Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvokukurukura Semhuri

Zvokukurukura Semhuri

Zvokukurukura Semhuri

Zvii Zvisipo Pamifananidzo Iyi?

Verenga Zvirevo 18:10 uye 26:17. Chitarisa pamifananidzo. Zvii zvisipo? Nyora mhinduro dzako pamitsetse iri pasi apa. Pedzisa kudhirowa mufananidzo wacho nokutevedza pane madododo, wobva waisa makara.

1 ․․․․․

2 ․․․․․

[Dhaigiramu]

(Ona bhuku racho)

ZVOKUKURUKURIRANA:

Unodzidzei kubva mundima idzi? Kungoziva zita raMwari chete kunoita kuti ufarirwe naye here?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Pisarema 91:2; Zvirevo 3:5, 6.

Nei kuri kuchenjera kuti usapindira munyaya dzevamwe?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga VaGaratiya 6:5-7; 1 VaTesaronika 4:11; 1 Petro 4:15.

Ibva waverenga Zvirevo 26:18, 19. Kutaura majee anonakidza kunganzi kungoriwo kutamba here?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Zvirevo 14:13; 15:21; Mateu 7:12.

ZVOKUITA SEMHURI:

Verengai Zvirevo 31:10-31 pamwe chete. Mumwe wenyu ngaaite zvokusaina nemaoko kana kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri asingatauri, kuratidza mabasa anonzi anoitwa nomudzimai anokwanisa. Vamwe vose vanofanira kufungidzira kuti mabasa api ari kusainiwa. Kurukurai kuti mabasa api amungadzidza kuti muzoaita nemazvo.

Chengeta Udzidze

Cheka, peta nepakati, uye chengeta

KADHI REBHAIBHERI 7 PETRO

MIBVUNZO

A. Chii chakaita kuti Petro atange kunyura?

B. Mashoko aya ndeechokwadi here kana kuti ndeenhema? Petro haana kumboroora.

C. Vatungamiriri vechitendero pavakaudza vaapostora kuti varege kudzidzisa, Petro nevamwe vaapostora vakapindura kuti: “Tinofanira . . . ”

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama muzana remakore rokutanga C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Akararama kuBhetisaidha uye kuKapenaume

GARIREYA

Kapenaume

Bhetisaidha

Gungwa reGarireya

PETRO

NHOROONDO YOUPENYU

Muredzi wehove aishanda nesimba uyo akazova mumwe wevadzidzi vaJesu 12 vepakutanga. Evhangeri ina dzinoratidza kuti Petro ndiye ainyanya kutaura kudarika vamwe vaapostora. Jehovha akamushandisa zvikuru pakuparidza uye ‘kusimbisa hama dzake.’—Ruka 22:32; Mako 3:13-19.

MHINDURO

A. Haana kuva nechokwadi.—Mateu 14:28-31.

B. Nhema.—Mako 1:29-31; Johani 1:42; 1 VaKorinde 9:5.

C. “. . .kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:18, 27-29.

KADI REBHAIBHERI 8 HEZEKIYA

MIBVUNZO

A. Hezekiya paakatanga kutonga samambo wevaJudha akanga ava nemakore mangani?

B. Jehovha akaita chishamiso chokuwedzera makore mangani kuupenyu hwaHezekiya?

C. Zadzisa pasina kunyorwa. Nemhaka yeminyengetero yaHezekiya uye kuvimbika kwake, Jehovha akatumira ngirozi kuti iuraye masoja ․․․․․ evaAsiriya.

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama kunenge kuma700 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Akararama muJerusarema

ASIRIYA

Jerusarema

HEZEKIYA

NHOROONDO YOUPENYU

Mambo aiva akavimbika uye akagadziridza temberi yaMwari akaita kuti itange kushandiswa, akaparadza zvinhu zvaishandiswa paku- namata kwenhema, uye akakurudzira vanhu kuti vapemberere Paseka. (2 Madzimambo 18:4; 2 Makoronike 29:3; 30:1-6) Pasinei nokuti baba vake mambo Aha- zi vaiita zvakaipa, Hezekiya “akaramba akana- matira kuna Jehovha.”—2 Madzimambo 18:6.

MHINDURO

A. 25.—2 Madzimambo 18:1, 2.

B. 15.—2 Madzimambo 20:1-6.

C. 185 000.—2 Madzimambo 19:15, 19, 35, 36.