha kuti awane zvaanoda.”