Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Peji 2

Peji 2

Peji 2

Kudzidzisa Vana Kuti Vazozviraramira

Kunenge kuti ndicho chinhu chokupedzisira chinozofungwa nevabereki pavanenge vakati ndee pakasvava kavo. Asi chokwadi chiri pachena ndechokuti kasvava ikako kachava munhu mukuru achange ava kuzviraramira oga. Izvi ndizvo zvazvinofanira kuva, nokuti Bhaibheri rinoti “murume achasiya baba vake naamai vake.” (Genesisi 2:24) Mashoko aya anoshandawo kuvakadzi.

Asi kana zuva rokuti mwana achibva pamba rasvika, vabereki vanomboti farei uku vachinetseka. Mibvunzo inenge iri mumusoro ndeyokuti: ‘Ndakagona kurera mwana wangu here? Achakwanisa here kuchengetedza basa, kutarisirawo imba yaachagara uye kushandisa mari yake zvakanaka?’ Chinonyanya kukosha ndechokuti, ‘Mwana wangu achararama achitevedzera zvandakamudzidzisa here?’—Zvirevo 22:6; 2 Timoti 3:15.

Mukai! ino ine nyaya inokosha icharatidza kuti mazano anobva muBhaibheri angabatsira sei vabereki pakukura kunenge kuchiita mwana wavo.