Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaurwa Nevabereki

Zvinotaurwa Nevabereki

Zvinotaurwa Nevabereki

Vabereki vakawanda vanosangana nematambudziko matsva vana vavo pavanova pazera rokuyaruka. Kuvhiringidzika kwavanoita kunogona kunge kuri ikowo kuvhiringidzika kuri kuita mwana wavo, saka vangamubatsira sei? Imbonzwa zvakataurwa nevamwe vabereki vari munyika dzakasiyana-siyana.

KUCHINJA

“Mwana wangu paaiva muduku aiteerera zvandaimuudza asingabvunzi. Asi mumakore ake okuyaruka airatidza sokuti akanga asingachavimbi neni. Ndaiti kuti nditaure chakati iye aibvawo ada kuziva kuti nei ndataura izvozvo kunyange matauriro andaiita aitoti awane chokutaura pamusoro pazvo.”—Frank, Canada.

“Mwanakomana wangu haachatauri sezvaaimboita. Kuti ndizive zvaari kufunga ndinotofanira kumubvunza. Kupindura zvandinenge ndabvunza anopindura hake asi ndinenge ndabvunza nenzira dzakasiyana-siyana kuti azopindura.”—Francis, Australia.

“Kuva nemwoyo murefu kunokosha. Dzimwe nguva tinombonzwa tichida kupopotera vana vedu, asi takaona kuti zvinobatsira kumbomirira kuti hasha dziserere tozokurukura navo!”—Felicia, United States.

KUKURUKURA

“Dzimwe nguva mwanasikana wangu anoti kana ndichida kumutsiura anotanga kundipikisa achida kuzviruramisa, uye anofunga kuti ndinongoshora-shora zvaanoita. Ndinotofanira kumuyeuchidza kuti ndinomuda, uye kuti ndinoda kuti zvinhu zvimufambire zvakanaka!”—Lisa, United States.

“Vana vangu pavaiva vaduku, vakanga vakasununguka kwandiri. Vaitaura zvavaifunga vakasununguka. Iye zvino ndava kutofanira kuedza kuratidza kunzwisisa uye kuvaremekedza sevanhu vane pfungwa dzavo. Ndizvo chete zvinoita kuti vasununguke kutaura zviri pamwoyo pavo.”—Nan-hi, Korea.

“Hazvina kukwana kurambidza vana kuti vasaita zvimwe zvinhu. Tinokurukura navo zvakanakanaka tichivabatsira kuti vaone zvakaipira kuita zvimwe zvinhu. Kuti vataure zvavanofunga vakasununguka tinofanira kuteerera zvavanotaura kunyange zvimwe zvacho zviri zvinhu zvatisingafariri kunzwa.”—Dalila, Brazil.

“Pandinotsiura mwana wangu, ndinozviita pasina vamwe.”—Edna, Nigeria.

“Dzimwe nguva pandinenge ndiri pakati pokutaura nemwana wangu, pfungwa dzangu dzinobva dzabva pane zvatiri kutaura ndotanga kuita zvimwe zvinhu mumba. Anozviona, uye ndinofunga kuti ndicho chimwe chikonzero nei asingadi kutaura zvakanyanya neni. Ndinofanira kuedza kunyatsoteerera paanenge achitaura kuitira kuti arambe achitaura neni akasununguka.”—Miriam, Mexico.

KUPA RUSUNUNGUKO

“Ndaigara ndichitya kupa vana vangu vari kuyaruka rusununguko, uye izvozvo zvakaita kuti tigare tichinetsana. Ndakavabudira pachena nezvenyaya yacho, ndikavatsanangurira zvandaityira uye ivo vakazonditsanangurirawo kuti nei vaida rusununguko rwakawedzerwa. Takazowirirana kuti ndaizovawedzera rusununguko ndokunge vaita zvandinenge ndavaudza.”—Edwin, Ghana.

“Mwana wangu aida mudhudhudhu. Ndaisabvumirana nazvo saka ndakatanga kumutuka ndichimuudza zvose zvakaipira kuutenga, ndisingambomupi mukana wokuti ataure zvaaifunga. Izvozvo zvakatoita kuti atsamwe uye kuti ave neshungu dzokuutenga! Ndakafungazve kuti ndomubatsira sei. Ndakakurudzira mwanakomana wangu kuti afungisise nezvenyaya iyi kusanganisira njodzi dzinogona kuvapo, mari yokutenga mudhudhudhu wacho, uye zvinodiwa nemutemo kuti uve nawo uye kuzouterera. Ndakamuudzawo kuti atsvake mazano kune vaKristu vakasimba pakunamata muungano. Ndakazoona kuti panzvimbo pokumudzvinyirira, zvaiva nani kuti ndimukurudzire kutaura zvaanoda akasununguka. Izvi zvakaita kuti ndimubatsire.”—Hye-young, Korea.

“Taiudza vana vedu zvokuita nezvokusaita, asi taivapawo rusununguko zvishoma nezvishoma. Vana vedu pavaiteerera, taiwedzerawo kuvapa rusununguko. Taivaudza zvokuita kuti vawane rusununguko, tichivaratidza kuti chaiva chido chedu kuti varuwane; asi vakatadza kuteerera taivaranga.”—Dorothée, France.

“Ndaisachinja-chinja mitemo yangu. Vana vangu pavaiteerera pazvinhu zvakawanda ndaiti kana vakakanganisa chimwe chinhu ndaisabva ndatoiita nyaya hombe. Somuenzaniso, imwe nguva ndaisaomerera panguva yatakataurirana kuti vange vava pamba. Asi pavaizoti nhasi vanonoka, mangwana vanonoka zvakare, ndipo pandaizovaranga.”—Il-hyun, Korea.

“Mushandi paanoramba achiteerera uye achiita basa nomazvo, waanoshandira anowedzerawo kumupa rusununguko. Ndizvowo zvandinoita kumwanakomana wangu paanoramba achiteerera uye achiita zvandinenge ndamuudza, ndinobva ndawedzerawo kumupa rusununguko zvishoma nezvishoma. Kungofanana nezvinoitika kumushandi kuti anopiwa chirango paanotadza kuita basa nomazvo, mwana wangu anoziva kuti anogona kutadza kuwana rusununguko kana akasaita zvandinenge ndamuudza.”—Ramón, Mexico.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

“Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki pairi.”—Zvirevo 22:6, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]

MAMIRIRO AKAITA MHURI

“Kurera Vana Vari Pazera Rokuyaruka Kunonakidza”

Joseph: Vanasikana vangu vakuru vaviri vari pazera rokuyaruka, uye ndinoona zvichikosha kuvateerera uye kugamuchira zvavanofunga. Kuvaratidza pachena zvandinenge ndakanganisa uye kuvaremekedza pandinenge ndichitaura navo, zvinobatsira kuti tikurukure takasununguka. Ndinoona kuti kurera vana vari pazera rokuyaruka kunonakidza, handizivi kuti ndaizozvigona sei kudai pasina Shoko raMwari, Bhaibheri.

Lisa: Ndakaona kuti mwanasikana wedu mukuru paakasvika pazera rokuyaruka, aida kuti nditonyanya kumuteerera. Ndichiri kuyeuka pandaipedza nguva yakawanda ndichimuteerera, ndichitaura naye, uye kana aiva nezvaimunetsa ndaimusimbisa. Ini nemurume wangu tinoita kuti vanasikana vedu vataure chose chavanenge vachida uye vazive kuti tinoremekedza zvavanofunga. Ndinoedza kushandisa mashoko ari pana Jakobho 1:19, anoti ‘kurumidza kunzwa, unonoke kutaura.’

Victoria: Amai vangu ndiyo shamwari yangu yepamwoyo. Handisati ndamboona munhu akanaka kudaro ane hanya neni, uye ndizvo zvavanongoita kune vamwe vose. Handizivi kuti ndingashandisa shoko ripi kuti nditsanangure unhu hwakanaka hwavanahwo. Hakuna mumwe akafanana navo.

Olivia: Baba vangu vane hanya nevanhu uye vane rupo. Vanogara vachibatsira vamwe kunyange patinenge tisina zvinhu zvakawanda. Havarerutsi zvinhu, asi munhu anofarawo nevamwe. Pana vanababa vose vakanaka, vangu vari pamberi uye ndinovada chaizvo!

“Hatina Nguva Yatingati Hatina Zvokuita!”

Sonny: Kana vana vedu vane chiri kuvanetsa, tinogara pasi semhuri tokurukura nezvacho. Munhu wose akasununguka kutaura zvaanoda, uye Bhaibheri ndiro rinotitungamirira pakuita zvisarudzo. Ini nemudzimai wangu, Ynez, tinoedzawo kuona kuti vana vedu vari kushamwaridzana nevanhu vakasimba pakunamata. Vatinoshamwaridzana navo ndivo vavanoshamwaridzana navo, uye tinoshamwaridzanawo neshamwari dzavo.

Ynez: Tinogara tiine zvakawanda zvokuita, uye tinozviita pamwe chete semhuri. SeZvapupu zvaJehovha, tinobatikana neushumiri, kudzidza Bhaibheri munhu ari oga uye semhuri, uye tinozvipira kuita mabasa akadai sekubatsira vanenge vawirwa nenjodzi uye kuvaka Dzimba dzoUmambo. Tinovawo nenguva yokufurwa nemhepo. Hatina nguva yatingati hatina zvokuita!

Kellsie: Baba vangu munhu anopawo vamwe nzeve, uye vasati vaita zvisarudzo zvikuru tinotanga tazvikurukura semhuri. Amai vangu vanonyatsoteerera pandinenge ndichitaura navo, ndingava ndiine dambudziko kana kuti ndichitaurawo hangu dzimwe nyaya.

Samantha: Amai vangu vanoita kuti ndinzwe ndiine chiremerera, ndichidiwa, ndichikosha, dzimwe nguva vanozviita vasingazivi. Vanonditeerera. Vane hanya neni. Tinowirirana zvokuti hapana chimwe chinhu chandingada kuti chivhiringidze kuwirirana kwedu.

[Mifananidzo]

Mhuri yekwaCamera: Joseph, Lisa, Victoria, Olivia, naIsabella

Mhuri yekwaZapata: Kellsie, Ynez, Sonny, naSamantha

[Mufananidzo uri papeji 22]

Vabereki vanogona kupa vana rusununguko, asi vanovaudzawo zvokuita nezvokusaita