Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda Kuti Mwana Wako Azova Munhu Akaita Sei?

Unoda Kuti Mwana Wako Azova Munhu Akaita Sei?

Zvinotaura Bhaibheri

Unoda Kuti Mwana Wako Azova Munhu Akaita Sei?

UNODA kuti mwana wako aite zvipi pane zvinotevera?

A. Zvakafanana nezvaunoita.

B. Ndururani inongoda kuita zvakapesana nezvaunoda.

C. Munhu anokwanisa kuzvimiririra achikwanisa kuita zvisarudzo.

Vamwe vabereki vanofarira zviri paC, asi maitiro avo anoratidza kuti vanoda zviri paA. Vanoedza kumanikidza mwana wavo kuti atevedzere zvavanoda, zvakadai sokutomuudza kuti ibasa ripi raanofanira kushanda. Zvinoguma nei? Paanozongowana karusununguko anobva atoita zvake zvakapesana nezvaidiwa nemubereki. Zvinoitawo sokuti vabereki vanenge vachida kuti vana vaite sezviri paA vanoguma vava nevana vakaita sevari paB.

Chinoita Kuti Kufudza Mwana Kusabatsira

Unoda kuti mwana wako azove munhu mukuru anokwanisa kuzvimiririra achizvisarudzira. Saka ungazviita sei? Chimwe chaunofanira kuziva ndechokuti kuita somupurisa kana kuti kufudza mwana wenyu hakubatsiri. Ona zvikonzero zviviri.

1. Magwaro haakurudziri kuti vabereki vaite zvokufudza vana. Jehovha Mwari akasika vanhu vaine rusununguko rwokuzvisarudzira. Anopa vanhu rusununguko rwokuti vasarudze mararamiro avanoda, angava akanaka kana kuti akashata. Somuenzaniso, Kaini paakaramba akatsamwira munin’ina wake Abheri zvokutoda kumuuraya, Jehovha akamuudza kuti: “Kana ukaita zvakanaka, haungakwidziridzwi here? Asi kana ukasaita zvakanaka, chivi chiri kukuvandira pasuo, chiri kuda iwe; asi iwe uchachikunda here?”—Genesisi 4:7.

Ona kuti kunyange zvazvo Jehovha akapa Kaini zano rakajeka, haana kumumanikidza kuti ariteerere. Kaini aitofanira kusarudza kuti odzora hasha dzake here kana kuti orega. Tinodzidzei? Kana Jehovha asingamanikidzi zvisikwa zvake kuti zvimuteerere, newewo haufaniri kumanikidza vana vako kuti vakuteerere. *

2. Kazhinji zvaunoda hazvisi izvo zvinozoitika kana ukaita zvokufudza vana. Ngatitii mumwe munhu anouya kwauri achikumanikidza kuti utenge zvinhu zvake zvaanotengesa. Paanoramba achikumanikidza ndipo paunowedzerawo kuomesa musoro uchiramba. Nyangwe wanga uchida zvaari kutengesa, maitiro ake anogona kutokugumbura zvokuti unopedzisira warega kuzvitenga.

Ndizvowo zvinogona kuitika kana ukaedza kumanikidza mwana wako kuti atevedzere tsika dzako, zvaunotenda uye zvinangwa zvako. Achazvitevedza here? Kashoma! Chokwadi ndechokuti unokohwa zvawanga usina kutarisira uye mwana wako angatotanga kusafarira zvaunoda. Kakawanda, kurera vana nenzira iyi hakushandi. Saka woita sei?

Mwana wako paaiva achiri muduku waimuudza zvokuita nezvokusaita, asi iye zvino wava kufanira kumubatsira kuona zvazvakanakira kuita zvakanaka. Somuenzaniso, kana uri muKristu, muratidze kuti kurarama achitevedzera mitemo yaMwari kunoita sei kuti agutsikane kweupenyu hwake hwose.—Isaya 48:17, 18.

Ratidza nezvaunoita kuti zvawataura zvinoitwa sei. Zvaunoda kuti mwana wako azove, ita izvozvo. (1 VaKorinde 11:1) Nyatsoratidza pachena mitemo netsika zvaunosarudza kurarama uchitevedza. (Zvirevo 4:11) Kana mwana wako ari kuyaruka akada Mwari uye mitemo yake, achaita zvisarudzo zvokuchenjera kunyange iwe usipo.—Pisarema 119:97; VaFiripi 2:12.

Mudzidzise Kuva Neunyanzvi Hwokuita Zvimwe Zvinhu

Sezvataurwa papeji 2 yemagazini ino, richasvika chete zuva iro mwana wenyu anenge akura ‘paachasiya baba vake naamai vake.’ (Genesisi 2:24) Somubereki, unoda kuva nechokwadi chokuti mwana wako ava neunyanzvi hunomubatsira kuti azozviraramira. Chimboona zvimwe zvaungamubatsira kuti akwanise kuita iye zvino achiri pamba.

Mabasa Epamba. Mwana wako ari kuyaruka anokwanisa kubika here? Anogona here kuwacha nokuaina mbatya dzake uye kutsvaira nokuchenesa imba yaanorara uye kuirongedza? Kana mune motokari, ane zviduku zvaanogona kugadzirisa here kana zvafa? Kukwanisa kuita zvinhu izvi kuchamubatsira kuti azogona kutarisira imba yake mune ramangwana. Muapostora Pauro akati: “Ndakadzidza kugutsikana, mumamiriro ezvinhu ose andinenge ndiri.”—VaFiripi 4:11.

Kugarisana Nevamwe Zvakanaka. (Jakobho 3:17) Mwana wako ari kuyaruka anowiriranawo nevamwe here? Kana akatadza kuwirirana nemumwe munhu anogona here kugadzirisa kusawirirana kwacho zvakanakanaka? Wakamudzidzisa here kuti aremekedze vamwe uye kuti agadzirise kusawirirana kunenge kwaitika zvisina mhere-mhere? (VaEfeso 4:29, 31, 32) Bhaibheri rinoti: “Kudzai vanhu vemarudzi ose.”—1 Petro 2:17.

Kushandisa Mari Zvakanaka. (Ruka 14:28) Ungabatsira here mwana wako kuti adzidze basa remaoko, ararame zvinoenderana nehomwe yake, uye asapinda muzvikwereti? Wakamudzidzisa here kuti agutsikane nezvinhu zvinokosha pakurarama, achengete mari ozotenga chaanoda, uye kuti asangotenga chinhu nokuti achionerei? (Zvirevo 22:7) Pauro akanyora kuti: “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8.

Kana vari kuyaruka vakadzidza kurarama vachitevedzera tsika dzakanaka uye vakava neunyanzvi hwokuita mabasa, vanenge vagadzirira kuzova vanhu vakuru. Pakadai zvinodiwa nevabereki kuti vana vavo vazova zvinenge zvazadzikiswa.—Zvirevo 23:24.

[Mashoko Omuzasi]

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

● Mwana wako paanokura unoda kuti azova munhu akaita sei?—VaHebheru 5:14.

● Mwana wako ari kuyaruka paanova munhu mukuru anenge ava kutarisirwa kuitei?—Joshua 24:15.

[Mifananidzo iri papeji 25]

Unoda kuti mwana wako azoita zvipi?

Zvakafanana nezvaunoita . . .

Ndururani . . .

Kana kuti munhu anokwanisa kusarudza